Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋacicema kunaJehova nokuɗa kwaMidiani, Jehova akatuma muprofita kuʋana ʋaIsraeri; iye akati kwaʋari: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ndakakukwidzai, ndicikuɓuɗisai paEgipita, nokukuɓuɗisai paimba yoʋuranda; ndikakurwirai mumaʋoko aʋaEgipita, nomumaʋoko aʋose ʋaikumanikidzai, ndikaʋadziŋga pamberi penyu, ndikakupai nyika yaʋo; ndikati kwamuri: Ndini Jehova Mŋari wenyu; hamufaniri kutya ʋamŋari ʋaʋaAmori, ʋamugere munyika yaʋo; asi hamuna‐kuterera inzwi raŋgu.
Ɀino mutumŋa waJehova wakaȿika, akagara pasi pomuouki wakaŋga uri paOfra, waiʋa waJoashi, muAbiezeri; Gideoni mŋanakomana wake, wakaŋga acipura ɀiyo paciȿiniro cewaini, kuti aɀiʋanze nokuɗa kwaʋaMidiani. Ipapo mutumŋa waJehova akaɀiratidza kwaari, akati kwaari: Jehova unewe, iwe murume unesimba noʋumhare. Gideoni akati kwaari: Haiwa, Ishe waŋgu, kana Jehova anesu, ko iɀi ɀose ɀakagotiwirireiko? Ɀiripiko ɀishamiso ɀake ɀose, ɀataiʋudzwa namadziɓaɓa eɗu, ʋaciti: Jehova haana‐kutikwidza here, acitiɓuɗisa paEgipita? Asi ɀino Jehova wakatirasha, akatiisa mumaʋoko aMidiani. Ipapo Jehova akatendeʋukira kwaari, akati: Enda nesimba rako iri, undoponesa Israeri pamaʋoko aMidiani, handizi’ni ndakakutuma here? Akati kwaari: Haiwa, Ishe, ndicagoponesa Israeri neiko? Tarirai rudzi rwaŋgu ruɗuku kunaʋose paManase, neni ndiri muɗuku kunaʋose paimba yaɓaɓa ʋaŋgu. Jehova akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ini ndicaʋa newe, iwe ucakunda ʋaMidiani somunhu mumŋe.