Vatongi 6:12-24
Vatongi 6:12-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mutumwa waJehovha akati azviratidza kuna Gidheoni, akati kwaari, “Jehovha anewe, iwe murume wesimba noumhare.” Gidheoni akapindura akati, “Asika, ishe wangu, kana Jehovha anesu, seiko izvi zvose zvakaitika kwatiri? Zvishamiso zvake zvose zviripiko zvatakaudzwa namadzibaba edu pavakati, ‘Jehovha haana kutibudisa muIjipiti here?’ Asi zvino Jehovha akatisiya uye akatiisa muruoko rwavaMidhiani.” Jehovha akatendeukira kwaari akati, “Enda nesimba raunaro uponese Israeri muruoko rwavaMidhiani. Handizini ndakutuma here?” Gidheoni akabvunza akati, “Asika Ishe, ndingaponesa Israeri seiko? Imba yangu ndiyo dukusa maManase, uye ini ndiri mudukusa mumhuri yangu.” Jehovha akapindura akati, “Ndichava newe, uye iwe uchauraya vaMidhiani vose pamwe chete.” Gidheoni akapindura akati, “Zvino kana ndawana nyasha pamberi penyu, ndipei chiratidzo kuti ndizive kuti ndimi munotaura neni. Ndapota hangu, musabva pano kusvikira ndadzoka uye ndauya nechipiriso changu ndigochiisa pamberi penyu.” Uye Jehovha akati, “Ndichamira pano kusvikira wadzoka.” Gidheoni akapinda, akandogadzira mbudzana, uye akaita chingwa chisina kuviriswa cheefa youpfu hwakatsetseka. Akaisa nyama mudengu uye muto wayo akauisa muhari, akabuda nazvo akazvipa kwaari pasi pomuouki. Mutumwa waMwari akati kwaari, “Tora nyama nechingwa chisina mbiriso, uzviise paruware urwu, uye ugodirapo muto wacho.” Uye Gidheoni akaita saizvozvo. Mutumwa waJehovha akagunzva nyama nechingwa chisina mbiriso nomuromo wetsvimbo yaiva muruoko rwake. Moto wakabuda paruware, ukapisa nyama nechingwa. Ipapo mutumwa waJehovha akanyangarika. Gidheoni akati aziva kuti akanga ari mutumwa waJehovha, akadanidzira akati, “Maiwe, Ishe Jehovha! Ndaona mutumwa waJehovha chiso nechiso!” Asi Jehovha akati kwaari, “Rugare! Usatya. Hausi kuzofa.” Saka Gidheoni akavakira Jehovha aritari ipapo akaitumidza kuti Jehovha Ndiye Rugare. Nanhasi ichakamirapo muOfira ravaAbhiezeri.
Vatongi 6:12-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari, akati kwaari, “Jehovha anewe, iwe murume ane simba noumhare.” Gidheoni akati kwaari, “Haiwa, Ishe wangu, kana Jehovha anesu, ko izvi zvose zvakagotiwirireiko? Zviripiko zvishamiso zvake zvose, zvataiudzwa namadzibaba edu, achiti, ‘Jehovha haana kutikwidza here, achitibudisa paIjipiti?’ Asi zvino Jehovha wakatirasha, akatiisa mumaoko avaMidhiani.” Ipapo Jehovha akatendeukira kwaari, akati, “Enda nesimba rako iri, undoponesa Isiraeri pamaoko aMidhiani, handizini ndakakutuma here?” Akati kwaari, “Haiwa, Ishe, ndichagoponesa Isiraeri neiko? Tarirai rudzi rwangu ruduku kuna vose paManase, neni ndiri muduku kuna vose paimba yababa vangu.” Jehovha akati kwaari, “Zvirokwazvo, ini ndichava newe, iwe uchakunda vaMidhiani somunhu mumwe.” Akati kwaari, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu zvino, ndiratidzei chiratidzo kuti ndimi munotaura neni. Regai henyu kubva pano, kusvikira ndadzokera kwamuri, ndikuvigirei chipo changu, ndichiise pamberi penyu.” Iye akati, “Ndichagara pano kusvikira wadzokazve.” Ipapo Gidheoni akapinda, akandogadzira mbudzana nezvingwa zvisina kuviriswa zveefa imwe youpfu; akaisa nyama mudengu, nokudira muto muhari; akamuvigira izvozvo pasi pomuouki, ndokumupa izvozvo. Asi mutumwa waJehovha akati kwaari, “Tora nyama nezvingwa zvisina kuviriswa, uzviise padombo iri, ugodururawo muto.” Iye akaita saizvozvo. Zvino mutumwa waJehovha ndokutambanudza muromo wetsvimbo, yakanga iri muruoko rwake, akagunzva nyama nezvingwa zvisina kuviriswa, moto ukabuda padombo, ukapedza nyama nezvingwa zvisina kuviriswa. Mutumwa waJehovha ndokunyangarika pamberi pake. Ipapo Gidheoni akaona kuti mutumwa waJehovha. Gidheoni akati, “Haiwa, Jehovha Mwari! Nokuti ndaona mutumwa waJehovha zviso zvakatarisana.” Asi Jehovha wakati kwaari, “Rugare ngaruve newe, usatya, haungafi.” Ipapo Gidheoni akavakirapo Jehovha atari, akaitumidza zita rinonzi Jehovha-sharomi; ichiripo paOfura ravaAbhiezeri kusvikira nhasi.
Vatongi 6:12-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mutumwa waTenzi akazviratidza kuna Gidheoni ndokuti, “Tenzi anewe, iyewe mvumba chaiyo yokurwa.” Gidheoni akati kwaari, “Changamire, ko izvi zvose zvaizoitika sei kana Tenzi ainesu? Ko zvinhu zviya zvose zvinoshamisa zviri kupi zvatairondedzerwa namadzibaba edu kuti ndizvo zvaiitwa naTenzi maburutsiro aakavaita kuIjipiti? Asi iye zvino Tenzi akatirasa akatiti chi-i mumaoko evaMidhiani.” Tenzi akamucheuka akamuti, “Enda nesimba irori raunaro ununure vaIsiraeri mumaoko avaMidhiani. Ndini ndiri kukutuma.” Akati kwaari, “Changamire, ndinganunure sei vaIsiraeri? Mudzinza rokwaManase, mhuri yedu ndiyo duku duku uye mumba medu ndinongova munhuwo zvangu.” Tenzi ndokuti, “Pamusana pokuti ndinenge ndinewe uchauraya vaMidhiani sokunge uri kuuraya munhu mumwechete.” Akati kwaari, “Kana muchindida ndapota ndiitireiwo chokuratidza kuti imi pachenyu ndimi muri kutaura neni. Ndapota imboregai kuenda kusvikira ndadzoka ndakuigirai mupiro wangu, ndauturira kwamuri.” Iye akati, “Ndinokumirira kusvikira wadzoka.” Gidheoni akapinda mumba make akauraya mbudzana akaibika akatora upfu hwekoroni hwairema makirogiramu gumi akabika chingwa chisina mbiriso. Akaisa nyama yacho mutswanda, akaisa muto wayo mupoto. Akaenda nazvo kumunhu uya pasi pomuoku akasvikomuturira. Mutumwa waMwari ndokuti, “Tora nyama iyo nechingwa chisina mbiriso icho uzviise padombo iri, udire muto pamusoro pazvo.” Iye akaita saizvozvo. Mutumwa waTenzi akasveerera mhuro yakanga iri muruoko rwake akagunzva nyama iya nechingwa chisina mbiriso ndokubva moto wanganduka uchibva mudombo, ukaroromesa nyama iya nechingwa. Mutumwa waTenzi ndokunyangarika. Gidheoni ndokubva aziva kuti mutumwa waTenzi. Ndokukanuka achiti, “Hezvo hezvo! Nhai Tenzi Mwari, zvandaonanazve nomutumwa waTenzi uso nouso.” Asi Tenzi akati kwaari, “Rugare ngaruve newe, usatye, haufi.” Gidheoni akavakira Tenzi atari ipapo akaitumidza zita rokuti “Tenzi ndiye rugare.” Ichiriko nanhasi kuOfura, dunhu raAbhieziri.
Vatongi 6:12-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ipapo mutumŋa waJehova akaɀiratidza kwaari, akati kwaari: Jehova unewe, iwe murume unesimba noʋumhare. Gideoni akati kwaari: Haiwa, Ishe waŋgu, kana Jehova anesu, ko iɀi ɀose ɀakagotiwirireiko? Ɀiripiko ɀishamiso ɀake ɀose, ɀataiʋudzwa namadziɓaɓa eɗu, ʋaciti: Jehova haana‐kutikwidza here, acitiɓuɗisa paEgipita? Asi ɀino Jehova wakatirasha, akatiisa mumaʋoko aMidiani. Ipapo Jehova akatendeʋukira kwaari, akati: Enda nesimba rako iri, undoponesa Israeri pamaʋoko aMidiani, handizi’ni ndakakutuma here? Akati kwaari: Haiwa, Ishe, ndicagoponesa Israeri neiko? Tarirai rudzi rwaŋgu ruɗuku kunaʋose paManase, neni ndiri muɗuku kunaʋose paimba yaɓaɓa ʋaŋgu. Jehova akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ini ndicaʋa newe, iwe ucakunda ʋaMidiani somunhu mumŋe. Akati kwaari: Kana ndawana nyasha pamberi penyu ɀino, ndiratidzei ciratidzo kuti ndimi munotaura neni. Regai henyu kubva pano, kuȿikira ndadzokera kwamuri, ndikuʋigirei cipo caŋgu, ndiciise pamberi penyu. Iye akati: Ndicagara pano kuȿikira wadzoka ɀe. Ipapo Gideoni akapinda, akandogadzira mbudzana neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa ɀeefa imŋe yoʋupfu; akaisa nyama muɗeŋgu, nokuɗira muto muhari; akamuʋigira iɀoɀo pasi pomuouki, ndokumupa iɀoɀo. Asi mutumŋa waJehova akati kwaari: Tora nyama neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, uɀiise paɗombo iri, ugoɗurura ʋo muto. Iye akaita saiɀoɀo. Ɀino mutumŋa waJehova ndokutambanudza muromo wetȿimbo, yakaŋga iri muruʋoko rwake, akagunɀa nyama neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, mŋoto ukaɓuɗa paɗombo, ukapedza nyama neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa. Mutumŋa waJehova ndokunyaŋgarika pamberi pake. Ipapo Gideoni akaʋona kuti mutumŋa waJehova. Gideoni akati: Haiwa, Jehova Mŋari! nokuti ndaʋona mutumŋa waJehova ɀiso ɀakatarisana. Asi Jehova wakati kwaari: Rugare ŋgaruʋe newe, usatya, hauŋgafi. Ipapo Gideoni akaʋakira’po Jehova artari, akaitumidza zita rinonzi Jehova‐sharomi; iciri’po paOfra raʋaAbiezeri kuȿikira nhasi.
Vatongi 6:12-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)