Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 6:12-24

Vatongi 6:12-24 SCLBD

Mutumwa waTenzi akazviratidza kuna Gidheoni ndokuti, “Tenzi anewe, iyewe mvumba chaiyo yokurwa.” Gidheoni akati kwaari, “Changamire, ko izvi zvose zvaizoitika sei kana Tenzi ainesu? Ko zvinhu zviya zvose zvinoshamisa zviri kupi zvatairondedzerwa namadzibaba edu kuti ndizvo zvaiitwa naTenzi maburutsiro aakavaita kuIjipiti? Asi iye zvino Tenzi akatirasa akatiti chi-i mumaoko evaMidhiani.” Tenzi akamucheuka akamuti, “Enda nesimba irori raunaro ununure vaIsiraeri mumaoko avaMidhiani. Ndini ndiri kukutuma.” Akati kwaari, “Changamire, ndinganunure sei vaIsiraeri? Mudzinza rokwaManase, mhuri yedu ndiyo duku duku uye mumba medu ndinongova munhuwo zvangu.” Tenzi ndokuti, “Pamusana pokuti ndinenge ndinewe uchauraya vaMidhiani sokunge uri kuuraya munhu mumwechete.” Akati kwaari, “Kana muchindida ndapota ndiitireiwo chokuratidza kuti imi pachenyu ndimi muri kutaura neni. Ndapota imboregai kuenda kusvikira ndadzoka ndakuigirai mupiro wangu, ndauturira kwamuri.” Iye akati, “Ndinokumirira kusvikira wadzoka.” Gidheoni akapinda mumba make akauraya mbudzana akaibika akatora upfu hwekoroni hwairema makirogiramu gumi akabika chingwa chisina mbiriso. Akaisa nyama yacho mutswanda, akaisa muto wayo mupoto. Akaenda nazvo kumunhu uya pasi pomuoku akasvikomuturira. Mutumwa waMwari ndokuti, “Tora nyama iyo nechingwa chisina mbiriso icho uzviise padombo iri, udire muto pamusoro pazvo.” Iye akaita saizvozvo. Mutumwa waTenzi akasveerera mhuro yakanga iri muruoko rwake akagunzva nyama iya nechingwa chisina mbiriso ndokubva moto wanganduka uchibva mudombo, ukaroromesa nyama iya nechingwa. Mutumwa waTenzi ndokunyangarika. Gidheoni ndokubva aziva kuti mutumwa waTenzi. Ndokukanuka achiti, “Hezvo hezvo! Nhai Tenzi Mwari, zvandaonanazve nomutumwa waTenzi uso nouso.” Asi Tenzi akati kwaari, “Rugare ngaruve newe, usatye, haufi.” Gidheoni akavakira Tenzi atari ipapo akaitumidza zita rokuti “Tenzi ndiye rugare.” Ichiriko nanhasi kuOfura, dunhu raAbhieziri.

Verenga chikamu Vatongi 6