Vatongi 16:4-31
Vatongi 16:4-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
Gare gare Samusoni akadanana nomumwe mukadzi ainzi Dheraira wokumanhika ekuSoreki. Madzishe avaFirisitia akauya kwaari akati, “Munyengetedze uone panobva simba rake nenzira dzatingamukurire nadzo kuti timusunge tichizomukunda. Mumwe nomumwe wedu achakupa mari yesirivha inoita chiuru chimwechete nezana.” Dheraira akati kuna Samusoni, “Ndiudzeiwo kunobva simba renyu guru, nokusungwa kwamungaitwe kuti mukurirwe nomunhu.” Samusoni akamupindura achiti, “Kana vakandisunga netsembwe itsva dzouta nomwe, tambo dzichiri nyoro, ndichava munhu asina simba ndigoitawo sezvakangoitawo munhu wose wose.” Madzishe avaFirisitia vakamuunzira tsembwe dziya dzouta, tambo itsva nomwe dzichiri nyoro, iye akabva amusunga nadzo. Izvozvo muimba yomukati ainge ane varume vakanga vakahwandira Samusoni. Akazoti kwaari, “Samusoni, hokoyo nevaFirisitia!” Asi Samusoni akadambura tsembwe dziya dzouta sokudambuka kunoita shinda yanzi vave nomoto. Saka kwaibva simba rake hakuna kuziikanwa. Dheraira akati kuna Samusoni, “Uri kuzvionaka izvi! Wandiita zvako rema nokundiudza nhema. Ndiudzewo kuti ungasungwe sei.” Samusoni akati kwaari, “Kana vakandisunga netambo dzavo itsva dzisina kumboshandiswa, ndichava munhu asina simba ndigoitawo sezvakangoitawo munhu wose wose.” Saka Dheraira akatora tambo mbiri itsva, akamusunga nadzo ndokumuti, “Samusoni, hokoyo nevaFirisitia!” Izvozvo muimba yomukati makanga muine varume vakanga vakamuhwandira. Asi akadambura tambo dziya mumaoko ake sokunge ari kudambura shinda. Dheraira akati kuna Samusoni, “Kusvikira parizvino, wandiita zvako rema chairo nokundiudza nhema! Ndiudzewo kuti ungasungwe sei?” Iye akati kwaari, “Kana ukaruka mhotsi nomwe revhudzi romusoro wangu neshinda zvakasimbarara nechipeneti. Ipapo ndichashaya simba ndigoitawo zvakangoita vamwe vanhu.” Samusoni akati avete, Dheraira akarukira mapfundo evhudzi rake manomwe pamwechete nejira riya akaroverera hoko, ndokuti, “Samusoni, hokoyo nevaFirisitia.” Akati vharavhazhu kumuka, ndiye hoko iya nechokurukisa pamwechete nejira racho dzipu. Dheraira akati kwaari, “Ungagoti unondida seiko, iwe mwoyo wako uri kurekure neni? Rwendo runo rwava rwechitatu, uchindiita zvako rema, usingandiudze kunobva simba rako guru rakadai.” Dheraira akaramba achimunetsa zuva nezuva nezvaaitaura kusvikira Samusoni aneta zvokukungura kufa. Ndipo paakazodura pachena zvaiva mumwoyo make achiti, “Musoro wangu uyu hausati wamboveurwa nechisvo nokuti ndiri muNaziri akatsaurirwa Mwari kubvira pakuberekwa kwangu. Kana ndikangoveurwa musoro chete, simba rangu rinobva raenda ndichibva ndasara ndisisina simba ndigoitawo sezvakangoitawo munhu wose wose.” Dheraira paakangoona kuti Samusoni azomudurira pachena zvaiva mumwoyo make chaizvo, akatumira nhume kumadzishe avaFirisitia achiti, “Chibvai mauya, nokuti rwendo runo andifushunurira pachena zviri mumwoyo make.” Madzishe evaFirisitia akabva auya kwaari, vakabata mari iya mumaoko. Dheraira akavatisa Samusoni pamakumbo. Akadaidza mumwe murume, akamugera musoro mapfundo manomwe evhudzi ndokutanga kuita zvinhu zvokumurwadzisa, simba rake richabva rapera. Akadaidzira achiti, “Samusoni, hokoyo navaFirisitia.” Samusoni akati vharavhazhu kumuka ndokuti, “Ndichazvizunza ndigopunyuka sezvandanga ndichingoita,” asingazivi kuti Tenzi akanga atomusiya. VaFirisitia vakamuti dzvi vakamusvukunura maziso ake. Vakaenda naye kuGaza, ndokumusunga nesimbi dzendarira. Ndokumuitisa basa rokugaya upfu ari mujeri. Asi vhudzi rake romusoro rakatanga kukura. Madzishe avaFirisitia akakokorodzana kuzopira Dhagoni mwari wavo chibayiro chomupiro mukuru kwazvo vachipembera nokufara nokuti vaiti, “Mwari wedu aisa mumaoko edu Samusoni muvengi wedu.” Vanhu pavakangomuona, vakarumbidza mwari wavo vachiti, “Mwari wedu aisa muvengi wedu, mumaoko edu. Mharadzi yenyika yedu, nyakuuraya vazhinji vedu.” Vakati zvino vafarisa, ndokuti, “Tidaidzirei zvedu Samusoni ativaraidze.” Nokudaro vakandotora Samusoni mujeri maakanga ari, akatamba achivavaraidza. Vakamumisa pakati pembiru dzaivamo. Samusoni ndokutaurira mukomana aimutungamirira achiti, “Ndisvitsewo pane mbiru dzakatsigira imba ino iyi, undirege ndimbozembera zvangu padziri.” Zvino mumba iyoyo makanga makaita zvokutsikana kuwanda, varume navakadzi. Madzishe ose evaFirisitia akanga arimowo. Nechomudenga memba iyoyo makanga mune zviuru zvitatu zvavanhu, varume navakadzi vakanga vachitarisa zvavo Samusoni achivavaraidza nokutamba. Ipapo Samusoni akachema kuna Tenzi achiti, “Tenzi Mwari, ndiyeukeiwo, ndateterera mundisimbisewo kwanhasi uno chete Mwari, ndapota zvangu ndibve ndangotsividza kamwechete vaFirisitia maziso angu ari maviri.” Samusoni akabata mbiru mbiri dziya dzapakati dzakanga dzakatsigira imba iyoyo, imwe akaibata noruoko rwake rorudyi imwe noruboshwe achidzisunda. Ndokubva Samusoni, ati, “Chiregai ndichifa zvangu pamwechete navaFirisitia.” Akakotama nesimba rake rose, imba ikabva yati ririri kuwira pamusoro pamadzishe ose navanhu vose vaivamo. Nokudaro vanhu vaakauraya pakufa kwake vakanga vakawanda kwazvo kupfuura vaakambouraya achiri mupenyu. Vakoma navanun'una vake navose vemhuri yokwababa wake vakadzikako vakamutora vakauya naye vakamuviga pakati peZora neEshitaori muguva rababa wake Manoa ravaiviga vanhu vavo. Samusoni uyu akatonga vaIsiraeri kwamakumi maviri amakore.
Vatongi 16:4-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mushure menguva yakati kuti, akadanana nomukadzi aigara muMupata weSoreki; zita rake rainzi Dherira. Vatongi vavaFiristia vakaenda kwaari vakati, “Uone kana ungagona kumunyengetedza kuti akuratidze chakavanzika chesimba rake guru, uye kuti tingamukunda sei kuitira kuti tigomusunga timupfavise. Mumwe nomumwe wedu achakupa mashekeri esirivha mazana gumi nezana rimwe chete.” Saka Dherira akati kuna Samusoni, “Ndiudzewoka chakavanzika chesimba rako guru uye kuti ungasungwa sei kuti ukundwe.” Samusoni akamupindura akati, “Kana munhu upi zvake akandisunga netambo itsva nomwe dzisina kuomeswa, ndichava munhu asina simba, somumwewo munhu zvake.” Ipapo vatongi vavaFiristia vakamuvigira tambo nomwe itsva dzisina kuomeswa, akamusunga nadzo. Varume vakavanda mukamuri, akadanidzira kwaari akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Asi akadambura tambo zviri nyore sokudambuka kunoita shinda kana yaiswa pedyo nomurazvo womoto. Saka chakavanzika chesimba rake hachina kuzivikanwa. Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, “Wandiita benzi; wareva nhema kwandiri. Zvino chindiudza kuti ungasungwa sei?” Iye akati, “Kana munhu akandisunga zvakasimba namabote matsva asati amboshandiswa, ndichava munhu asina simba somumwewo munhu zvake.” Saka Dherira akatora mabote matsva akamusunga nawo. Ipapo, aiva navarume vakanga vakavanda mukamuri, uye akadanidzira kwaari achiti, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Asi akadambura mabote mumaoko ake kunge akanga ari shinda. Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, “Kusvikira zvino, wanga uchingondiita benzi uye uchireva nhema kwandiri. Ndiudze kuti ungasungwa sei.” Akapindura akati, “Kana ukarukira mhotsi dzangu nomwe dzebvudzi rangu mumucheka wakarukwa uye ukadzirovera pasi nembambo, ini ndichava munhu asina simba somumwewo munhu zvake.” Saka paakanga avata, Dherira akatora mhotsi nomwe dzebvudzi romusoro wake, akadzirukira mumucheka unorukwa, akadzirovera pasi nembambo. Akadanidzira kwaari zvakare akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Akapepuka pahope dzake akavhomora mbambo nomucheka wakarukwa. Ipapo akati kwaari, “Unoti ‘Ndinokuda’ sei iwe usingandiudzi zvakavanzika zvako? Aka kava ketatu uchingondiita benzi uye hauna kutongonditaurira chakavanzika chesimba rako guru.” Pakupedzisira mushure mokunge atambudzwa namashoko ake, zuva nezuva, achimugombedzera, akaneta zvokusvika parufu. Saka akamuudza zvose. Akati, “Hapana chisvo chakatomboshandiswa kuveura musoro wangu, nokuti ndakaitwa muNaziri akatsaurirwa kuna Mwari kubva pakuberekwa kwangu. Kana musoro wangu ukaveurwa, simba rangu rinobva pandiri, uye ndinozova munhu asina simba, somumwewo munhu zvake.” Dherira paakaona kuti akanga amuudza zvose, akatuma shoko kuvatongi vavaFiristia achiti, “Dzokai, zvakare; andiudza zvose.” Saka vatongi vavaFiristia vakadzoka vaine sirivha mumaoko avo. Akati amurarisa pamakumbo ake, akadana munhu kuti azoveura mhotsi nomwe dzebvudzi rake, nokudaro akatanga kumukunda. Uye simba rake rakabva paari. Ipapo akadana Samusoni akati, “Samusoni, vaFiristia vasvika!” Akapepuka pahope dzake akafunga akati, “Ndichabuda sezvandaiita kare uye ndichazvisunungura.” Asi akanga asingazivi kuti Jehovha akanga abva paari. Ipapo vaFiristia vakamubata vakatumbura meso ake vakamuendesa kundokuya mutorongo. Asi bvudzi romusoro wake rakatanga kukurazve shure kwokumboveurwa. Zvino vatongi vavaFiristia vakaungana kuti vabayire chibayiro chikuru kuna Dhagoni mwari wavo uye kuti vapemberere vachiti, “Mwari wedu aisa Samusoni, muvengi wedu, mumaoko edu.” Vanhu vakati vamuona, vakarumbidza mwari wavo vachiti, “Mwari wedu aisa muvengi wedu mumaoko edu, iye akaparadza nyika yedu akawanza vakaurayiwa vedu.” Vari pakufara kukuru, vakadanidzira vachiti, “Budisai Samusoni kuti auye kuzotitandadza.” Saka vakadana Samusoni kuti abude mutorongo, uye akatamba pamberi pavo. Vakati vamumisa pakati pembiru, Samusoni akati kumuranda akanga akabata ruoko rwake, “Ndiise pandinogona kubata mbiru dzinotsigira temberi, kuitira kuti ndisendamire padziri.” Zvino temberi yakanga izere navarume navakadzi; vatongi vose vavaFiristia vakanga varimo uye padenga pakanga pane varume navakadzi vanenge zviuru zvitatu vakatarira Samusoni achitamba. Ipapo Samusoni akanyengetera kuna Jehovha akati, “Haiwa Ishe Jehovha, ndirangarirei. Imi Mwari, ndapota hangu, ndisimbisei henyu nguva ino bedzi, uye nditenderei kamwe chete kuti nditsive vaFiristia nokuda kwameso angu maviri.” Ipapo Samusoni akabata mbiru mbiri dzapakati dzakanga dzakatsigira temberi paakanga amire. Akadzisunda, ruoko rwake rworudyi rwuri pane imwe uye rworuboshwe rwuri pane imwe yacho. Samusoni akati, “Regai ndife hangu navaFiristia!” Ipapo akasunda nesimba rake rose, temberi ikaondomokera pamusoro pavatongi vavaFiristia navanhu vose vaiva mairi. Naizvozvo akauraya vanhu vazhinji kwazvo pakufa kwake kupfuura paakanga ari mupenyu. Ipapo vanunʼuna vake nemhuri yose yababa vake vakaburuka, vakandomutora. Vakadzoka naye vakandomuviga pakati peZora neEshitaori muhwiro raManoa baba vake. Akanga atungamirira Israeri kwamakore makumi maviri.
Vatongi 16:4-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino pashure akada mukadzi wakanga agere pamupata weSoreki, wainzi Dherira. Madzishe avaFirisitia akakwira kumukadzi, akati kwaari, “Munyengetedze, uone kuti tingamukunda sei, kuti timusunge timumanikidze; ipapo mumwe nomumwe wedu uchakupa mashekeri esirivha ane gumi ramazana nezana rimwe.” Zvino Dherira akati kuna Samusoni, “Ndiudze hako kuti simba rako guru rinobvepi, uye kuti ungasungwa neiko, umanikidzwe.” Samusoni akati kwaari, “Kana vakandisunga namarunda matsva manomwe achigere kuomeswa, ndichashaiwa simba, ndikava somumwe munhu.” Ipapo madzishe avaFirisitia akamuvigira marunda matsva manomwe achigere kuomeswa, iye akamusunga nawo. Zvino wakanga ana vavandiri vakanga vakavandira muimba yomukati. Akati kwaari, “Samusoni, vaFirisitia vasvika!” Iye akadambura marunda, sezvinodamburwa rwonzi rworuchinda kana rwanzwa moto. Naizvozvo simba rake harina kuzikanwa. Ipapo Dherira akati kuna Samusoni, “Tarira, wandidadira, nokundirevera nhema; zvino chindiudza hako kuti ungasungwa nei?” Akati kwaari, “Kana vakangondisunga havo namabote matsva, asina kumbobatisa, ndichashaiwa simba, ndikava somumwe munhu.” Ipapo Dherira akatora mabote matsva, akamusunga nawo, akati kwaari, “Samusoni, vaFirisitia vasvika!” Vavandiri vakanga vakavandira muimba yomukati. Ipapo akaadambura pamaoko ake soruchinda. Dherira akati kuna Samusoni, “Kusvikira zvino wakanga uchingondidadira, uchindirevera nhema; chindiudza hako kuti ungasungwa nei?” Akati kwaari, “Kana ukarukira mhotsi nomwe dzevhudzi romusoro wangu pamwechete nomucheka unorukwa.” Iye akarisunga nembambo, akati kwaari, “Samusoni, vaFirisitia vasvika!” Ipapo akapepuka pahope dzake, akavhomora mbambo yedanda pamwechete nomucheka wakarukwa. Iye akati kwaari, “Zvino ungataura seiko uchiti, ‘Ndinokuda, kana mwoyo wako usinganditendi? Zvino wandidadira katatu, usingandiudzi kuti simba rako guru rinobvepi?’ ” Zvino wakati achingomutambudza mazuva ose namashoko ake, achigombedzera, mwoyo wake ukanetswa kusvikira pakufa. Akamuudza nomwoyo wake wose akati kwaari, “Musoro wangu hauna kutongoveurwa nechisvo, nokuti ndiri muNaziri waMwari kubva padumbu ramai vangu; kana ndikaveurwa, simba rangu richabva kwandiri, ndingashaiwa simba, ndikaita somumwe munhu.” Zvino Dherira wakati aona kuti wamuudza nomwoyo wake wose, akatuma munhu kundodana madzishe avaFirisitia, akati, “Kwirai henyu kuno nguva ino, nokuti wandiudza nomwoyo wake wose.” Ipapo madzishe avaFirisitia vakakwira kwaari, vakauya nemari mumaoko avo. Iye akamuvatisa pamabvi ake, akadana munhu kuzoveura mhotsi nomwe dzevhudzi romusoro wake; akatanga kumumanikidza; simba rake rikabva kwaari. Akati, “Samusoni, vaFirisitia vasvika!” Ipapo Samusoni akapepuka pahope dzake, akati, “Ndichabuda nguva inowo sapane dzimwe nguva, ndikazvisunungura;” asi wakanga asingazivi kuti Jehovha wakanga abva kwaari. Zvino vaFirisitia vakamubata, vakamutumbura meso, vakaburuka naye Gaza, ndokumusunga nezvisungo zvendarira, akakuya mutorongo. Asi vhudzi romusoro wake rakatanga kurebazve shure kwokuveurwa kwake. Zvino madzishe avaFirisitia akaungana pamwechete kuzobayira Dhagoni mwari wavo chibayiro chikuru, ndokufara; nokuti vakati, “Mwari wedu wakaisa mumaoko edu muvengi wedu Samusoni.” Zvino vanhu vakati vachimuona, vakarumbidza mwari wavo, nokuti vakati, “Mwari wedu wakaisa mumaoko edu muvengi wedu, nomuparadzi wenyika yedu, wakauraya vazhinji vedu.” Zvino mwoyo yavo yakati yofara, vakati, “Chidanai Samusoni, atitambire.” Vakandodana Samusoni mutorongo, akatamba pamberi pavo, vakamuisa pakati pembiru. Zvino Samusoni akati kumukomana wakanga akabata ruoko rwake, “Nditendere kuti ndibate mbiru dzakatsigira imba, ndisendamire padziri.” Zvino imba yakanga izere navarume navakadzi; namadzishe avaFirisitia akanga arimo ose; napamusoro pedenga pakanga pana varume navakadzi vanenge zviuru zvitatu, vakanga vachitarira kutamba kwaSamusoni. Ipapo Samusoni akadana kuna Jehovha akati, “Ishe Mwari, ndirangarirei henyu, ndisimbisei henyu nguva ino bedzi, imi Mwari, nditsivirwe meso angu maviri kuvaFirisitia.” Samusoni akabata mbiru mbiri dzapakati, dzakanga dzakatsigira imba, akadzisunda, imwe noruoko rwake rworudyi neimwe noruoko rwake rworuboshwe. Ipapo Samusoni akati, “Ngandife hangu pamwechete navaFirisitia.” Akakotama nesimba rake rose, imba ikawira pamusoro pamadzishe, napamusoro pavanhu vaivamo. Naizvozvo vakafa vaakauraya pakufa kwake, vakanga vari vazhinji kuna vakaurawa naye achiri mupenyu. Zvino hama dzake, navose veimba yababa vake, vakaburuka, vakamutora, vakakwira naye, ndokumuviga pakati peZora neEshitaori, pabwiro yaManoa, baba vake. Iye wakatonga vaIsiraeri makore ana makumi maviri.
Vatongi 16:4-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Gare gare Samusoni akadanana nomumwe mukadzi ainzi Dheraira wokumanhika ekuSoreki. Madzishe avaFirisitia akauya kwaari akati, “Munyengetedze uone panobva simba rake nenzira dzatingamukurire nadzo kuti timusunge tichizomukunda. Mumwe nomumwe wedu achakupa mari yesirivha inoita chiuru chimwechete nezana.” Dheraira akati kuna Samusoni, “Ndiudzeiwo kunobva simba renyu guru, nokusungwa kwamungaitwe kuti mukurirwe nomunhu.” Samusoni akamupindura achiti, “Kana vakandisunga netsembwe itsva dzouta nomwe, tambo dzichiri nyoro, ndichava munhu asina simba ndigoitawo sezvakangoitawo munhu wose wose.” Madzishe avaFirisitia vakamuunzira tsembwe dziya dzouta, tambo itsva nomwe dzichiri nyoro, iye akabva amusunga nadzo. Izvozvo muimba yomukati ainge ane varume vakanga vakahwandira Samusoni. Akazoti kwaari, “Samusoni, hokoyo nevaFirisitia!” Asi Samusoni akadambura tsembwe dziya dzouta sokudambuka kunoita shinda yanzi vave nomoto. Saka kwaibva simba rake hakuna kuziikanwa. Dheraira akati kuna Samusoni, “Uri kuzvionaka izvi! Wandiita zvako rema nokundiudza nhema. Ndiudzewo kuti ungasungwe sei.” Samusoni akati kwaari, “Kana vakandisunga netambo dzavo itsva dzisina kumboshandiswa, ndichava munhu asina simba ndigoitawo sezvakangoitawo munhu wose wose.” Saka Dheraira akatora tambo mbiri itsva, akamusunga nadzo ndokumuti, “Samusoni, hokoyo nevaFirisitia!” Izvozvo muimba yomukati makanga muine varume vakanga vakamuhwandira. Asi akadambura tambo dziya mumaoko ake sokunge ari kudambura shinda. Dheraira akati kuna Samusoni, “Kusvikira parizvino, wandiita zvako rema chairo nokundiudza nhema! Ndiudzewo kuti ungasungwe sei?” Iye akati kwaari, “Kana ukaruka mhotsi nomwe revhudzi romusoro wangu neshinda zvakasimbarara nechipeneti. Ipapo ndichashaya simba ndigoitawo zvakangoita vamwe vanhu.” Samusoni akati avete, Dheraira akarukira mapfundo evhudzi rake manomwe pamwechete nejira riya akaroverera hoko, ndokuti, “Samusoni, hokoyo nevaFirisitia.” Akati vharavhazhu kumuka, ndiye hoko iya nechokurukisa pamwechete nejira racho dzipu. Dheraira akati kwaari, “Ungagoti unondida seiko, iwe mwoyo wako uri kurekure neni? Rwendo runo rwava rwechitatu, uchindiita zvako rema, usingandiudze kunobva simba rako guru rakadai.” Dheraira akaramba achimunetsa zuva nezuva nezvaaitaura kusvikira Samusoni aneta zvokukungura kufa. Ndipo paakazodura pachena zvaiva mumwoyo make achiti, “Musoro wangu uyu hausati wamboveurwa nechisvo nokuti ndiri muNaziri akatsaurirwa Mwari kubvira pakuberekwa kwangu. Kana ndikangoveurwa musoro chete, simba rangu rinobva raenda ndichibva ndasara ndisisina simba ndigoitawo sezvakangoitawo munhu wose wose.” Dheraira paakangoona kuti Samusoni azomudurira pachena zvaiva mumwoyo make chaizvo, akatumira nhume kumadzishe avaFirisitia achiti, “Chibvai mauya, nokuti rwendo runo andifushunurira pachena zviri mumwoyo make.” Madzishe evaFirisitia akabva auya kwaari, vakabata mari iya mumaoko. Dheraira akavatisa Samusoni pamakumbo. Akadaidza mumwe murume, akamugera musoro mapfundo manomwe evhudzi ndokutanga kuita zvinhu zvokumurwadzisa, simba rake richabva rapera. Akadaidzira achiti, “Samusoni, hokoyo navaFirisitia.” Samusoni akati vharavhazhu kumuka ndokuti, “Ndichazvizunza ndigopunyuka sezvandanga ndichingoita,” asingazivi kuti Tenzi akanga atomusiya. VaFirisitia vakamuti dzvi vakamusvukunura maziso ake. Vakaenda naye kuGaza, ndokumusunga nesimbi dzendarira. Ndokumuitisa basa rokugaya upfu ari mujeri. Asi vhudzi rake romusoro rakatanga kukura. Madzishe avaFirisitia akakokorodzana kuzopira Dhagoni mwari wavo chibayiro chomupiro mukuru kwazvo vachipembera nokufara nokuti vaiti, “Mwari wedu aisa mumaoko edu Samusoni muvengi wedu.” Vanhu pavakangomuona, vakarumbidza mwari wavo vachiti, “Mwari wedu aisa muvengi wedu, mumaoko edu. Mharadzi yenyika yedu, nyakuuraya vazhinji vedu.” Vakati zvino vafarisa, ndokuti, “Tidaidzirei zvedu Samusoni ativaraidze.” Nokudaro vakandotora Samusoni mujeri maakanga ari, akatamba achivavaraidza. Vakamumisa pakati pembiru dzaivamo. Samusoni ndokutaurira mukomana aimutungamirira achiti, “Ndisvitsewo pane mbiru dzakatsigira imba ino iyi, undirege ndimbozembera zvangu padziri.” Zvino mumba iyoyo makanga makaita zvokutsikana kuwanda, varume navakadzi. Madzishe ose evaFirisitia akanga arimowo. Nechomudenga memba iyoyo makanga mune zviuru zvitatu zvavanhu, varume navakadzi vakanga vachitarisa zvavo Samusoni achivavaraidza nokutamba. Ipapo Samusoni akachema kuna Tenzi achiti, “Tenzi Mwari, ndiyeukeiwo, ndateterera mundisimbisewo kwanhasi uno chete Mwari, ndapota zvangu ndibve ndangotsividza kamwechete vaFirisitia maziso angu ari maviri.” Samusoni akabata mbiru mbiri dziya dzapakati dzakanga dzakatsigira imba iyoyo, imwe akaibata noruoko rwake rorudyi imwe noruboshwe achidzisunda. Ndokubva Samusoni, ati, “Chiregai ndichifa zvangu pamwechete navaFirisitia.” Akakotama nesimba rake rose, imba ikabva yati ririri kuwira pamusoro pamadzishe ose navanhu vose vaivamo. Nokudaro vanhu vaakauraya pakufa kwake vakanga vakawanda kwazvo kupfuura vaakambouraya achiri mupenyu. Vakoma navanun'una vake navose vemhuri yokwababa wake vakadzikako vakamutora vakauya naye vakamuviga pakati peZora neEshitaori muguva rababa wake Manoa ravaiviga vanhu vavo. Samusoni uyu akatonga vaIsiraeri kwamakumi maviri amakore.
Vatongi 16:4-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino pashure akaɗa mukadzi wakaŋga agere pamupata weSoreki, wainzi Derira. Madzishe aʋaFiristia akakwira kumukadzi, akati kwaari: Munyeŋgetedze, uʋone kunobva simba rake guru, ʋuye kuti tiŋgamukunda sei, kuti timusuŋge timumanikidze; ipapo mumŋe nomumŋe weɗu ucakupa mashekeri esirveri anegumi ramazana nezana rimŋe. Ɀino Derira akati kunaSamsoni: Ndiʋudze hako kuti simba rako guru rinobvepi, ʋuye kuti uŋgasuŋgwa neiko, umanikidzwe. Samsoni akati kwaari: Kana ʋakandisuŋga namarunda matȿa manomŋe acigere kuwomeswa, ndicashaiwa simba, ndikaʋa somumŋe munhu. Ipapo madzishe aʋaFiristia akamuʋigira marunda matȿa manomŋe acigere kuwomeswa, iye akamusuŋga nawo. Ɀino wakaŋga anaʋaʋandiri ʋakaŋga ʋakaʋandira muimba yomukati. Akati kwaari: Samsoni, ʋaFiristia ʋaȿika! Iye akaɗambura marunda, seɀinoɗamburwa rwonzi rworucinda kana rwanzwa mŋoto. Naiɀoɀo simba rake harinakuzikanwa. Ipapo Derira akati kunaSamsoni: Tarira, wandiɗaɗira, nokundireʋera nhema; ɀino cindiʋudza hako kuti uŋgasuŋgwa nei. Akati kwaari: Kana ʋakaŋgondisuŋga haʋo namaɓote matȿa, asina‐kumboɓatisa, ndicashaiwa simba, ndikaʋa somumŋe munhu. Ipapo Derira akatora maɓote matȿa, akamusuŋga nawo, akati kwaari: Samsoni, ʋaFiristia ʋaȿika! Ʋaʋandiri ʋakaŋga ʋakaʋandira muimba yomukati. Ipapo akaaɗambura pamaʋoko ake sorucinda. Derira akati kunaSamsoni: Kuȿikira ɀino wakaŋga uciŋgondiɗaɗira, ucindireʋera nhema; cindiʋudza hako kuti uŋgasuŋgwa nei. Akati kwaari: Kana ukarukira mhotsi nomŋe dzevudzi romusoro waŋgu pamŋe cete nomuceka unorukwa. Iye akarisuŋga nembambo, akati kwaari: Samsoni, ʋaFiristia ʋaȿika! Ipapo akapepuka pahope dzake, akavomora mbambo yeɗanda pamŋe cete nomuceka wakarukwa. Iye akati kwaari: Ɀino uŋgataura seiko uciti: Ndinokuɗa, kana mŋoyo wako usiŋganditendi? Ɀino wandiɗaɗira katatu, usiŋgandiʋudzi kuti simba rako guru rinobvepi. Ɀino wakati aciŋgomutambudza mazuʋa ose namashoko ake, acimugombedzera, mŋoyo wake ukanetswa kuȿikira pakufa. Akamuʋudza nomŋoyo wake wose akati kwaari: Musoro waŋgu hauna‐kutoŋgoʋeʋurwa neciȿo, nokuti ndiri muNaziri waMŋari kubva paɗumbu ramai ʋaŋgu; kana ndikaʋeʋurwa, simba raŋgu ricabva kwandiri, ndiŋgashaiwa simba, ndikaita somumŋe munhu. Ɀino Derira wakati aʋona kuti wamuʋudza nomŋoyo wake wose, akatuma munhu kundoɗana madzishe aʋaFiristia, akati: Kwirai henyu ʋuno ŋguʋa ino, nokuti wandiʋudza nomŋoyo wake wose. Ipapo madzishe aʋaFiristia akakwira kwaari, ʋakaʋuya nemari mumaʋoko aʋo. Iye akamuʋatisa pamabvi ake, akaɗana munhu kuzoʋeʋura mhotsi nomŋe dzevudzi romusoro wake; akataŋga kumumanikidza; simba rake rikabva kwaari. Akati: Samsoni, ʋaFiristia ʋaȿika! Ipapo Samsoni akapepuka pahope dzake, akati: Ndicaɓuɗa ŋguʋa ino ʋo sapanedzimŋe ŋguʋa, ndikaɀisunuŋgura; asi wakaŋga asiŋgaziʋi kuti Jehova wakaŋga abva kwaari. Ɀino ʋaFiristia ʋakamuɓata, ʋakamutumbura meso, ʋakaɓuruka naye Gaza, ndokumusuŋga neɀisuŋgo ɀendarira, akakuya mutoroŋgo. Asi vudzi romusoro wake rakataŋga kureɓa ɀe shure kwokuʋeʋurwa kwake. Ɀino madzishe aʋaFiristia akaʋuŋgana pamŋe cete kuzoɓayira Dagoni mŋari waʋo ciɓayiro cikuru, ndokufara; nokuti ʋakati: Mŋari weɗu wakaisa mumaʋoko eɗu muʋeŋgi weɗu Samsoni. Ɀino ʋanhu ʋakati ʋacimuʋona, ʋakarumbidza mŋari waʋo, nokuti ʋakati: Mŋari weɗu wakaisa mumaʋoko eɗu muʋeŋgi weɗu, nomuparadzi wenyika yeɗu, wakaʋuraya ʋazhinji ʋeɗu. Ɀino mŋoyo yaʋo yakati yofara, ʋakati: Ciɗanai Samsoni, atitambire. Ʋakandoɗana Samsoni mutoroŋgo, akatamba pamberi paʋo, ʋakamuisa pakati pembiru. Ɀino Samsoni akati kumukomana wakaŋga akaɓata ruʋoko rwake: Nditendere kuti ndiɓate mbiru dzakatsigira imba, ndisendamire padziri. Ɀino imba yakaŋga izere naʋarume naʋakadzi; namadzishe aʋaFiristia akaŋga ari’mo ose; napamsoro peɗeŋga pakaŋga panaʋarume naʋakadzi ʋaneŋge ɀuru ɀitatu, ʋakaŋga ʋacitarira kutamba kwaSamsoni. Ipapo Samsoni akaɗana kunaJehova akati: Ishe Mŋari, ndiraŋgarirei henyu, ndisimbisei henyu ŋguʋa ino ɓedzi, imi Mŋari, nditsiʋirwe meso aŋgu maʋiri kuʋaFiristia. Samsoni akaɓata mbiru mbiri dzapakati, dzakaŋga dzakatsigira imba, akadzisunda, imŋe noruʋoko rwake rworudyi neimŋe noruʋoko rwake rworuɓoshwe. Ipapo Samsoni akati: Ŋgandife haŋgu pamŋe cete naʋaFiristia. Akakotama nesimba rake rose, imba ikawira pamsoro pamadzishe, napamsoro paʋanhu ʋaiʋa’mo. Naiɀoɀo ʋakafa ʋaakaʋuraya pakufa kwake, ʋakaŋga ʋari ʋazhinji kunaʋakaʋurawa naye aciri mupenyu. Ɀino hama dzake, naʋose ʋeimba yaɓaɓa ʋake, ʋakaɓuruka, ʋakamutora, ʋakakwira naye, ndokumuʋiga pakati peZora neEshtaori, pabgiro bgaManoa, ɓaɓa ʋake. Iye wakatoŋga ʋaIsraeri makore anamakumi maʋiri.