Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 7:9-14

Vatongi 7:9-14 SNA2002

Zvino nousiku uhwo Jehovha akati kwaari, “Simuka, uburukire kumisasa, nokuti ndakavaisa muruoko rwake. Asi kana uchitya kuburuka, uburuke kumisasa una Pura muranda wako; ugondonzwa zvavanotaura; shure kwaizvozvo maoko ako achasimbiswa kuburukira kumisasa.” Ipapo akaburuka ana Pura muranda wake, kusvikira kumudzivo wavarwi, vakanga vari pamisasa. Zvino vaMidhiani navaAmareki navana vose vamabvazuva vakanga vari mumupata, vakawanda semhashu; namakamera avo akanga asingagoni kuverengwa, akanga akawanda sejecha riri pamhenderekedzo dzegungwa. Zvino Gidheoni wakati asvika, akanzwa munhu wakanga achirondedzera kurota kwake kushamwari yake, akati, “Tarira, ndarota hope, ndikaona chingwa chakabikwa chebhari chichikungurukira kumisasa yaMidhiani, chikasvika patende, ndokurirova rikawa; chikaritsindikira, tende rikavata pasi.” Shamwari yake ikapindura, ikati, “Hachizi chimwe chinhu, asi ndiwo munondo waGidheoni, mwanakomana waJoashi, murume waIsiraeri; Mwari wakaisa Midhiani nehondo yose muruoko rwake.”

Verenga chikamu Vatongi 7