Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 55:3-11

Isaya 55:3-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Tetekerai nzeve, muuye kwandiri, munzwe muzviponese. Ndichaita chitenderano changu nemi chokugara nokugara. Izvozvo uri mwoyochena wangu kuna Dhavhidhi, chaiwoiwo wechokwadi. Sezvamunongoonawo kuti ndakamuita kuti ave sechapupu kumarudzi avanhu nashe nomutungamiriri wemarudzi evanhu. Zvamuchione muchadaidza dzindudzi dzavanhu dzamusingazive, ndudzi dzavanhu vasingakuzivei dzichamhanyidzana kwamuri, achadariso ndiTenzi, Mwari wako naiye Anoera weIsiraeri nokuti ndiye akupai mbiri.” “Tsvagai Tenzi achiri kuwanika, daidzai kwaari achiri padyo. Wakaipa ngaasiye nzira yake, asina kururama asiyane netwaanofunga, adzokere kuna Tenzi kuitira kuti amunzwire tsitsi, adzokere kuna Mwari wedu nokuti anomuregerera chaizvo. Ndinodaro nokuti mafungiro angu haasiriwo mafungiro enyu, kana iwo maitiro enyu haasiriwo maitiro angu.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi, nokuti sezvakangoita matenga kuti ari pamusoro nyika iri pasi ndizvo zvakangoitawo maitiro angu kuti ari pamusoro pamaitiro enyu uye ndangariro dzangu dziri pamusoro pendangariro dzenyu. “Nokuti sezvinongoita mvura nechando kunaya zvichibva mudenga zvisingambodzokerako zvisina kudiridza nyika zvichiita kuti imerese nokutumbutsa, ichipa mbeu kuna anodyara nechokudya kuna anodya, ndizvo zvakangoitawo shoko rangu rinobva mumuromo mangu, haridzokeri kwandiri risina charinacho asi richatoita zvandinenge ndati riite richibudirira kuita zvandinenge ndarituma kuita.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 55

Isaya 55:3-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)