Jakobho 3:1-4
Jakobho 3:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vazhinji venyu havafaniri kuva vadzidzisi, hama dzangu, nokuti munoziva kuti isu tinodzidzisa tichatongwa zvikuru. Tose tinogumbuswa munzira dzakawanda. Kana pano munhu asingatongokanganisi pakutaura kwake, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wake wose. Patinoisa matomu mumiromo yamabhiza tichiaita kuti atiteerere, tinogona kudzora muviri wose wechipfuwo. Kana kuti ngatitorei zvikepe somuenzaniso. Kunyange zvakakura sei uye zvichisundwa nemhepo ine simba, zvinofambiswa nechifambiso chiduku duku kwose kwose kunodiwa kuendwa nomuchairi.
Jakobho 3:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hama dzangu, musava vadzidzisi vazhinji, zvamunoziva kuti tichatongwa nokupfuurisa. Nokuti tinogumburwa tose muzvinhu zvizhinji. Kana munhu asingagumburwi mukutaura, iye munhu akakwana, anogona kudzora muviri wosewo. Zvino kana tichiisa matare amabhiza mumiromo yawo, kuti atiteerere, tinodzorawo muviri wawo wose. Tarirai magwa makuru, kunyange ari makuru akadai, achidzingwa nemhepo dzine simba guru, anodzorwa nechidzoreso chidukuduku kwose-kwose nokuda kwomwoyo womufambisi wawo.
Jakobho 3:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hama dzangu, vazhinji venyu ngavarege kuva vadzidzisi nokuti munoziva kuti isu tinodzidzisa tichatongwa zvakatonyanya kuomarara. Nokuti tose tinokanganisa kakawanda. Kana munhu asinganganisi mune zvaanotaura, munhu iyeyo, munhu akakwana anogona kuita kuti muviri wake wose umuteerere. Kana tichiisa matomhu mukanwa memabhiza kuti atiteerere, tinotungamirira miviri yawo yose. Tarisai muonewo zvikepe. Kunyange zvakakura zvazvo kudaro uye zvichisundwa nemhepo dzine simba, zvinotungamirirwa nekadiki kokudzoresa chikepe kunenge kwadiwa nomutyairi.
Jakobho 3:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hama dzaŋgu, musaʋa ʋadzidzisi ʋazhinji, ɀamunoziʋa kuti ticatoŋgwa nokupfuʋurisa. Nokuti tinogumburwa tose paɀinhu ɀizhinji. Kana munhu asiŋgagumburwi pakutaura, iye munhu wakakwana, unogona kudzora muʋiri wose ʋo. Ɀino kana ticiisa matare amabiza mumiromo yawo, kuti atiterere, tinodzora ʋo muʋiri wawo wose. Tarirai magwa makuru, kunyaŋge ari makuru akaɗai, acidziŋgwa nemhepo dzinesimba guru, anodzorwa necidzoreso ciɗuku‐ɗuku kwose‐kwose nokuɗa kwomŋoyo womufambisi wawo.
Jakobho 3:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)