Jakobho 2:10-13
Jakobho 2:10-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti ani naani anochengeta murayiro wose asi achigumburwa pachinhu chimwe chete ane mhosva yokuputsa murayiro wose. Nokuti iye akati, “Usaita upombwe,” ndiyewo akati, “Usauraya.” Kana usingaiti upombwe asi uchiuraya, wava mudariki womurayiro. Taurai uye muchiita saavo vachazotongwa nomurayiro unopa rusununguko, nokuti kutonga kusinganzwiri ngoni kucharatidzwa kumunhu upi zvake akanga asinganzwiri ngoni. Ngoni dzinokunda kutonga!
Jakobho 2:10-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
nokuti munhu anochengeta mutemo wose asi okundika pamwe pawo ane mhosva yokutyora wose. Chikonzero ndechokuti iye akati, “Usaite upombwe,” ndiye akatiwo, “Usauraye.” Kana ukarega zvako kuita upombwe asi iwe uchiuraya watodarika mutemo. Kutaura nokuita kwenyu zviitei savanhu vachatongwa nomutemo worusununguko nokuti kutonga hakuna tsitsi kune munhu asinawo kuratidza tsitsi. Asi kune vakaratidza tsitsi kutonga hakuna zvakunovaita.
Jakobho 2:10-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti munhu unochengeta murayiro wose, akagumburwa kune chinhu chimwechete, wava nemhosva kunezvose. Nokuti iye, akati, “Usaita upombwe, ndiyewo,” akati, “Usauraya.” Zvino, kana asingaiti upombwe, asi achiuraya, wava mudariki womurayiro. Taurai, uye itai savanhu vanozotongwa nomurayiro wokusunungurwa. Nokuti kutonga hakungavi nengoni kunoasina kuitira vamwe ngoni; ngoni dzinozvirumbidza dzichikunda kutonga.
Jakobho 2:10-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti munhu anochengeta mutemo wose asi okundika pamwe pawo ane mhosva yokutyora wose. Chikonzero ndechokuti iye akati, “Usaite upombwe,” ndiye akatiwo, “Usauraye.” Kana ukarega zvako kuita upombwe asi iwe uchiuraya watodarika mutemo. Kutaura nokuita kwenyu zviitei savanhu vachatongwa nomutemo worusununguko nokuti kutonga hakuna tsitsi kune munhu asinawo kuratidza tsitsi. Asi kune vakaratidza tsitsi kutonga hakuna zvakunovaita.
Jakobho 2:10-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti munhu unoceŋgeta murairo wose, akagumburwa kunecinhu cimŋe cete, waʋa nemhoȿa kuneɀose. Nokuti iye, wakati: Usaita ʋupombge, ndiye ʋo, wakati: Usaʋuraya. Ɀino, kana usiŋgaiti ʋupombge, asi uciʋuraya, waʋa muɗariki womurairo. Taurai, ʋuye itai saʋanhu ʋanozotoŋgwa nomurairo wokusunuŋgurwa. Nokuti kutoŋga hakuŋgaʋi neŋgoni kunousina‐kuitira ʋamŋe ŋgoni; ŋgoni dzinoɀirumbidza dzicikunda kutoŋga.