Jakobho 2:14-26
Jakobho 2:14-26 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvinobatsirei, hama dzangu, kana munhu achiti ano kutenda asi asina mabasa? Kutenda kwakadaro kungamuponesa here? Kana hama kana hanzvadzi ikashayiwa zvokufuka nezvokudya zvezuva rimwe nerimwe, uye mumwe wenyu akati, “Endai henyu, mufambe zvakanaka; mudziyirwe uye mugute,” asi asina chinhu chaamuitira chinodikanwa nomuviri wake, zvakanaka here izvozvo? Saizvozvowo, kutenda kwoga, kana kusina basa, kwakafa. Asi mumwe achati, “Iwe une kutenda; ini ndine mabasa.” Ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, uye ini ndichakuratidza kutenda kwangu nezvandinoita. Iwe unotenda kuti kuna Mwari mumwe. Zvakanaka! Kunyange madhimoni anotenda izvozvo, uye achidedera. Iwe benzi, unoda kuona kuti kutenda kusina mabasa hakuna maturo here? Tateguru wedu Abhurahama haana kunzi akarurama here nokuda kwezvaakaita paakapa mwanakomana wake Isaka paaritari? Unoona kuti kutenda kwake uye namabasa ake zvaibata pamwe chete, uye kutenda kwake kukazadziswa nezvaakaita. Uye Rugwaro rwakazadziswa runoti, “Abhurahama akatenda Mwari zvikaverengerwa kwaari kuti ndiko kururama,” uye akanzi shamwari yaMwari. Unoona kuti munhu anoruramisirwa nokuda kwezvaanoita, kwete nokutenda bedzi. Saizvozvowo, Rahabhi chifeve haana kunzi akarurama nokuda kwezvaakaita paakapa vasori imba uye akazovaendesa neimwe nzira here? Sezvo muviri usina mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafa.
Jakobho 2:14-26 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvinobatsirei hama dzangu, kana munhu achiti, ndinokutenda, asi asina mabasa? Ko kutenda uko kungamuponesa here? Kana kune hama, murume kana mukadzi, asina zvokufuka, anoshayiwa zvokudya zuva rimwe nerimwe, mumwe wenyu akati kwavari, “Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute,” musingavapi izvo zvinodikanwa nomuviri, zvinogobatsirei? Saizvozvowo, nokutenda kana kusina mabasa, kwakafa hako. Asi mumwe angati, “Iwe unokutenda, neni ndina mabasa; ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, neni ndigokuratidza namabasa angu kutenda kwangu.” Iwe unotenda kuti Mwari ndiye mumwechete; unoita zvakanaka; mweya yakaipa inotendawo izvozvo, ichidedera. Zvino iwe munhu woupenzi, unoda kuziva here kuti kutenda kusina mabasa kwakafa? Ko Abhurahamu, baba vedu, haana kururamiswa namabasa here, nguva yaakabayira mwanakomana wake Isaka paaritari? Unoona kuti kutenda kwake kwakabata pamwechete namabasa ake, uye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namabasa; rugwaro rukaitika, runoti, “Abhurahamu akatenda Mwari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMwari.” Munoona kuti munhu anoruramiswa namabasa, haaruramiswi nokutenda bedzi. Saizvozvowo, Rakabhi, chipfeve, haana kururamiswa here namabasa, nguva yaakachingamidza nhume, nokuvaendesa neimwe nzira? Nokuti somuviri usina mweya wakafa, saizvozvo kutenda kusina mabasa kwakafawo.
Jakobho 2:14-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvinobatsireiko nhai hama dzangu, kana munhu achiti ane chitendero asi iye asina mabasa? Chitendero chingamuponese here? Ngatitii hamarume kana hamakadzi haina chokupfeka isina chokudya chamazuva ose, mumwe wenyu oti kwavari, “Endai zvenyu norugare mudziirirwe uye mugute” asingavape zvinodikanwa nomuviri zvinobatsirei. Nokudaro chitendero pachacho chisina mabasa chakafa. Mumwe angati “Iwe une chitendero ini ndina mabasa. Ndiratidze chitendero chako iwe usina mabasa ini namabasa angu ndikuratidze chitendero changu.” Unotenda kuti Mwari mumwechete unoita zvakanaka. Kunyange mweya yakaipa inotendawo kudaro ichitodedera. Nhaiwe benzi romunhu, unoda here kuziva kuti chitendero chisina mabasa hachina muchero? Abhurahamu baba vedu havana kururamiswa namabasa here pavakapira mwanakomana wavo Isaki paatari. Unozviona kuti chitendero chavo namabasa avo zvaishanda pamwechete, chitendero chakazadzikiswa namabasa. Magwaro Matsvene akabva azadziswa anoti, “Abhurahamu vakatenda muna Mwari zvikaita kuti anzi akarurama akanzi shamwari yaMwari.” Munozvionawo kuti munhu anoruramiswa namabasa kwete nechitendero choga. Handizvo zvimwechetezvo here nepfambi Rahabhu yakaruramiswa namabasa payakagamuchira vasori ikavaendesa neimwe nzira? Nokuti ndizvo zvakaita muviri, kana usina mweya wakafa; saizvozvowo chitendero chisina mabasa chakafa.
Jakobho 2:14-26 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀinoɓatsirei hama dzaŋgu, kana munhu aciti: Ndinokutenda, asi asinamaɓasa? Ko kutenda uko kuŋgamuponesa here? Kana kunehama, murume kana mukadzi, asina‐ɀokufuka, unoshaiwa ɀokudya zuʋa rimŋe nerimŋe, mumŋe wenyu akati kwaʋari: Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute, musiŋgaʋapi iɀo ɀinoɗikanwa nomuʋiri, ɀinogoɓatsirei? Saiɀoɀo, ʋo, nokutenda kana kusinamaɓasa, kwakafa hako. Asi mumŋe uŋgati: Iwe unokutenda, neni ndinamaɓasa; ndiratidze kutenda kwako kusinamaɓasa, neni ndigokuratidza namaɓasa aŋgu kutenda kwaŋgu. Iwe unotenda kuti Mŋari ndiye mumŋe cete; unoita ɀakanaka; mŋeya yakaipa inotenda ʋo iɀoɀo, iciɗeɗera. Ɀino iwe munhu woʋupenzi, unoɗa kuziʋa here kuti kutenda kusinamaɓasa kwakafa? Ko Abrahama, ɓaɓa ʋeɗu, haana‐kururamiswa namaɓasa here, ŋguʋa yaakaɓayira mŋanakomana wake Isaka paartari? Unoʋona kuti kutenda kwake kwakaɓata pamŋe cete namaɓasa ake, ʋuye kuti kutenda kwake kwakakwaniswa namaɓasa; rugwaro rukaitika, runoti: Abrahama wakatenda Mŋari, kukanzi kwaari ndiko kururama; akanzi hama yaMŋari. Munoʋona kuti munhu unoruramiswa namaɓasa, haaruramiswi nokutenda ɓedzi. Saiɀoɀo ʋo, Rakabi, cifeʋe, haana‐kururamiswa here namaɓasa, ŋguʋa yaakaciŋgamidza nhume, nokuʋaendisa neimŋe nzira? Nokuti somuʋiri usinomŋeya wakafa, saiɀoɀo kutenda kusinamaɓasa kwakafa ʋo.
Jakobho 2:14-26 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)