Jakobho 3:7-11
Jakobho 3:7-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Marudzi ose emhuka, eshiri, ezvinokambaira neezvisikwa zvomugungwa zvinopingudzwa uye zvakambopingudzwa navanhu, asi hakuna munhu anogona kupingudza rurimi. Ndirwo chinhu chakaipa chisingazorori, chizere nomuchetura unouraya. Narwo tinorumbidza Ishe wedu naBaba vedu, uye narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari. Mumuromo mumwe chete imomo munobuda kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hazvifaniri kudaro. Ko, mvura yakanaka neinovava ingabuda mutsime rimwe chete here?
Jakobho 3:7-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti marudzi ose emhuka, neeshiri, neezvinokambaira, neezviri mugungwa angapingudzwa, uye ukambopingudzwa navanhu; asi hakuna munhu angapingudza rurimi; ndicho chinhu chakaipa chinoshanduka-shanduka, chizere nomuti unouraya. Narwo tinorumbidza Ishe Baba; narwo tinotuka vanhu, vakaitwa nomufananidzo waMwari; mumuromo mumwe munobva kurumbidza nokutuka. Hama dzangu, hatifaniri kudaro. Tsime rinobudisa pachitubhu chimwe mvura inonaka neinovava here?
Jakobho 3:7-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mhuka dzamarudzi ose neshiri nezvose zvinozvova napasi nezvinhu zvomugungwa zvinogona kupingudzwa uye zvinopingudzwa navanhu. Asi hapana munhu anogona kupingudza rurimi, rwakaipa uye haruna parwo uyezve rune chepfu. Tinorumbidza narwo Tenzi naBaba uye narwo tinorengerera vanhu rushambwa, vanhu vakasikwa vakafanana naMwari. Mukanwa mumwechetemo munobuda chikomborero nokurengerera rushambwa. Hama dzangu hazvifaniri kudaro. Chisipiti chingaburitse, napaburi rimwechete, mvura yakanaka nemvura inovava here?
Jakobho 3:7-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti marudzi ose emhuka, neeshiri, neeɀinokambaira, neeɀiri muguŋgwa aŋgapiŋgudzwa, ʋuye akambopiŋgudzwa naʋanhu; asi hakunomunhu uŋgapiŋgudza rurimi; ndico cinhu cakaipa cinoshanduka‐shanduka, cizere nomuti unoʋuraya. Narwo tinorumbidza Ishe Ƃaɓa; narwo tinotuka ʋanhu, ʋakaitwa nomufananidzo waMŋari; mumuromo mumŋe munobva kurumbidza nokutuka. Hama dzaŋgu, hatifaniri kuɗaro. Tsime rinoɓuɗisa pacituɓu cimŋe mvura inonaka neinoʋaʋa here?
Jakobho 3:7-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)