Isaya 58:10-11
Isaya 58:10-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
uye ukapa zvokudya zvako kune vane nzara uye ukagutsa vakamanikidzwa pakushaya kwavo, ipapo chiedza chako chichabuda murima, uye usiku hwako huchashanduka hukafanana namasikati. Jehovha achakutungamirira nguva dzose; achakugutsa pakushaya kwako munyika yakapiswa nezuva uye achasimbisa mapfupa ako. Uchafanana nebindu rinodiridzwa nemvura yetsime, sechitubu chine mvura isingapwi.
Isaya 58:10-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
kana mweya wako ukava nehanya navane nzara, nokugutisa mweya woanotambudzika; ipapo chiedza chako chichabuda murima, kusvibirwa kwako kuchaita samasikati; Jehovha achakufambisa nguva dzose, achagutisa mweya wako panzvimbo dzakaoma, nokusimbisa mapfupa ako; uchava somunda wakadiridzwa, uye setsime remvura, risingapwi mvura yaro.
Isaya 58:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
uye kana ukawanisa vane nzara chokudya uchipedza nhuna dzavatamburi, chiedza chako ndopachichanyatsoti ngwe-e kuvheneka murima, rima rakakupoteredza richazoita samasikati machena. Tenzi achakutungamirira nguva dzose zvadzo achikugutsa nezvakanaka achikusimbisa iwewe pachako ugoita sebindu rine mvura yakawanda sechisipiti chemvura isingapwi.
Isaya 58:10-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
kana mŋeya wako ukaʋa nehanya naʋanenzara, nokugutisa mŋeya wounotambudzika; ipapo ciedza cako cicaɓuɗa murima, kuȿiɓirwa kwako kucaita samasikati; Jehova ucakufambisa ŋguʋa dzose, ucagutisa mŋeya wako panɀimbo dzakawoma, nokusimbisa mafupa ako; ucaʋa somunda wakaɗiridzwa, ʋuye setsime remvura, risiŋgapxi mvura yaro.
Isaya 58:10-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)