Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ʋatoŋgi 6:11-18

Ʋatoŋgi 6:11-18 SUB1949

Ɀino mutumŋa waJehova wakaȿika, akagara pasi pomuouki wakaŋga uri paOfra, waiʋa waJoashi, muAbiezeri; Gideoni mŋanakomana wake, wakaŋga acipura ɀiyo paciȿiniro cewaini, kuti aɀiʋanze nokuɗa kwaʋaMidiani. Ipapo mutumŋa waJehova akaɀiratidza kwaari, akati kwaari: Jehova unewe, iwe murume unesimba noʋumhare. Gideoni akati kwaari: Haiwa, Ishe waŋgu, kana Jehova anesu, ko iɀi ɀose ɀakagotiwirireiko? Ɀiripiko ɀishamiso ɀake ɀose, ɀataiʋudzwa namadziɓaɓa eɗu, ʋaciti: Jehova haana‐kutikwidza here, acitiɓuɗisa paEgipita? Asi ɀino Jehova wakatirasha, akatiisa mumaʋoko aMidiani. Ipapo Jehova akatendeʋukira kwaari, akati: Enda nesimba rako iri, undoponesa Israeri pamaʋoko aMidiani, handizi’ni ndakakutuma here? Akati kwaari: Haiwa, Ishe, ndicagoponesa Israeri neiko? Tarirai rudzi rwaŋgu ruɗuku kunaʋose paManase, neni ndiri muɗuku kunaʋose paimba yaɓaɓa ʋaŋgu. Jehova akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ini ndicaʋa newe, iwe ucakunda ʋaMidiani somunhu mumŋe. Akati kwaari: Kana ndawana nyasha pamberi penyu ɀino, ndiratidzei ciratidzo kuti ndimi munotaura neni. Regai henyu kubva pano, kuȿikira ndadzokera kwamuri, ndikuʋigirei cipo caŋgu, ndiciise pamberi penyu. Iye akati: Ndicagara pano kuȿikira wadzoka ɀe.

Verenga chikamu Ʋatoŋgi 6