Akaropafadzwa munhu uyo anotsunga mwoyo pakuedzwa; nokuti kana atendwa, achapiwa korona yohupenyu yakapikirwa avo vanomuda. Kana munhu achiedzwa, ngaarege kuti ndinoedzwa naMwari; nokuti Mwari haangaedzwi nezvakaipa, naiye amene haangaedzi munhu. Asi munhu mumwe nomumwe anoedzwa kana achikwewa nokuchiva kwake achinyengerwa. Zvino kuchiva, kana kwarema, kunozvara zvivi; nezvivi, kana zvakura, zvinobereka rufu. Musanyengerwa, hama dzangu dzinodikanwa. Zvipo zvose zvakanaka nezvipiwa zvose zvakakwana zvinobva kumusoro, zvichiburuka kuna Baba vezviedza, uyo asina kupinduka kana mumvuri wokushanduka. Nokuda kwake akatibereka neshoko rechokwadi, kuti isu tiite sechibereko chokutanga chezvisikwa zvake.
Verenga chikamu Jakobho 1
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jakobho 1:12-18
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo