Jakobho 1:3-8
Jakobho 1:3-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
muchiziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira. Asi kutsungirira ngakuve nebasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwazvo, musingashayiwi chinhu. Zvino kana mumwe wenyu achishayiwa kuchenjera ngaakumbire kuna Mwari, anongopa vose asingazotuki; achapiwa hake. Asi ngaakumbire nokutenda, asinganyunyuti napaduku; nokuti munhu anonyunyuta akaita sefungu regungwa rinosundwa nemhepo richimutswamutswa. Munhu uyu ngaarege kufunga kuti achazowana chinhu kuna Ishe; munhu, ane mwoyo miviri, anoshandukashanduka panzira dzake dzose.
Jakobho 1:3-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
nokuti munoziva kuti kuedzwa kwokutenda kwenyu kunobereka kutsungirira. Kutsungirira kunofanira kupedza basa rako kuitira kuti imi mukure uye muve vakakwana, musingashayiwi chinhu. Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaakumbire kuna Mwari, anopa zvakawanda kuna vose asingatsvaki mhosva, uye achapiwa hake. Asi paanokumbira, anofanira kutenda asinganyunyuti, nokuti uyo anonyunyuta akaita sefungu regungwa, rinosundwa uye rinomutswa-mutswa nemhepo. Munhu uyu ngaarege kufunga kuti achagamuchira chinhu chipi zvacho kubva kuna She; munhu ane mwoyo miviri, anongoshanduka-shanduka mune zvose zvaanoita.
Jakobho 1:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti imi munoziva kuti kuedzwa kwechitendero chenyu kunobereka kutirira. Kutirira ngakuve kwakaperera kuti muve vanhu vakakwana vanezenge vasina chavasina. Kana pane asina ungwaru ngaakumbire kuna Mwari, mupanegombe kuvanhu vose, anopa asingakonoreri; huchapiwa kwaari. Asi ngaakumbire nechitendero asingakahadziki, nokuti munhu anokahadzika akafanana namasaisai egungwa anopeperetswa achiitwa suku nasai nemhepo. Munhu akadaro ngaarege kufunga kuti achawana chinhu chinobva kunaTenzi, nokuti munhu ane pfungwa mbiri, asina pake muna zvose zvaanoita.
Jakobho 1:3-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
muciziʋa kuti kuidzwa kwokutenda kwenyu kunoɓereka kutsuŋgirira. Asi kutsuŋgirira ŋgakuʋe neɓasa rakakwaniswa, kuti mukwane, mururame kwaɀo, musiŋgashaiwi cinhu. Ɀino kana mumŋe wenyu acishaiwa kucenjera ŋgaakumbire kunaMŋari, unoŋgopa ʋose asiŋgazotuki; ucapiwa hake. Asi ŋgaakumbire nokutenda, asiŋganyunyuti napaɗuku; nokuti munhu unonyunyuta wakaita sefuŋgu reguŋgwa rinosundwa nemhepo ricimutswa‐mutswa. Munhu uyu ŋgaarege kufuŋga kuti ucazowana cinhu kunaShe; munhu, unemŋoyo miʋiri, unoshanduka‐shanduka panzira dzake dzose.
Jakobho 1:3-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)