Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 66:9-14

Isaya 66:9-14 SCLBD

Ko ndingasvitse munhu panguva yokuti apone mwana ndigorega kuti asununguke here? Ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ko ini ndinoita kuti vanhu vabereke vana, ndini ndingazodzivisa here kuti pamuviri pasunungukwe?” Ndizvo zviri kutaura Mwari wako. Pamberi nokufara neguta reJerusaremu muchirifarira imi mose munorida. Farai naro muchipembera nokufara imi mose munorichema. Kuti muyamwe zvenyu muchiguta pamazamu aro anonyaradza, kuti munyatsoyamwa muchinakirwa noupfumi hwakawanda hwomukurumbira waro. Chiripo ndechokuti zvanzi naTenzi, “Teererai munzwe, ndichaita kuti upfumi rugare ruerere kwariri serwizi, upfumi hwavamarudzi huchiita sorukova rwakafashukira kuzara. Muchayamwa zvenyu makaita zvokutakurwa parutivi paro muchivarayidzwa muri pamakumbo paro. Semwana ari kunyaradzwa naamai vake ndokunyaradza kwandichakuitawo imi. Muchanyaradzwa muri muJerusaremu. Muchatozvionerawo moga mugofara mumwoyo, muchinyatsokura zvakanaka muviri kuita souswa. Ndopazvichazikanwa kuti simba reruoko rwaTenzi riri pavaranda vake, asi akashatirirwa kwazvo vavengi vake.”

Verenga chikamu Isaya 66