Isaya 52
52
1Muka, muka, iwe Zioni, uzvifukidze nesimba rako; pfeka nguo dzako dzakaisvonaka, iwe Jerusaremu, guta dzvene; nokuti kubva zvino hakuna asina kudzingiswa noasakanaka angapinda mukati mako. 2Zvizunze ubve muguruva; simuka, ugare kwazvo, iwe Jerusaremu; sunungura zvisungo zviri pamutsipa wako, iwe mukunda weZioni wakatapwa.
3Nokuti zvanzi naJehovha, “Makatengeswa kusina mutengo; muchadzikunurwa kusina mari.” 4Nokuti zvanzi naIshe Jehovha, “Vanhu vangu vakaburukira Ijipiti kare kundogarako, muAsiria akavamanikidza pasina mhosva. 5Ko zvino ndinoonei pano; ndizvo zvinotaura Jehovha; vanhu vangu zvavabviswa pasina? Vanovabata ushe vanopopota, zita rangu rinongomhurwa zuva rose, ndizvo zvinotaura Jehovha. 6Saka vanhu vangu vachaziva zita rangu; saka vachaziva nezuva iro kuti ndini iye anotaura; tarirai, ndini.”
7Dzakanaka sei pamusoro pamakomo tsoka dzoanouya namashoko akanaka, anoparidza rugare, anouya namashoko akanaka ezvinhu zvakanaka, anoparidza ruponeso, anoti kuZioni, “Mwari wako anobata ushe!” 8Chinzwa izwi renharirire dzako! Dzinodana namazwi, dzinoimba pamwechete; nokuti dzichaonana zviso zvakatarisana, kana Jehovha achidzokera Zioni. 9Pururudzai nomufaro, imbai pamwechete, imi matongo eJerusaremu; nokuti Jehovha wakanyaradza vanhu vake, wakadzikinura Jerusaremu. 10Jehovha akafukura ruoko rwake rutsvene pamberi pamarudzi ose; migumo yose yenyika yakaona ruponeso rwaMwari wedu. 11Ibvai, ibvai, budai ipapo, musanyangata chinhu chine tsvina; budai pakati paro; zvinatsei, imi munotakura nhumbi dzaJehovha.
12Nokuti hamungabudi muchikurumidza, kana kuenda muchitiza; nokuti Jehovha achakutungamirirai; Mwari waIsiraeri achakurindirai mumashure.
13Tarirai, muranda wangu achaita nokuchenjera, achakwiridzwa nokusimudzwa, nokukwirira kwazvo. 14Vazhinji sezvavakashamiswa pamusoro pako, (chiso chake chakanga chakakuvadzwa kupfuura chavamwe vanhu, nechimiro chake kupfuura chavanakomana vavanhu), 15saizvozvo achavhundusa marudzi mazhinji; madzimambo achapfumbira miromo yawo pamusoro pake, nokuti vachaona zvavasina kumboudzwa; vachanzwisisa zvavasina kumbonzwa.
Zvasarudzwa nguva ino
Isaya 52: SNA2002
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© Shona Union Version 2002