Vatongi 14:4-5
Vatongi 14:4-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
(Vabereki vake vakanga vasingazivi kuti izvi zvakanga zvichibva kuna Jehovha, akanga achitsvaka mukana wokurwa navaFiristia; nokuti nenguva iyo ndivo vakanga vachitonga vaIsraeri.) Samusoni akaburuka akaenda kuTimina pamwe chete nababa vake namai vake. Vakati vasvika kuminda yemizambiringa yeTimina, pakarepo shumba yakauya yakananga kwaari ichiomba.

Vatongi 14:4-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi baba vake namai vake havana kuziva kuti zvakanga zvichibva kuna Jehovha, nokuti wakanga achitsvaka mhaka yokurwa navaFirisitia. Zvino nenguva iyo vaFirisitia vakanga vakabata Isiraeri. Zvino Samusoni wakaburukira Timuna nababa vake namai vake, vakasvika paminda yemizambiringa paTimuna; onei mwana weshumba ukamuombera.
Vatongi 14:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Baba naamai vake vakanga vasiri kuziva kuti Tenzi ndiye aimuitisa izvozvo kuti pazova nechimwe chinokonzera kuti vaFirisitia varwiswe. Izvozvo vaFirisitia ndovaitonga vaIsiraeri. Samusoni akadzika kuTimuna pamwechete nababa naamai vake. Paakasvika kuminda yemigirepisi yokuTimuna, akavingwa neshumba ichirikuzvinzwa ichidzvova.
Vatongi 14:4-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ɓaɓa ʋake namai ʋake haʋana‐kuziʋa kuti ɀakaŋga ɀicibva kunaJehova, nokuti wakaŋga acitȿaka mhaka yokurwa naʋaFiristia. Ɀino neŋguʋa iyo ʋaFiristia ʋakaŋga ʋakaɓata Israeri. Ɀino Samsoni wakaɓurukira Timna naɓaɓa ʋake namai ʋake, ʋakaȿika paminda yemizambiriŋga paTimna; ʋonei mŋana weshumba ukamuʋombera.
Vatongi 14:4-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)