Isaya 66:9-14
Isaya 66:9-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvanzi naJehovha, ‘Ndingasvitsa pakubereka, ndikasaberekesa here? Ini, ndinoberekesa, ndingazarira chizvaro here?’ Ndizvo zvinotaura Mwari wako. “Farai pamwechete neJerusaremu, mufare pamusoro paro, imi mose munorida; farai nomufaro mukuru naro, imi mose munorichema; kuti munwe, mugute namazamu okunyaradzwa kwaro; kuti muyamwe, mufadzwe nokuwanda kwembiri yaro. Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndicharitambanudzira rugare rwakaita sorwizi, nepfuma yamarudzi avanhu sorwizi runofema kunze; imi muchayamwa, muchaberekwa pahudyu, muchavaraidzwa pamabvi.’ “Somunhu anovaraidzwa namai vake, saizvozvo ndichakuvaraidzai; muchavaraidzwa paJerusaremu. Muchazviona, mwoyo wenyu uchafara, namapfupa enyu achamera sebumhudza; ruoko rwaJehovha ruchazikanwa kuna varanda vake, asi achava nehasha navavengi vake.”
Isaya 66:9-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndingasvitsa panguva yokubereka ndikasaberekesa here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ko, ndinozarira chizvaro pandinoberekesa here?” ndizvo zvinotaura Mwari wenyu. “Pemberai pamwe chete neJerusarema uye mufarisise nokuda kwaro, imi mose munorida; farisisai pamwe chete naro, imi mose munochema pamusoro paro. Nokuti muchanwa mukaguta pamazamu ake anonyaradza; muchanwa zvikuru kwazvo uye muchafadzwa nezvakawanda zvake zvinopfachukira.” Nokuti zvanzi naJehovha: “Ndichawedzera rugare kwaari sorwizi, uye upfumi hwendudzi sokudira kworukova; muchayamwa uye muchatakurwa paruoko rwake, uye muchavaraidzwa pamabvi ake. Samai vanonyaradza mwana wavo, saizvozvo ndichakunyaradzai; uye muchanyaradzwa pamusoro peJerusarema.” Pamuchaona izvozvo, mwoyo wenyu uchafara, uye muchaita bumhudza sebundo; ruoko rwaJehovha rucharatidzwa kuvaranda vake, asi hasha dzake dzicharatidzwa kuvavengi vake.
Isaya 66:9-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvanzi naJehovha, ‘Ndingasvitsa pakubereka, ndikasaberekesa here? Ini, ndinoberekesa, ndingazarira chizvaro here?’ Ndizvo zvinotaura Mwari wako. “Farai pamwechete neJerusaremu, mufare pamusoro paro, imi mose munorida; farai nomufaro mukuru naro, imi mose munorichema; kuti munwe, mugute namazamu okunyaradzwa kwaro; kuti muyamwe, mufadzwe nokuwanda kwembiri yaro. Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndicharitambanudzira rugare rwakaita sorwizi, nepfuma yamarudzi avanhu sorwizi runofema kunze; imi muchayamwa, muchaberekwa pahudyu, muchavaraidzwa pamabvi.’ “Somunhu anovaraidzwa namai vake, saizvozvo ndichakuvaraidzai; muchavaraidzwa paJerusaremu. Muchazviona, mwoyo wenyu uchafara, namapfupa enyu achamera sebumhudza; ruoko rwaJehovha ruchazikanwa kuna varanda vake, asi achava nehasha navavengi vake.”
Isaya 66:9-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ko ndingasvitse munhu panguva yokuti apone mwana ndigorega kuti asununguke here? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ko ini ndinoita kuti vanhu vabereke vana, ndini ndingazodzivisa here kuti pamuviri pasunungukwe?” Ndizvo zviri kutaura Mwari wako. Pamberi nokufara neguta reJerusaremu muchirifarira imi mose munorida. Farai naro muchipembera nokufara imi mose munorichema. Kuti muyamwe zvenyu muchiguta pamazamu aro anonyaradza, kuti munyatsoyamwa muchinakirwa noupfumi hwakawanda hwomukurumbira waro. Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi, “Teererai munzwe, ndichaita kuti upfumi rugare ruerere kwariri serwizi, upfumi hwavamarudzi huchiita sorukova rwakafashukira kuzara. Muchayamwa zvenyu makaita zvokutakurwa parutivi paro muchivarayidzwa muri pamakumbo paro. Semwana ari kunyaradzwa naamai vake ndokunyaradza kwandichakuitawo imi. Muchanyaradzwa muri muJerusaremu. Muchatozvionerawo moga mugofara mumwoyo, muchinyatsokura zvakanaka muviri kuita souswa. Ndopazvichazikanwa kuti simba reruoko rwaTenzi riri pavaranda vake, asi akashatirirwa kwazvo vavengi vake.”
Isaya 66:9-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀanzi naJehova: Ndiŋgaȿitsa pakuɓereka, ndikasaɓerekesa here? Ini, ndinoɓerekesa, ndiŋgazarira ciɀaro here? Ndiɀo ɀinotaura Mŋari wako. Farai pamŋe cete neJerusarema, mufare pamsoro paro, imi mose, munoriɗa; farai nomufaro mukuru naro, imi mose munoricema; kuti mumne, mugute namazamu okunyaradzwa kwaro; kuti mukame, mufadzwe nokuwanda kwembiri yaro. Nokuti ɀanzi naJehova: Tarirai, ndicaritambanudzira rugare rwakaita sorwizi, nefuma yamarudzi aʋanhu sorwizi runofema kunze; imi mucamna, mucaɓerekwa pahudyu, mucaʋaraidzwa pamabvi. Somunhu unoʋaraidzwa namai ʋake, saiɀoɀo ndicakuʋaraidzai; mucaʋaraidzwa paJerusarema. Mucaɀiʋona, mŋoyo wenyu ucafara, namafupa enyu acamera seɓumhudza; ruʋoko rwaJehova rucazikanwa kunaʋaranda ʋake, asi ucaʋa nehasha naʋaʋeŋgi ʋake.
Isaya 66:9-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)