Isaya 52:7-12
Isaya 52:7-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzavanouya namashoko akanaka, vanoparidza rugare, vanouya namashoko akanaka, vanoparidza ruponeso, vanoti kuZioni, “Mwari wako anotonga!” Chinzwa! Nharirire dzako dzinodanidzira namanzwi adzo; vanopembera nomufaro pamwe chete. Panodzokera Jehovha kuZioni, vachazviona nameso avo pachavo. Pururudzai muimbe nziyo dzomufaro pamwe chete, imi matongo eJerusarema, nokuti Jehovha anyaradza vanhu vake, akadzikinura Jerusarema. Jehovha acharatidza ruoko rwake rutsvene pamberi pendudzi dzose, uye magumo ose enyika achaona ruponeso rwaMwari wedu. Ibvai, ibvai, budai ikoko! Musabata chinhu chine tsvina! Budaimo mugova vakachena, imi munotakura midziyo yaJehovha. Asi hamungazobudi nokukurumidza kana kuenda muchitiza; nokuti Jehovha achakutungamirirai, Mwari waIsraeri achakurindai mushure.
Isaya 52:7-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzoanouya namashoko akanaka, anoparidza rugare, anouya namashoko akanaka ezvinhu zvakanaka, anoparidza ruponeso, anoti kuZioni, “Mwari wako anobata ushe!” Chinzwa izwi renharirire dzako! Dzinodana namazwi, dzinoimba pamwechete; nokuti dzichaonana zviso zvakatarisana, kana Jehovha achidzokera Zioni. Pururudzai nomufaro, imbai pamwechete, imi matongo eJerusaremu; nokuti Jehovha wakanyaradza vanhu vake, wakadzikinura Jerusaremu. Jehovha akafukura ruoko rwake rutsvene pamberi pamarudzi ose; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu. Ibvai, ibvai, budai ipapo, musanyangata chinhu chine tsvina; budai pakati paro; zvinatsei, imi munotakura nhumbi dzaJehovha. Nokuti hamungabudi muchikurumidza, kana kuenda muchitiza; nokuti Jehovha achakutungamirirai; Mwari waIsiraeri achakurindirai mumashure.
Isaya 52:7-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hakusi kunaka ikoko, pamakomo, kwakaita tsoka dzaanouya neshoko rakanaka, anoparidza vanhu shoko rorugare achiunza shoko rakanaka shoko rezvakanaka, anoparidza vanhu shoko roruponeso achiti kuguta reZioni, “Mwari wenyu ndiye anotonga.” Teerera unzwe zvoita vachengetedzi veguta havo vodaidzira voimba pamwechete norufaro nokuti vari kunyatsozvionera nameso kudzoka kwaTenzi kuZioni. Chitsemurai mumhanzi pamwechete, imi matongo eJerusaremu nokuti Tenzi ava kunyaradza vanhu vake ava kuzonunura Jerusaremu. Tenzi ava kuratidza simba roruoko rwake runoera ndudzi dzose dzavanhu dzichiona kwose zvako nekwakaperera nyika vachaona ruponeso rwaMwari wedu. Chibudai chibudaimo muBhabhironi musambobata zvenyu chinhu chakan'ora! Budai mukati maro zvichenurei imi pachenyu imi vatakuri vemidziyo yaTenzi, nokuti kubuda hamusi kuzobuda zvechimbichimbi, hamusi kuzobudamo zvekutiza nokuti Tenzi achakutungamirirai, Mwari weIsiraeri achakuperekedzai ari necheshure.
Isaya 52:7-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Dzakanaka sei pamsoro pamakomo tsoka dzounoʋuya namashoko akanaka, unoparidza rugare, unoʋuya namashoko akanaka eɀinhu ɀakanaka, unoparidza ruponeso, unoti kuZioni: Mŋari wako unoɓata ʋushe! Cinzwa inzwi renharirire dzako! Dzinoɗana namanzwi, dzinoimba pamŋe cete; nokuti dzicaʋonana ɀiso ɀakatarisana, kana Jehova acidzokera Zioni. Pururudzai nomufaro, imbai pamŋe cete, imi matoŋgo eJerusarema; nokuti Jehova wakanyaradza ʋanhu ʋake, wakadzikinura Jerusarema. Jehova wakafukura ruʋoko rwake rutȿene pamberi pamarudzi ose; migumo yose yenyika yakaʋona ruponeso rwaMŋari weɗu. Ibvai, ibvai, ɓuɗai ipapo, musanyaŋgata cinhu cinetȿina; ɓuɗai pakati paro; ɀinatsei, imi munotakura nhumbi dzaJehova. Nokuti hamuŋgaɓuɗi mucikurumidza, kana kuenda mucitiza; nokuti Jehova ucakutuŋgamirirai; Mŋari waIsraeri ucakurindirai mumashure.
Isaya 52:7-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)