Jakobho 1:12-18
Jakobho 1:12-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Akaropafadzwa munhu anotsunga pakuedzwa, nokuti paanokunda, achapiwa korona youpenyu yakavimbiswa naMwari kuna avo vanomuda. Pamunenge muchiedzwa, ngakurege kuva nomunhu anoti, “Mwari ari kundiedza.” Nokuti Mwari haagoni kuedzwa nechakaipa, uye haaedzi munhu; asi mumwe nomumwe anoedzwa paanenge achikwevewa nokuchiva kwake kwakaipa uye achinyengerwa. Ipapo kuchiva kukange kwaumbwa kunobereka chivi; uye chivi, chikange chakura kwazvo, chinobereka rufu. Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa. Chipo chose chakanaka uye chakakwana chinobva kumusoro kudenga, chinoburuka chichibva kuna Baba wezviedza zvokudenga, asingashanduki semimvuri inopinduka. Akasarudza kutibereka kubudikidza neshoko rechokwadi, kuti tive mhando yechibereko chokutanga chezvisikwa zvake.
Jakobho 1:12-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Akaropafadzwa munhu uyo anotsunga mwoyo pakuedzwa; nokuti kana atendwa, achapiwa korona yohupenyu yakapikirwa avo vanomuda. Kana munhu achiedzwa, ngaarege kuti ndinoedzwa naMwari; nokuti Mwari haangaedzwi nezvakaipa, naiye amene haangaedzi munhu. Asi munhu mumwe nomumwe anoedzwa kana achikwewa nokuchiva kwake achinyengerwa. Zvino kuchiva, kana kwarema, kunozvara zvivi; nezvivi, kana zvakura, zvinobereka rufu. Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa. Zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana zvinobva kumusoro, zvichiburuka kuna Baba vezviedza, uyo asina kupinduka kana mumvuri wokushanduka. Nokuda kwake akatibereka neshoko rechokwadi, kuti isu tiite sechibereko chokutanga chezvisikwa zvake.
Jakobho 1:12-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Akakombererwa zvake munhu anotirira chiedzo nokuti kana achinge akunda chiedzo anowana ngundu youpenyu yakatsidzirwa naMwari kuna vanomuda. Ngaparege kuva nomunhu anoti kana aedzwa oti, “Mwari akandipinza muchiedzo” nokuti Mwari haagoni kuedzwa nouipi. Iyewo pachake haapinze munhu muchiedzo. Asi munhu wose anoedzwa kana achitorwa mwoyo nokufurirwa noruchiva rwake. Kana ruchiva rwabata runobereka chitadzo. Kana chitadzo chadzika midzi chinounza rufu. Musanyengedzwe, hama dzangu dzadiwa. Chinhu chose chine munhu chakanaka nechipo chose chakaruramisisa chinobva kudenga kuna Baba vezviedza vasina mupindu kana mumvuri zvawo wokusanduka. Nokuda kwake akatibereka neshoko rechokwadi kuti tive semichero yokutanga yezvisikwa zvake.
Jakobho 1:12-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Wakaropafadzwa munhu uyo unotsuŋga mŋoyo pakuidzwa; nokuti kana atendwa, ucapiwa korona yoʋupenyu yakapikirwa aʋo ʋanomuɗa. Kana munhu aciidzwa, ŋgaarege kuti ndinoidzwa naMŋari; nokuti Mŋari haaŋgaidzwi neɀakaipa, naiye amene haaŋgaidzi munhu. Asi munhu mumŋe nomumŋe unoidzwa kana acikwebga nokuciʋa kwake acinyeŋgerwa. Ɀino kuciʋa, kana kwarema, kunoɀara ɀiʋi; neɀiʋi, kana ɀakura, ɀinoɓereka rufu. Musanyeŋgerwa, hama dzaŋgu dzinoɗikanwa. Ɀipo ɀose ɀakanaka neɀipiwa ɀose ɀakakwana ɀinobva kumsoro, ɀiciɓuruka kunaƂaɓa ʋeɀiedza, uyo usina‐kupinduka kana mumvuri wokushanduka. Nokuɗa kwake wakatiɓereka neshoko reɀokwaɗi, kuti isu tiite seciɓereko cokutaŋga ceɀisikwa ɀake.
Jakobho 1:12-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)