Jakobho 3:13-17
Jakobho 3:13-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndiani akachenjera uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaazviratidze noupenyu hwake hwakanaka, namabasa anoitwa nokuzvininipisa kunobva pauchenjeri. Asi kana muchipfimbika godo rinovava norukave mumwoyo yenyu, musazvikudza pamusoro pazvo kana muchiramba chokwadi. “Kuchenjera” kwakadaro hakuburuki kuchibva kudenga asi ndokwenyika, hakuzi kwomweya, ndokwadhiabhori. Nokuti pane godo norukave, ndipo pamunowana nyonganiso namabasa ose akaipa. Asi uchenjeri hunobva kudenga pakutanga kwezvose, hwakachena; uye hunofarira rugare, hune hanya, hunozviisa pasi, huzere nengoni uye hune zvibereko zvakanaka, hahutsauri vamwe uye hwakatendeka.
Jakobho 3:13-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndiani pakati penyu akachenjera, akangwara? Ngaaratidze nomufambiro wake wakanaka mabasa ake nounyoro hwouchenjeri. Asi kana mune godo rinovava norukave mumwoyo menyu, musazvirumbidza nokurevera zvokwadi nhema. Kuchenjera uku hakuburuki kuchibva kumusoro, asi ndokwenyika, kwatakamuka nako, kwomweya wakaipa. Nokuti pane godo norukave, ndipo pane nyonganiso namabasa ose akaipa. Asi kuchenjera, kunobva kumusoro, zvikuru kwakachena, uye kunorugare, kunyoro, kunoteerera, kuzere nengoni nezvibereko zvakanaka, kusingatsauri kusinganyengeri.
Jakobho 3:13-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndiani akangwara uye anonzwisisa pakati penyu? Ngaaratidze izvozvo nomugariro wake wakanaka unoitwa muungwaru hwokuzvidukupisa. Zvino kana muine shanje yakaipisisa noundingoveni hwakaipa mumwoyo yenyu musazvirumbidze muchirevera chokwadi nhema. Ungwaru hwakadai haubvi kudenga asi ndehwapasi pano hwomuberekerwo womunhu uye wohusatani. Nokuti pane shanje noundingoveni hwakaipa, panoita nyonganyonga nokuita kose kwakashata. Asi ungwaru hunobva kudenga, pokutanga hutsvene kwouya kuti ndehwerugare nemwoyo murefu, hunonzwisisa, uye huzere tsitsi, hune michero yakanaka husina chinokahadzisa kana chinonyengedza.
Jakobho 3:13-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndiani pakati penyu wakacenjera, wakaŋgwara? Ŋgaaratidze nomufambire wake wakanaka maɓasa ake noʋunyoro bgoʋucenjeri. Asi kana munegoɗo rinoʋaʋa norukaʋe mumŋoyo menyu, musaɀirumbidza nokureʋera ɀokwaɗi nhema. Kucenjera uku hakuɓuruki kucibva kumsoro, asi ndokwenyika, kwatakamuka nako, kwomŋeya wakaipa. Nokuti panegoɗo norukaʋe, ndi’po panenyoŋganiso namaɓasa ose akaipa. Asi kucenjera, kunobva kumsoro, ɀikuru kwakacena, ʋuye kunorugare, kunyoro, kunoterera, kuzere neŋgoni neɀiɓereko ɀakanaka, kusiŋgatsauri kusiŋganyeŋgeri.
Jakobho 3:13-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)