Isaya 58:7-12
Isaya 58:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hakuzi kugoverana zvokudya zvako nevane nzara, nokupa varombo vanodzungaira pokugara here, paunoona vakashama, kuvapfekedza, uye kusafuratira venyama neropa rako? Ipapo chiedza chako chichabuda samambakwedza, uye kuporeswa kwako kucharatidzwa nokukurumidza; ipapo kururama kwako kuchakutungamirira, uye kubwinya kwaJehovha kuchakurinda mumashure. Ipapo uchadana, Jehovha achakupindura; uchadanidzira uchida rubatsiro, uye iye achati: Ndiri pano. “Kana ukabvisa joko roudzvinyiriri, kutendeka nomunwe nokutaura kwakaipa, uye ukapa zvokudya zvako kune vane nzara uye ukagutsa vakamanikidzwa pakushaya kwavo, ipapo chiedza chako chichabuda murima, uye usiku hwako huchashanduka hukafanana namasikati. Jehovha achakutungamirira nguva dzose; achakugutsa pakushaya kwako munyika yakapiswa nezuva uye achasimbisa mapfupa ako. Uchafanana nebindu rinodiridzwa nemvura yetsime, sechitubu chine mvura isingapwi. Vanhu vako vachavakazve matongo akare vachasimudza nheyo dzakare; iwe uchanzi Mugadziri waMasvingo Akakoromoka, Muvandudzi weMigwagwa ine Dzimba.
Isaya 58:7-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hakuzi kuti ugovane zvokudya zvako noaenzara, uye kuti udane varombo vakadzingwa vapinde mumba mako kuti kana uchiona munhu wakashama umufukidze, uye kuti urege kuvanda venyama yako here? “Ipapo chiedza chako chichabuda sechamambakwedza, kuporeswa kwako kuchabukira nokukurumidza, kururama kwako kuchakutungamirira, nokubwinya kwaJehovha kuchakurindira mumashure. Ipapo uchadana, Jehovha uchakupindura; achadanidzira iwe, iye achati, ‘Ndiripano.’ Kana uchibvisa pakati pako joko, nokutendeka nomunwe, nokutaura zvakaipa; kana mweya wako ukava nehanya navane nzara, nokugutisa mweya woanotambudzika; ipapo chiedza chako chichabuda murima, kusvibirwa kwako kuchaita samasikati; Jehovha achakufambisa nguva dzose, achagutisa mweya wako panzvimbo dzakaoma, nokusimbisa mapfupa ako; uchava somunda wakadiridzwa, uye setsime remvura, risingapwi mvura yaro. “Vachaberekwa newe vachavakazve matongo akare; uchamutsa nheyo dzamarudzi mazhinji, uye uchatumidzwa, Mugadziri wopakakoromoka, muvandudzi wenzira, kuti vanhu vagone kugarapo.
Isaya 58:7-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Hakusi here kugoverana chokudya chako neane nzara nokupinza mumba mako varombo vanongodzungaira nenyika, ukaona asina chokupfeka uchimupawo chokupfeka usinganzvengi kuyamura hama yako? “Ipapo chiedza chako ndopachichanyatsochena samambakwedza, wobva wazokasika kurapwa. Ururami hwako ihwohwo huchazokutungamirira, uchiperekedzwa mushure nembiri yaTenzi. “Kana ukazonamata, Tenzi achakupindura, kana ukadaidzira iye anoti ndiri pano. Kana pakati penyu mukakanda pasi joko rokudzvinyirira nokunongedzerana munwe nokutaura zvakaipa uye kana ukawanisa vane nzara chokudya uchipedza nhuna dzavatamburi, chiedza chako ndopachichanyatsoti ngwe-e kuvheneka murima, rima rakakupoteredza richazoita samasikati machena. Tenzi achakutungamirira nguva dzose zvadzo achikugutsa nezvakanaka achikusimbisa iwewe pachako ugoita sebindu rine mvura yakawanda sechisipiti chemvura isingapwi. Pamatongo enyu pachavakwazve, muchamutsazve ugaro hwedzimba dzapasi chigare; uchazonzi mugadziridzi wezvakapazika, mugadziridzi wemigwagwa yepokugara.
Isaya 58:7-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hakuzi kuti ugoʋane ɀokudya ɀako nounenzara, ʋuye kuti uɗane ʋarombo ʋakadziŋgwa ʋapinde mumba mako here? Kuti kana uciʋona munhu wakashama umufukidze, ʋuye kuti urege kuʋanda ʋenyama yako here? Ipapo ciedza cako cicaɓuɗa secamambakwedza, kuporeswa kwako kucaɓukira nokukurumidza, kururama kwako kucakutuŋgamirira, nokubginya kwaJehova kucakurindira mumashure. Ipapo ucaɗana, Jehova ucakupindura; ucaɗanidzira iwe, iye ucati: Ndiri pano. Kana ucibvisa pakati pako joko, nokutendeka nomunwe, nokutaura ɀakaipa; kana mŋeya wako ukaʋa nehanya naʋanenzara, nokugutisa mŋeya wounotambudzika; ipapo ciedza cako cicaɓuɗa murima, kuȿiɓirwa kwako kucaita samasikati; Jehova ucakufambisa ŋguʋa dzose, ucagutisa mŋeya wako panɀimbo dzakawoma, nokusimbisa mafupa ako; ucaʋa somunda wakaɗiridzwa, ʋuye setsime remvura, risiŋgapxi mvura yaro. Ʋacaɓerekwa newe ʋacaʋaka ɀe matoŋgo akare; ucamutsa nheyo dzamarudzi mazhinji, ʋuye ucatumidzwa: Mugadziri wopakakoromoka, muʋandudzi wenzira, kuti ʋanhu ʋagone kugara’po.
Isaya 58:7-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)