Ɀino pashure akaɗa mukadzi wakaŋga agere pamupata weSoreki, wainzi Derira. Madzishe aʋaFiristia akakwira kumukadzi, akati kwaari: Munyeŋgetedze, uʋone kunobva simba rake guru, ʋuye kuti tiŋgamukunda sei, kuti timusuŋge timumanikidze; ipapo mumŋe nomumŋe weɗu ucakupa mashekeri esirveri anegumi ramazana nezana rimŋe. Ɀino Derira akati kunaSamsoni: Ndiʋudze hako kuti simba rako guru rinobvepi, ʋuye kuti uŋgasuŋgwa neiko, umanikidzwe. Samsoni akati kwaari: Kana ʋakandisuŋga namarunda matȿa manomŋe acigere kuwomeswa, ndicashaiwa simba, ndikaʋa somumŋe munhu. Ipapo madzishe aʋaFiristia akamuʋigira marunda matȿa manomŋe acigere kuwomeswa, iye akamusuŋga nawo. Ɀino wakaŋga anaʋaʋandiri ʋakaŋga ʋakaʋandira muimba yomukati. Akati kwaari: Samsoni, ʋaFiristia ʋaȿika! Iye akaɗambura marunda, seɀinoɗamburwa rwonzi rworucinda kana rwanzwa mŋoto. Naiɀoɀo simba rake harinakuzikanwa. Ipapo Derira akati kunaSamsoni: Tarira, wandiɗaɗira, nokundireʋera nhema; ɀino cindiʋudza hako kuti uŋgasuŋgwa nei. Akati kwaari: Kana ʋakaŋgondisuŋga haʋo namaɓote matȿa, asina‐kumboɓatisa, ndicashaiwa simba, ndikaʋa somumŋe munhu. Ipapo Derira akatora maɓote matȿa, akamusuŋga nawo, akati kwaari: Samsoni, ʋaFiristia ʋaȿika! Ʋaʋandiri ʋakaŋga ʋakaʋandira muimba yomukati. Ipapo akaaɗambura pamaʋoko ake sorucinda. Derira akati kunaSamsoni: Kuȿikira ɀino wakaŋga uciŋgondiɗaɗira, ucindireʋera nhema; cindiʋudza hako kuti uŋgasuŋgwa nei. Akati kwaari: Kana ukarukira mhotsi nomŋe dzevudzi romusoro waŋgu pamŋe cete nomuceka unorukwa. Iye akarisuŋga nembambo, akati kwaari: Samsoni, ʋaFiristia ʋaȿika! Ipapo akapepuka pahope dzake, akavomora mbambo yeɗanda pamŋe cete nomuceka wakarukwa. Iye akati kwaari: Ɀino uŋgataura seiko uciti: Ndinokuɗa, kana mŋoyo wako usiŋganditendi? Ɀino wandiɗaɗira katatu, usiŋgandiʋudzi kuti simba rako guru rinobvepi. Ɀino wakati aciŋgomutambudza mazuʋa ose namashoko ake, acimugombedzera, mŋoyo wake ukanetswa kuȿikira pakufa. Akamuʋudza nomŋoyo wake wose akati kwaari: Musoro waŋgu hauna‐kutoŋgoʋeʋurwa neciȿo, nokuti ndiri muNaziri waMŋari kubva paɗumbu ramai ʋaŋgu; kana ndikaʋeʋurwa, simba raŋgu ricabva kwandiri, ndiŋgashaiwa simba, ndikaita somumŋe munhu. Ɀino Derira wakati aʋona kuti wamuʋudza nomŋoyo wake wose, akatuma munhu kundoɗana madzishe aʋaFiristia, akati: Kwirai henyu ʋuno ŋguʋa ino, nokuti wandiʋudza nomŋoyo wake wose. Ipapo madzishe aʋaFiristia akakwira kwaari, ʋakaʋuya nemari mumaʋoko aʋo. Iye akamuʋatisa pamabvi ake, akaɗana munhu kuzoʋeʋura mhotsi nomŋe dzevudzi romusoro wake; akataŋga kumumanikidza; simba rake rikabva kwaari. Akati: Samsoni, ʋaFiristia ʋaȿika! Ipapo Samsoni akapepuka pahope dzake, akati: Ndicaɓuɗa ŋguʋa ino ʋo sapanedzimŋe ŋguʋa, ndikaɀisunuŋgura; asi wakaŋga asiŋgaziʋi kuti Jehova wakaŋga abva kwaari. Ɀino ʋaFiristia ʋakamuɓata, ʋakamutumbura meso, ʋakaɓuruka naye Gaza, ndokumusuŋga neɀisuŋgo ɀendarira, akakuya mutoroŋgo. Asi vudzi romusoro wake rakataŋga kureɓa ɀe shure kwokuʋeʋurwa kwake.
Ɀino madzishe aʋaFiristia akaʋuŋgana pamŋe cete kuzoɓayira Dagoni mŋari waʋo ciɓayiro cikuru, ndokufara; nokuti ʋakati: Mŋari weɗu wakaisa mumaʋoko eɗu muʋeŋgi weɗu Samsoni. Ɀino ʋanhu ʋakati ʋacimuʋona, ʋakarumbidza mŋari waʋo, nokuti ʋakati: Mŋari weɗu wakaisa mumaʋoko eɗu muʋeŋgi weɗu, nomuparadzi wenyika yeɗu, wakaʋuraya ʋazhinji ʋeɗu. Ɀino mŋoyo yaʋo yakati yofara, ʋakati: Ciɗanai Samsoni, atitambire. Ʋakandoɗana Samsoni mutoroŋgo, akatamba pamberi paʋo, ʋakamuisa pakati pembiru. Ɀino Samsoni akati kumukomana wakaŋga akaɓata ruʋoko rwake: Nditendere kuti ndiɓate mbiru dzakatsigira imba, ndisendamire padziri. Ɀino imba yakaŋga izere naʋarume naʋakadzi; namadzishe aʋaFiristia akaŋga ari’mo ose; napamsoro peɗeŋga pakaŋga panaʋarume naʋakadzi ʋaneŋge ɀuru ɀitatu, ʋakaŋga ʋacitarira kutamba kwaSamsoni. Ipapo Samsoni akaɗana kunaJehova akati: Ishe Mŋari, ndiraŋgarirei henyu, ndisimbisei henyu ŋguʋa ino ɓedzi, imi Mŋari, nditsiʋirwe meso aŋgu maʋiri kuʋaFiristia. Samsoni akaɓata mbiru mbiri dzapakati, dzakaŋga dzakatsigira imba, akadzisunda, imŋe noruʋoko rwake rworudyi neimŋe noruʋoko rwake rworuɓoshwe. Ipapo Samsoni akati: Ŋgandife haŋgu pamŋe cete naʋaFiristia. Akakotama nesimba rake rose, imba ikawira pamsoro pamadzishe, napamsoro paʋanhu ʋaiʋa’mo. Naiɀoɀo ʋakafa ʋaakaʋuraya pakufa kwake, ʋakaŋga ʋari ʋazhinji kunaʋakaʋurawa naye aciri mupenyu. Ɀino hama dzake, naʋose ʋeimba yaɓaɓa ʋake, ʋakaɓuruka, ʋakamutora, ʋakakwira naye, ndokumuʋiga pakati peZora neEshtaori, pabgiro bgaManoa, ɓaɓa ʋake. Iye wakatoŋga ʋaIsraeri makore anamakumi maʋiri.