Jakobho 2:14-18
Jakobho 2:14-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvinobatsirei, hama dzangu, kana munhu achiti ano kutenda asi asina mabasa? Kutenda kwakadaro kungamuponesa here? Kana hama kana hanzvadzi ikashayiwa zvokufuka nezvokudya zvezuva rimwe nerimwe, uye mumwe wenyu akati, “Endai henyu, mufambe zvakanaka; mudziyirwe uye mugute,” asi asina chinhu chaamuitira chinodikanwa nomuviri wake, zvakanaka here izvozvo? Saizvozvowo, kutenda kwoga, kana kusina basa, kwakafa. Asi mumwe achati, “Iwe une kutenda; ini ndine mabasa.” Ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, uye ini ndichakuratidza kutenda kwangu nezvandinoita.
Jakobho 2:14-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvinobatsirei hama dzangu, kana munhu achiti, ndinokutenda, asi asina mabasa? Ko kutenda uko kungamuponesa here? Kana kune hama, murume kana mukadzi, asina zvokufuka, anoshayiwa zvokudya zuva rimwe nerimwe, mumwe wenyu akati kwavari, “Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute,” musingavapi izvo zvinodikanwa nomuviri, zvinogobatsirei? Saizvozvowo, nokutenda kana kusina mabasa, kwakafa hako. Asi mumwe angati, “Iwe unokutenda, neni ndina mabasa; ndiratidze kutenda kwako kusina mabasa, neni ndigokuratidza namabasa angu kutenda kwangu.”
Jakobho 2:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvinobatsireiko nhai hama dzangu, kana munhu achiti ane chitendero asi iye asina mabasa? Chitendero chingamuponese here? Ngatitii hamarume kana hamakadzi haina chokupfeka isina chokudya chamazuva ose, mumwe wenyu oti kwavari, “Endai zvenyu norugare mudziirirwe uye mugute” asingavape zvinodikanwa nomuviri zvinobatsirei. Nokudaro chitendero pachacho chisina mabasa chakafa. Mumwe angati “Iwe une chitendero ini ndina mabasa. Ndiratidze chitendero chako iwe usina mabasa ini namabasa angu ndikuratidze chitendero changu.”
Jakobho 2:14-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀinoɓatsirei hama dzaŋgu, kana munhu aciti: Ndinokutenda, asi asinamaɓasa? Ko kutenda uko kuŋgamuponesa here? Kana kunehama, murume kana mukadzi, asina‐ɀokufuka, unoshaiwa ɀokudya zuʋa rimŋe nerimŋe, mumŋe wenyu akati kwaʋari: Endai henyu nomufaro, mudziyirwe, mugute, musiŋgaʋapi iɀo ɀinoɗikanwa nomuʋiri, ɀinogoɓatsirei? Saiɀoɀo, ʋo, nokutenda kana kusinamaɓasa, kwakafa hako. Asi mumŋe uŋgati: Iwe unokutenda, neni ndinamaɓasa; ndiratidze kutenda kwako kusinamaɓasa, neni ndigokuratidza namaɓasa aŋgu kutenda kwaŋgu.
Jakobho 2:14-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)