Vatongi 6:11-18
Vatongi 6:11-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mutumwa waJehovha akauya akagara pasi pomuouki muOfira raJoashi muAbhiezeri, paipurwa gorosi naGidheoni mwanakomana wake muchisviniro chewaini, kuti aivanze kubva kuvaMidhiani. Mutumwa waJehovha akati azviratidza kuna Gidheoni, akati kwaari, “Jehovha anewe, iwe murume wesimba noumhare.” Gidheoni akapindura akati, “Asika, ishe wangu, kana Jehovha anesu, seiko izvi zvose zvakaitika kwatiri? Zvishamiso zvake zvose zviripiko zvatakaudzwa namadzibaba edu pavakati, ‘Jehovha haana kutibudisa muIjipiti here?’ Asi zvino Jehovha akatisiya uye akatiisa muruoko rwavaMidhiani.” Jehovha akatendeukira kwaari akati, “Enda nesimba raunaro uponese Israeri muruoko rwavaMidhiani. Handizini ndakutuma here?” Gidheoni akabvunza akati, “Asika Ishe, ndingaponesa Israeri seiko? Imba yangu ndiyo dukusa maManase, uye ini ndiri mudukusa mumhuri yangu.” Jehovha akapindura akati, “Ndichava newe, uye iwe uchauraya vaMidhiani vose pamwe chete.” Gidheoni akapindura akati, “Zvino kana ndawana nyasha pamberi penyu, ndipei chiratidzo kuti ndizive kuti ndimi munotaura neni. Ndapota hangu, musabva pano kusvikira ndadzoka uye ndauya nechipiriso changu ndigochiisa pamberi penyu.” Uye Jehovha akati, “Ndichamira pano kusvikira wadzoka.”
Vatongi 6:11-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino mutumwa waJehovha wakasvika, akagara pasi pomuouki wakanga uri paOfura, waiva waJoashi, muAbhiezeri; Gidheoni mwanakomana wake, wakanga achipura zviyo pachisviniro chewaini, kuti azvivanze nokuda kwavaMidhiani. Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari, akati kwaari, “Jehovha anewe, iwe murume ane simba noumhare.” Gidheoni akati kwaari, “Haiwa, Ishe wangu, kana Jehovha anesu, ko izvi zvose zvakagotiwirireiko? Zviripiko zvishamiso zvake zvose, zvataiudzwa namadzibaba edu, achiti, ‘Jehovha haana kutikwidza here, achitibudisa paIjipiti?’ Asi zvino Jehovha wakatirasha, akatiisa mumaoko avaMidhiani.” Ipapo Jehovha akatendeukira kwaari, akati, “Enda nesimba rako iri, undoponesa Isiraeri pamaoko aMidhiani, handizini ndakakutuma here?” Akati kwaari, “Haiwa, Ishe, ndichagoponesa Isiraeri neiko? Tarirai rudzi rwangu ruduku kuna vose paManase, neni ndiri muduku kuna vose paimba yababa vangu.” Jehovha akati kwaari, “Zvirokwazvo, ini ndichava newe, iwe uchakunda vaMidhiani somunhu mumwe.” Akati kwaari, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu zvino, ndiratidzei chiratidzo kuti ndimi munotaura neni. Regai henyu kubva pano, kusvikira ndadzokera kwamuri, ndikuvigirei chipo changu, ndichiise pamberi penyu.” Iye akati, “Ndichagara pano kusvikira wadzokazve.”
Vatongi 6:11-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mutumwa waTenzi akauya akagara pasi pomuoku wokuOfura wokwaJoashi muAbhieziri. Ipapo Gidheoni mwanakomana wake aingunopurira koroni muchisviniro chewaini achiihwandisa kuvaMidhiani. Mutumwa waTenzi akazviratidza kuna Gidheoni ndokuti, “Tenzi anewe, iyewe mvumba chaiyo yokurwa.” Gidheoni akati kwaari, “Changamire, ko izvi zvose zvaizoitika sei kana Tenzi ainesu? Ko zvinhu zviya zvose zvinoshamisa zviri kupi zvatairondedzerwa namadzibaba edu kuti ndizvo zvaiitwa naTenzi maburutsiro aakavaita kuIjipiti? Asi iye zvino Tenzi akatirasa akatiti chi-i mumaoko evaMidhiani.” Tenzi akamucheuka akamuti, “Enda nesimba irori raunaro ununure vaIsiraeri mumaoko avaMidhiani. Ndini ndiri kukutuma.” Akati kwaari, “Changamire, ndinganunure sei vaIsiraeri? Mudzinza rokwaManase, mhuri yedu ndiyo duku duku uye mumba medu ndinongova munhuwo zvangu.” Tenzi ndokuti, “Pamusana pokuti ndinenge ndinewe uchauraya vaMidhiani sokunge uri kuuraya munhu mumwechete.” Akati kwaari, “Kana muchindida ndapota ndiitireiwo chokuratidza kuti imi pachenyu ndimi muri kutaura neni. Ndapota imboregai kuenda kusvikira ndadzoka ndakuigirai mupiro wangu, ndauturira kwamuri.” Iye akati, “Ndinokumirira kusvikira wadzoka.”
Vatongi 6:11-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino mutumŋa waJehova wakaȿika, akagara pasi pomuouki wakaŋga uri paOfra, waiʋa waJoashi, muAbiezeri; Gideoni mŋanakomana wake, wakaŋga acipura ɀiyo paciȿiniro cewaini, kuti aɀiʋanze nokuɗa kwaʋaMidiani. Ipapo mutumŋa waJehova akaɀiratidza kwaari, akati kwaari: Jehova unewe, iwe murume unesimba noʋumhare. Gideoni akati kwaari: Haiwa, Ishe waŋgu, kana Jehova anesu, ko iɀi ɀose ɀakagotiwirireiko? Ɀiripiko ɀishamiso ɀake ɀose, ɀataiʋudzwa namadziɓaɓa eɗu, ʋaciti: Jehova haana‐kutikwidza here, acitiɓuɗisa paEgipita? Asi ɀino Jehova wakatirasha, akatiisa mumaʋoko aMidiani. Ipapo Jehova akatendeʋukira kwaari, akati: Enda nesimba rako iri, undoponesa Israeri pamaʋoko aMidiani, handizi’ni ndakakutuma here? Akati kwaari: Haiwa, Ishe, ndicagoponesa Israeri neiko? Tarirai rudzi rwaŋgu ruɗuku kunaʋose paManase, neni ndiri muɗuku kunaʋose paimba yaɓaɓa ʋaŋgu. Jehova akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ini ndicaʋa newe, iwe ucakunda ʋaMidiani somunhu mumŋe. Akati kwaari: Kana ndawana nyasha pamberi penyu ɀino, ndiratidzei ciratidzo kuti ndimi munotaura neni. Regai henyu kubva pano, kuȿikira ndadzokera kwamuri, ndikuʋigirei cipo caŋgu, ndiciise pamberi penyu. Iye akati: Ndicagara pano kuȿikira wadzoka ɀe.
Vatongi 6:11-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)