Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 6:7-16

Vatongi 6:7-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha nokuda kwaMidhiani, Jehovha akatuma muporofita kuvana vaIsiraeri; iye akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, ‘Ndakakukwidzai, ndichikubudisai paIjipiti, nokukubudisai paimba youranda; ndikakurwirai mumaoko avaIjipiti, nomumaoko avose vaikumanikidzai, ndikavadzinga pamberi penyu, ndikakupai nyika yavo’; ndikati kwamuri, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu; hamufaniri kutya vamwari vavaAmori, vamugere munyika yavo; asi hamuna kuterera izwi rangu.’ ” Zvino mutumwa waJehovha wakasvika, akagara pasi pomuouki wakanga uri paOfura, waiva waJoashi, muAbhiezeri; Gidheoni mwanakomana wake, wakanga achipura zviyo pachisviniro chewaini, kuti azvivanze nokuda kwavaMidhiani. Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari, akati kwaari, “Jehovha anewe, iwe murume ane simba noumhare.” Gidheoni akati kwaari, “Haiwa, Ishe wangu, kana Jehovha anesu, ko izvi zvose zvakagotiwirireiko? Zviripiko zvishamiso zvake zvose, zvataiudzwa namadzibaba edu, achiti, ‘Jehovha haana kutikwidza here, achitibudisa paIjipiti?’ Asi zvino Jehovha wakatirasha, akatiisa mumaoko avaMidhiani.” Ipapo Jehovha akatendeukira kwaari, akati, “Enda nesimba rako iri, undoponesa Isiraeri pamaoko aMidhiani, handizini ndakakutuma here?” Akati kwaari, “Haiwa, Ishe, ndichagoponesa Isiraeri neiko? Tarirai rudzi rwangu ruduku kuna vose paManase, neni ndiri muduku kuna vose paimba yababa vangu.” Jehovha akati kwaari, “Zvirokwazvo, ini ndichava newe, iwe uchakunda vaMidhiani somunhu mumwe.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 6

Vatongi 6:7-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

VaIsiraeri pavakachema kuna Tenzi pamusana pavaMidhiani, Tenzi akavatumira muporofita akati, “Zvanzi naTenzi Mwari wavaIsiraeri, ‘Ndakakuburitsai kuIjipiti, ndichikununurai muuranda. Ndakakununurai mumaoko avaIjipiti nomumaoko avose vaikubatai uranda. Ndakafanokudzingirai vanhu ivavo ndikakupai nyika yavo.’ Ndakakutaurirai kuti, ‘Ini Tenzi ndini Mwari wenyu. Musambonamata vamwari vavaAmori vane nyika yamugere, asi imi hamuna kunditerera.’ ” Mutumwa waTenzi akauya akagara pasi pomuoku wokuOfura wokwaJoashi muAbhieziri. Ipapo Gidheoni mwanakomana wake aingunopurira koroni muchisviniro chewaini achiihwandisa kuvaMidhiani. Mutumwa waTenzi akazviratidza kuna Gidheoni ndokuti, “Tenzi anewe, iyewe mvumba chaiyo yokurwa.” Gidheoni akati kwaari, “Changamire, ko izvi zvose zvaizoitika sei kana Tenzi ainesu? Ko zvinhu zviya zvose zvinoshamisa zviri kupi zvatairondedzerwa namadzibaba edu kuti ndizvo zvaiitwa naTenzi maburutsiro aakavaita kuIjipiti? Asi iye zvino Tenzi akatirasa akatiti chi-i mumaoko evaMidhiani.” Tenzi akamucheuka akamuti, “Enda nesimba irori raunaro ununure vaIsiraeri mumaoko avaMidhiani. Ndini ndiri kukutuma.” Akati kwaari, “Changamire, ndinganunure sei vaIsiraeri? Mudzinza rokwaManase, mhuri yedu ndiyo duku duku uye mumba medu ndinongova munhuwo zvangu.” Tenzi ndokuti, “Pamusana pokuti ndinenge ndinewe uchauraya vaMidhiani sokunge uri kuuraya munhu mumwechete.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 6

Vatongi 6:7-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋacicema kunaJehova nokuɗa kwaMidiani, Jehova akatuma muprofita kuʋana ʋaIsraeri; iye akati kwaʋari: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ndakakukwidzai, ndicikuɓuɗisai paEgipita, nokukuɓuɗisai paimba yoʋuranda; ndikakurwirai mumaʋoko aʋaEgipita, nomumaʋoko aʋose ʋaikumanikidzai, ndikaʋadziŋga pamberi penyu, ndikakupai nyika yaʋo; ndikati kwamuri: Ndini Jehova Mŋari wenyu; hamufaniri kutya ʋamŋari ʋaʋaAmori, ʋamugere munyika yaʋo; asi hamuna‐kuterera inzwi raŋgu. Ɀino mutumŋa waJehova wakaȿika, akagara pasi pomuouki wakaŋga uri paOfra, waiʋa waJoashi, muAbiezeri; Gideoni mŋanakomana wake, wakaŋga acipura ɀiyo paciȿiniro cewaini, kuti aɀiʋanze nokuɗa kwaʋaMidiani. Ipapo mutumŋa waJehova akaɀiratidza kwaari, akati kwaari: Jehova unewe, iwe murume unesimba noʋumhare. Gideoni akati kwaari: Haiwa, Ishe waŋgu, kana Jehova anesu, ko iɀi ɀose ɀakagotiwirireiko? Ɀiripiko ɀishamiso ɀake ɀose, ɀataiʋudzwa namadziɓaɓa eɗu, ʋaciti: Jehova haana‐kutikwidza here, acitiɓuɗisa paEgipita? Asi ɀino Jehova wakatirasha, akatiisa mumaʋoko aMidiani. Ipapo Jehova akatendeʋukira kwaari, akati: Enda nesimba rako iri, undoponesa Israeri pamaʋoko aMidiani, handizi’ni ndakakutuma here? Akati kwaari: Haiwa, Ishe, ndicagoponesa Israeri neiko? Tarirai rudzi rwaŋgu ruɗuku kunaʋose paManase, neni ndiri muɗuku kunaʋose paimba yaɓaɓa ʋaŋgu. Jehova akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ini ndicaʋa newe, iwe ucakunda ʋaMidiani somunhu mumŋe.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 6

Vatongi 6:7-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)