Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 55:3-11

Isaya 55:3-11 SUB1949

Rerekai nzeʋe yenyu, muʋuye kwandiri; inzwai, mŋeya yenyu igorarama; ndicaita nemi suŋgano isiŋgaperi, nyasha dzaɀokwaɗi dzakapikirwa Davidi. Tarirai, ndakamuita capupu kumarudzi aʋanhu, aʋe mutuŋgamiriri nomuɓati wamarudzi. Tarira, ucaɗana rudzi rwawakaŋga usiŋgaziʋi, norudzi rwakaŋga rusiŋgakuziʋi iwe rucamhanyira kwauri, nokuɗa kwaJehova Mŋari wako, nokwoMutȿene waIsraeri; nokuti iye wakakukudza. Tȿakai Jehova acawanikwa, ɗanai kwaari aciri pedyo. Wakaipa ŋgaasiye nzira yake, nomunhu usakarurama miraŋgariro yake; ŋgaadzokere kunaJehova, iye ucamunzwira nyasha, nokunaMŋari weɗu, nokuti ucakaŋganwira ɀikuru. Nokuti ndaŋgariro dzaŋgu hadzizi ndaŋgariro dzenyu, nenzira dzenyu hadzizi nzira dzaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Nokuti ɗeŋga seɀarakakwirira kupfuʋura nyika, saiɀoɀo nzira dzaŋgu dzakakwirira kupfuʋura nzira dzenyu, nendaŋgariro dzaŋgu kupfuʋura ndaŋgariro dzenyu. Nokuti mvura necando seɀaɀinoɓuruka ɀicibva kuɗeŋga, ɀisiŋgazodzokeri’ko, asi ɀinoɗiridza nyika, ɀiciiɓerekesa nokuituŋgisa maruʋa, icipa mudɀari mbeu, nomudyi ɀokudya; ndiɀo ɀicaita shoko raŋgu rinoɓuɗa mumuromo maŋgu; hariŋgadzokeri kwandiri risina, asi ricaita ɀandinoɗa, riciendika paneɀandakaritumira.

Verenga chikamu Isaya 55