Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 6:1-27

Vatongi 6:1-27 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha, uye akavaisa mumaoko avaMidhiani kwamakore manomwe. Nokuda kwokuti ruoko rwavaMidhiani rwakavadzvinyirira kwazvo, vaIsraeri vakazvigadzirira nzvimbo dzokuvanda mumakomo, mumapako uye nenhare. VaIsraeri vaingoti vakadyara mbeu dzavo, vaMidhiani, vaAmareki navamwe vanhu vokumabvazuva, vaiuya kuzorwisa nyika yavo. Vakadzika misasa yavo munyika uye vakaparadza zvirimwa kubva kuGaza yose, uye havana kusiyira vaIsraeri chinhu, makwai, mombe kana mbongoro. Vakauya nezvipfuwo zvavo namatende avo vakawanda sechimokoto chemhashu. Zvakanga zvisingagoneki kuti uverenge vanhu nengamera dzavo; vakapinda munyika kuti vaiparadze. VaMidhiani vakaita kuti vaIsraeri vave varombo zvokuti vakachema kuna Jehovha kuti avabatsire. VaIsraeri vakati vachema kuna Jehovha nokuda kwavaMidhiani, Akatuma muprofita, akati kwavari, “Zvanzi naJehovha: Mwari waIsraeri: Ndakakubudisai kubva muIjipiti, munyika youtapwa. Ndakakubvutai kubva musimba reIjipiti, nokubva muruoko rwavadzvinyiriri venyu vose. Ndakavadzinga pamberi penyu ndikakupai nyika yavo. Ndakati kwamuri, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu, musanamata vamwari vavaAmori, vamugere munyika yavo.’ Asi hamuna kunditeerera.” Mutumwa waJehovha akauya akagara pasi pomuouki muOfira raJoashi muAbhiezeri, paipurwa gorosi naGidheoni mwanakomana wake muchisviniro chewaini, kuti aivanze kubva kuvaMidhiani. Mutumwa waJehovha akati azviratidza kuna Gidheoni, akati kwaari, “Jehovha anewe, iwe murume wesimba noumhare.” Gidheoni akapindura akati, “Asika, ishe wangu, kana Jehovha anesu, seiko izvi zvose zvakaitika kwatiri? Zvishamiso zvake zvose zviripiko zvatakaudzwa namadzibaba edu pavakati, ‘Jehovha haana kutibudisa muIjipiti here?’ Asi zvino Jehovha akatisiya uye akatiisa muruoko rwavaMidhiani.” Jehovha akatendeukira kwaari akati, “Enda nesimba raunaro uponese Israeri muruoko rwavaMidhiani. Handizini ndakutuma here?” Gidheoni akabvunza akati, “Asika Ishe, ndingaponesa Israeri seiko? Imba yangu ndiyo dukusa maManase, uye ini ndiri mudukusa mumhuri yangu.” Jehovha akapindura akati, “Ndichava newe, uye iwe uchauraya vaMidhiani vose pamwe chete.” Gidheoni akapindura akati, “Zvino kana ndawana nyasha pamberi penyu, ndipei chiratidzo kuti ndizive kuti ndimi munotaura neni. Ndapota hangu, musabva pano kusvikira ndadzoka uye ndauya nechipiriso changu ndigochiisa pamberi penyu.” Uye Jehovha akati, “Ndichamira pano kusvikira wadzoka.” Gidheoni akapinda, akandogadzira mbudzana, uye akaita chingwa chisina kuviriswa cheefa youpfu hwakatsetseka. Akaisa nyama mudengu uye muto wayo akauisa muhari, akabuda nazvo akazvipa kwaari pasi pomuouki. Mutumwa waMwari akati kwaari, “Tora nyama nechingwa chisina mbiriso, uzviise paruware urwu, uye ugodirapo muto wacho.” Uye Gidheoni akaita saizvozvo. Mutumwa waJehovha akagunzva nyama nechingwa chisina mbiriso nomuromo wetsvimbo yaiva muruoko rwake. Moto wakabuda paruware, ukapisa nyama nechingwa. Ipapo mutumwa waJehovha akanyangarika. Gidheoni akati aziva kuti akanga ari mutumwa waJehovha, akadanidzira akati, “Maiwe, Ishe Jehovha! Ndaona mutumwa waJehovha chiso nechiso!” Asi Jehovha akati kwaari, “Rugare! Usatya. Hausi kuzofa.” Saka Gidheoni akavakira Jehovha aritari ipapo akaitumidza kuti Jehovha Ndiye Rugare. Nanhasi ichakamirapo muOfira ravaAbhiezeri. Usiku hwacho ihwohwo Jehovha akati kwaari, “Tora hando yechipiri kubva pamombe dzababa vako iyo ina makore manomwe. Uputsire pasi aritari yababa vako yaBhaari uye ugotema danda raAshera riri pairi. Ipapo ugovakira Jehovha Mwari wako aritari kwayo pamusoro penhare iyi. Utore hando yechipiri ugoibayira sechipiriso chinopiswa uchishandisa huni dzedanda raAshera rawakatema.” Saka Gidheoni akatora varanda vake gumi akaita sezvaakaudzwa naJehovha. Asi nokuda kwokuti akanga achitya vemhuri yake uye navanhu vomuguta, akaita izvi usiku pano kuzviita masikati.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 6

Vatongi 6:1-27 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino vana vaIsiraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, Jehovha akavaisa mumaoko aMidhiani makore manomwe. Midhiani akakunda Isiraeri; vana vaIsiraeri vakazviitira pokuvanda pamakomo, namapako, nenhare, nokuda kwaMidhiani. Nokuti vaIsiraeri vakati kana vakusha, vaMidhiani navaAmareki navana vamabvazuva ndokukwira kuzorwa navo. Vakadzika matende avo pakatarisana navo, ndokuparadza zvibereko zveminda kusvikira paGaza; havana kusiyira vaIsiraeri zvokudya kana makwai kana mombe, kana mbongoro. Nokuti vaikwira nezvipfuwo zvavo, namatende avo; vaiuya vakawanda semhashu, vasingagoni kuverengwa, ivo namakamera avo; vaipinda munyika kuti vaiparadze. VaIsiraeri vakava varombo kwazvo nokuda kwaMidhiani; zvino vana vaIsiraeri vakachema kuna Jehovha. Zvino vana vaIsiraeri vakati vachichema kuna Jehovha nokuda kwaMidhiani, Jehovha akatuma muporofita kuvana vaIsiraeri; iye akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari waIsiraeri, ‘Ndakakukwidzai, ndichikubudisai paIjipiti, nokukubudisai paimba youranda; ndikakurwirai mumaoko avaIjipiti, nomumaoko avose vaikumanikidzai, ndikavadzinga pamberi penyu, ndikakupai nyika yavo’; ndikati kwamuri, ‘Ndini Jehovha Mwari wenyu; hamufaniri kutya vamwari vavaAmori, vamugere munyika yavo; asi hamuna kuterera izwi rangu.’ ” Zvino mutumwa waJehovha wakasvika, akagara pasi pomuouki wakanga uri paOfura, waiva waJoashi, muAbhiezeri; Gidheoni mwanakomana wake, wakanga achipura zviyo pachisviniro chewaini, kuti azvivanze nokuda kwavaMidhiani. Ipapo mutumwa waJehovha akazviratidza kwaari, akati kwaari, “Jehovha anewe, iwe murume ane simba noumhare.” Gidheoni akati kwaari, “Haiwa, Ishe wangu, kana Jehovha anesu, ko izvi zvose zvakagotiwirireiko? Zviripiko zvishamiso zvake zvose, zvataiudzwa namadzibaba edu, achiti, ‘Jehovha haana kutikwidza here, achitibudisa paIjipiti?’ Asi zvino Jehovha wakatirasha, akatiisa mumaoko avaMidhiani.” Ipapo Jehovha akatendeukira kwaari, akati, “Enda nesimba rako iri, undoponesa Isiraeri pamaoko aMidhiani, handizini ndakakutuma here?” Akati kwaari, “Haiwa, Ishe, ndichagoponesa Isiraeri neiko? Tarirai rudzi rwangu ruduku kuna vose paManase, neni ndiri muduku kuna vose paimba yababa vangu.” Jehovha akati kwaari, “Zvirokwazvo, ini ndichava newe, iwe uchakunda vaMidhiani somunhu mumwe.” Akati kwaari, “Kana ndawana nyasha pamberi penyu zvino, ndiratidzei chiratidzo kuti ndimi munotaura neni. Regai henyu kubva pano, kusvikira ndadzokera kwamuri, ndikuvigirei chipo changu, ndichiise pamberi penyu.” Iye akati, “Ndichagara pano kusvikira wadzokazve.” Ipapo Gidheoni akapinda, akandogadzira mbudzana nezvingwa zvisina kuviriswa zveefa imwe youpfu; akaisa nyama mudengu, nokudira muto muhari; akamuvigira izvozvo pasi pomuouki, ndokumupa izvozvo. Asi mutumwa waJehovha akati kwaari, “Tora nyama nezvingwa zvisina kuviriswa, uzviise padombo iri, ugodururawo muto.” Iye akaita saizvozvo. Zvino mutumwa waJehovha ndokutambanudza muromo wetsvimbo, yakanga iri muruoko rwake, akagunzva nyama nezvingwa zvisina kuviriswa, moto ukabuda padombo, ukapedza nyama nezvingwa zvisina kuviriswa. Mutumwa waJehovha ndokunyangarika pamberi pake. Ipapo Gidheoni akaona kuti mutumwa waJehovha. Gidheoni akati, “Haiwa, Jehovha Mwari! Nokuti ndaona mutumwa waJehovha zviso zvakatarisana.” Asi Jehovha wakati kwaari, “Rugare ngaruve newe, usatya, haungafi.” Ipapo Gidheoni akavakirapo Jehovha atari, akaitumidza zita rinonzi Jehovha-sharomi; ichiripo paOfura ravaAbhiezeri kusvikira nhasi. Zvino nousiku ihwohwo Jehovha akati kwaari, “Tora nzombe yababa vako, iya yechipiri ina makore manomwe, uputse atari yaBhaari yababa vako, utemewo danda rokunamata naro riripo. Uvakire Jehovha Mwari wako atari pamusoro penhare iyi, nomutoo wakafanira, ugotora nzombe iyo yechipiri, ubayire chipiriso chinopiswa nehuni dzedanda rokunamata naro raunofanira kutema.” Ipapo Gidheoni akatora varume vane gumi kuvaranda vake, akaita sezvaakaudzwa naJehovha; asi haana kuita izvozvo masikati, asi wakazviita usiku, nokuti wakatya veimba yababa vake navarume veguta.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 6

Vatongi 6:1-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

VaIsiraeri vakaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi, Tenzi akabva avaisa mumaoko avaMidhiani kwamakore monomwe. VaMidhiani vaibata vaIsiraeri zvechisimba. Pamusana pavaMidhiani ivavo, vaIsiraeri vakazvigadzirira pokugara mumakomo, nomumapako, napane dzimwe nzvimbo dzokuzvidzivirira. Kwaiti kana vaIsiraeri vakadyara mbeu dzavo vaMidhiani navaAmareki namamwewo marudzi okumabvazuva vaiuya kuzovarwisa. Vaisvikodzika matendhe avo pedyo navo, voparadza zvirimwa zvavo muminda kusvikira kuGaza. Havaisiya kana chokubata muIsiraeri. Vaituta zvose hwai nemombe namadhongi. Chaiitika ndechokuti vaiuya vaine zvipfuwo zvavo namatendhe vakawanda semhashu, vanhu nengamera dzavo zvisingaverengeki. Vaiti kana vauya vaisiya nyika yaparara. VaIsiraeri vaisara vangovawo vanhu zvavo, vasisina chokubata pamusana pevaMidhiani. VaIsiraeri vakachema kuna Tenzi kuti avanunure. VaIsiraeri pavakachema kuna Tenzi pamusana pavaMidhiani, Tenzi akavatumira muporofita akati, “Zvanzi naTenzi Mwari wavaIsiraeri, ‘Ndakakuburitsai kuIjipiti, ndichikununurai muuranda. Ndakakununurai mumaoko avaIjipiti nomumaoko avose vaikubatai uranda. Ndakafanokudzingirai vanhu ivavo ndikakupai nyika yavo.’ Ndakakutaurirai kuti, ‘Ini Tenzi ndini Mwari wenyu. Musambonamata vamwari vavaAmori vane nyika yamugere, asi imi hamuna kunditerera.’ ” Mutumwa waTenzi akauya akagara pasi pomuoku wokuOfura wokwaJoashi muAbhieziri. Ipapo Gidheoni mwanakomana wake aingunopurira koroni muchisviniro chewaini achiihwandisa kuvaMidhiani. Mutumwa waTenzi akazviratidza kuna Gidheoni ndokuti, “Tenzi anewe, iyewe mvumba chaiyo yokurwa.” Gidheoni akati kwaari, “Changamire, ko izvi zvose zvaizoitika sei kana Tenzi ainesu? Ko zvinhu zviya zvose zvinoshamisa zviri kupi zvatairondedzerwa namadzibaba edu kuti ndizvo zvaiitwa naTenzi maburutsiro aakavaita kuIjipiti? Asi iye zvino Tenzi akatirasa akatiti chi-i mumaoko evaMidhiani.” Tenzi akamucheuka akamuti, “Enda nesimba irori raunaro ununure vaIsiraeri mumaoko avaMidhiani. Ndini ndiri kukutuma.” Akati kwaari, “Changamire, ndinganunure sei vaIsiraeri? Mudzinza rokwaManase, mhuri yedu ndiyo duku duku uye mumba medu ndinongova munhuwo zvangu.” Tenzi ndokuti, “Pamusana pokuti ndinenge ndinewe uchauraya vaMidhiani sokunge uri kuuraya munhu mumwechete.” Akati kwaari, “Kana muchindida ndapota ndiitireiwo chokuratidza kuti imi pachenyu ndimi muri kutaura neni. Ndapota imboregai kuenda kusvikira ndadzoka ndakuigirai mupiro wangu, ndauturira kwamuri.” Iye akati, “Ndinokumirira kusvikira wadzoka.” Gidheoni akapinda mumba make akauraya mbudzana akaibika akatora upfu hwekoroni hwairema makirogiramu gumi akabika chingwa chisina mbiriso. Akaisa nyama yacho mutswanda, akaisa muto wayo mupoto. Akaenda nazvo kumunhu uya pasi pomuoku akasvikomuturira. Mutumwa waMwari ndokuti, “Tora nyama iyo nechingwa chisina mbiriso icho uzviise padombo iri, udire muto pamusoro pazvo.” Iye akaita saizvozvo. Mutumwa waTenzi akasveerera mhuro yakanga iri muruoko rwake akagunzva nyama iya nechingwa chisina mbiriso ndokubva moto wanganduka uchibva mudombo, ukaroromesa nyama iya nechingwa. Mutumwa waTenzi ndokunyangarika. Gidheoni ndokubva aziva kuti mutumwa waTenzi. Ndokukanuka achiti, “Hezvo hezvo! Nhai Tenzi Mwari, zvandaonanazve nomutumwa waTenzi uso nouso.” Asi Tenzi akati kwaari, “Rugare ngaruve newe, usatye, haufi.” Gidheoni akavakira Tenzi atari ipapo akaitumidza zita rokuti “Tenzi ndiye rugare.” Ichiriko nanhasi kuOfura, dunhu raAbhieziri. Usiku ihwohwo Tenzi akamuti, “Tora handira yababa wako yechipiri ine makore manomwe. Pwanya atari yaBhaari, yababa wako, utemeteme chitanda chinomiririra Ashera, chiri pedyo nayo, uvakire Tenzi Mwari wako atari pamusoro penzvimbo iyi yokuzvidzivirira muhondo iri pano, matombo ayo anyatsorongwa. Unofanira kutora handira iyoyo yechipiri woita mupiro wokupisa, uupise nomoto wehuni dzechitanda chiya chinomiririra Ashera chaunenge watema-tema.” Gidheoni akatora varanda vake gumi mukati mevaranda vake, akaita sezvaakanga audzwa naTenzi. Asi pamusana pokuti aitya vemhuri yake navanhu vaigara mugutamo haana kuzviita masikati, akazviita nousiku.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 6

Vatongi 6:1-27 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀakaipa pamberi paJehova, Jehova akaʋaisa mumaʋoko aMidiani makore manomŋe. Midiani akakunda Israeri; ʋana ʋaIsraeri ʋakaɀiitira pokuʋanda pamakomo, namapako, nenhare, nokuɗa kwaMidiani. Nokuti ʋaIsraeri ʋakati kana ʋakusha, ʋaMidiani naʋaAmareki naʋana ʋamabvazuʋa ndokukwira kuzorwa naʋo. Ʋakadzika matente aʋo pakatarisana naʋo, ndokuparadza ɀiɓereko ɀeminda kuȿikira paGaza; haʋana‐kusiyira ʋaIsraeri ɀokudya kana makwai kana ŋombe, kana mboŋgoro. Nokuti ʋaikwira neɀipfuwo ɀaʋo, namatente aʋo; ʋaiʋuya ʋakawanda semhashu, ʋasiŋgagoni kuʋereŋgwa, iʋo namakamera aʋo; ʋaipinda munyika kuti ʋaiparadze. ƲaIsraeri ʋakaʋa ʋarombo kwaɀo nokuɗa kwaMidiani; ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakacema kunaJehova. Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋacicema kunaJehova nokuɗa kwaMidiani, Jehova akatuma muprofita kuʋana ʋaIsraeri; iye akati kwaʋari: Ɀanzi naJehova Mŋari waIsraeri: Ndakakukwidzai, ndicikuɓuɗisai paEgipita, nokukuɓuɗisai paimba yoʋuranda; ndikakurwirai mumaʋoko aʋaEgipita, nomumaʋoko aʋose ʋaikumanikidzai, ndikaʋadziŋga pamberi penyu, ndikakupai nyika yaʋo; ndikati kwamuri: Ndini Jehova Mŋari wenyu; hamufaniri kutya ʋamŋari ʋaʋaAmori, ʋamugere munyika yaʋo; asi hamuna‐kuterera inzwi raŋgu. Ɀino mutumŋa waJehova wakaȿika, akagara pasi pomuouki wakaŋga uri paOfra, waiʋa waJoashi, muAbiezeri; Gideoni mŋanakomana wake, wakaŋga acipura ɀiyo paciȿiniro cewaini, kuti aɀiʋanze nokuɗa kwaʋaMidiani. Ipapo mutumŋa waJehova akaɀiratidza kwaari, akati kwaari: Jehova unewe, iwe murume unesimba noʋumhare. Gideoni akati kwaari: Haiwa, Ishe waŋgu, kana Jehova anesu, ko iɀi ɀose ɀakagotiwirireiko? Ɀiripiko ɀishamiso ɀake ɀose, ɀataiʋudzwa namadziɓaɓa eɗu, ʋaciti: Jehova haana‐kutikwidza here, acitiɓuɗisa paEgipita? Asi ɀino Jehova wakatirasha, akatiisa mumaʋoko aMidiani. Ipapo Jehova akatendeʋukira kwaari, akati: Enda nesimba rako iri, undoponesa Israeri pamaʋoko aMidiani, handizi’ni ndakakutuma here? Akati kwaari: Haiwa, Ishe, ndicagoponesa Israeri neiko? Tarirai rudzi rwaŋgu ruɗuku kunaʋose paManase, neni ndiri muɗuku kunaʋose paimba yaɓaɓa ʋaŋgu. Jehova akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ini ndicaʋa newe, iwe ucakunda ʋaMidiani somunhu mumŋe. Akati kwaari: Kana ndawana nyasha pamberi penyu ɀino, ndiratidzei ciratidzo kuti ndimi munotaura neni. Regai henyu kubva pano, kuȿikira ndadzokera kwamuri, ndikuʋigirei cipo caŋgu, ndiciise pamberi penyu. Iye akati: Ndicagara pano kuȿikira wadzoka ɀe. Ipapo Gideoni akapinda, akandogadzira mbudzana neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa ɀeefa imŋe yoʋupfu; akaisa nyama muɗeŋgu, nokuɗira muto muhari; akamuʋigira iɀoɀo pasi pomuouki, ndokumupa iɀoɀo. Asi mutumŋa waJehova akati kwaari: Tora nyama neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, uɀiise paɗombo iri, ugoɗurura ʋo muto. Iye akaita saiɀoɀo. Ɀino mutumŋa waJehova ndokutambanudza muromo wetȿimbo, yakaŋga iri muruʋoko rwake, akagunɀa nyama neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, mŋoto ukaɓuɗa paɗombo, ukapedza nyama neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa. Mutumŋa waJehova ndokunyaŋgarika pamberi pake. Ipapo Gideoni akaʋona kuti mutumŋa waJehova. Gideoni akati: Haiwa, Jehova Mŋari! nokuti ndaʋona mutumŋa waJehova ɀiso ɀakatarisana. Asi Jehova wakati kwaari: Rugare ŋgaruʋe newe, usatya, hauŋgafi. Ipapo Gideoni akaʋakira’po Jehova artari, akaitumidza zita rinonzi Jehova‐sharomi; iciri’po paOfra raʋaAbiezeri kuȿikira nhasi. Ɀino noʋusiku ibgobgo Jehova akati kwaari: Tora nzombe yaɓaɓa ʋako, iya yecipiri inamakore manomŋe, uputse artari yaBaari yaɓaɓa ʋako, uteme ʋo ɗanda rokunamata naro riri’po. Uʋakire Jehova Mŋari wako artari pamsoro penhare iyi, nomutoʋo wakafanira, ugotora nzombe iyo yecipiri, uɓayire cipiriso cinopiswa nehuni dzeɗanda rokunamata naro raunofanira kutema. Ipapo Gideoni akatora ʋarume ʋanegumi kuʋaranda ʋake, akaita seɀaakaʋudzwa naJehova; asi haana‐kuita iɀoɀo masikati, asi wakaɀiita ʋusiku, nokuti wakatya ʋeimba yaɓaɓa ʋake naʋarume ʋeguta.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Vatongi 6

Vatongi 6:1-27 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)