Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Vatongi 6:1-27

Vatongi 6:1-27 SCLBD

VaIsiraeri vakaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi, Tenzi akabva avaisa mumaoko avaMidhiani kwamakore monomwe. VaMidhiani vaibata vaIsiraeri zvechisimba. Pamusana pavaMidhiani ivavo, vaIsiraeri vakazvigadzirira pokugara mumakomo, nomumapako, napane dzimwe nzvimbo dzokuzvidzivirira. Kwaiti kana vaIsiraeri vakadyara mbeu dzavo vaMidhiani navaAmareki namamwewo marudzi okumabvazuva vaiuya kuzovarwisa. Vaisvikodzika matendhe avo pedyo navo, voparadza zvirimwa zvavo muminda kusvikira kuGaza. Havaisiya kana chokubata muIsiraeri. Vaituta zvose hwai nemombe namadhongi. Chaiitika ndechokuti vaiuya vaine zvipfuwo zvavo namatendhe vakawanda semhashu, vanhu nengamera dzavo zvisingaverengeki. Vaiti kana vauya vaisiya nyika yaparara. VaIsiraeri vaisara vangovawo vanhu zvavo, vasisina chokubata pamusana pevaMidhiani. VaIsiraeri vakachema kuna Tenzi kuti avanunure. VaIsiraeri pavakachema kuna Tenzi pamusana pavaMidhiani, Tenzi akavatumira muporofita akati, “Zvanzi naTenzi Mwari wavaIsiraeri, ‘Ndakakuburitsai kuIjipiti, ndichikununurai muuranda. Ndakakununurai mumaoko avaIjipiti nomumaoko avose vaikubatai uranda. Ndakafanokudzingirai vanhu ivavo ndikakupai nyika yavo.’ Ndakakutaurirai kuti, ‘Ini Tenzi ndini Mwari wenyu. Musambonamata vamwari vavaAmori vane nyika yamugere, asi imi hamuna kunditerera.’ ” Mutumwa waTenzi akauya akagara pasi pomuoku wokuOfura wokwaJoashi muAbhieziri. Ipapo Gidheoni mwanakomana wake aingunopurira koroni muchisviniro chewaini achiihwandisa kuvaMidhiani. Mutumwa waTenzi akazviratidza kuna Gidheoni ndokuti, “Tenzi anewe, iyewe mvumba chaiyo yokurwa.” Gidheoni akati kwaari, “Changamire, ko izvi zvose zvaizoitika sei kana Tenzi ainesu? Ko zvinhu zviya zvose zvinoshamisa zviri kupi zvatairondedzerwa namadzibaba edu kuti ndizvo zvaiitwa naTenzi maburutsiro aakavaita kuIjipiti? Asi iye zvino Tenzi akatirasa akatiti chi-i mumaoko evaMidhiani.” Tenzi akamucheuka akamuti, “Enda nesimba irori raunaro ununure vaIsiraeri mumaoko avaMidhiani. Ndini ndiri kukutuma.” Akati kwaari, “Changamire, ndinganunure sei vaIsiraeri? Mudzinza rokwaManase, mhuri yedu ndiyo duku duku uye mumba medu ndinongova munhuwo zvangu.” Tenzi ndokuti, “Pamusana pokuti ndinenge ndinewe uchauraya vaMidhiani sokunge uri kuuraya munhu mumwechete.” Akati kwaari, “Kana muchindida ndapota ndiitireiwo chokuratidza kuti imi pachenyu ndimi muri kutaura neni. Ndapota imboregai kuenda kusvikira ndadzoka ndakuigirai mupiro wangu, ndauturira kwamuri.” Iye akati, “Ndinokumirira kusvikira wadzoka.” Gidheoni akapinda mumba make akauraya mbudzana akaibika akatora upfu hwekoroni hwairema makirogiramu gumi akabika chingwa chisina mbiriso. Akaisa nyama yacho mutswanda, akaisa muto wayo mupoto. Akaenda nazvo kumunhu uya pasi pomuoku akasvikomuturira. Mutumwa waMwari ndokuti, “Tora nyama iyo nechingwa chisina mbiriso icho uzviise padombo iri, udire muto pamusoro pazvo.” Iye akaita saizvozvo. Mutumwa waTenzi akasveerera mhuro yakanga iri muruoko rwake akagunzva nyama iya nechingwa chisina mbiriso ndokubva moto wanganduka uchibva mudombo, ukaroromesa nyama iya nechingwa. Mutumwa waTenzi ndokunyangarika. Gidheoni ndokubva aziva kuti mutumwa waTenzi. Ndokukanuka achiti, “Hezvo hezvo! Nhai Tenzi Mwari, zvandaonanazve nomutumwa waTenzi uso nouso.” Asi Tenzi akati kwaari, “Rugare ngaruve newe, usatye, haufi.” Gidheoni akavakira Tenzi atari ipapo akaitumidza zita rokuti “Tenzi ndiye rugare.” Ichiriko nanhasi kuOfura, dunhu raAbhieziri. Usiku ihwohwo Tenzi akamuti, “Tora handira yababa wako yechipiri ine makore manomwe. Pwanya atari yaBhaari, yababa wako, utemeteme chitanda chinomiririra Ashera, chiri pedyo nayo, uvakire Tenzi Mwari wako atari pamusoro penzvimbo iyi yokuzvidzivirira muhondo iri pano, matombo ayo anyatsorongwa. Unofanira kutora handira iyoyo yechipiri woita mupiro wokupisa, uupise nomoto wehuni dzechitanda chiya chinomiririra Ashera chaunenge watema-tema.” Gidheoni akatora varanda vake gumi mukati mevaranda vake, akaita sezvaakanga audzwa naTenzi. Asi pamusana pokuti aitya vemhuri yake navanhu vaigara mugutamo haana kuzviita masikati, akazviita nousiku.

Verenga chikamu Vatongi 6