Isaya 40:28-31
Isaya 40:28-31 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hauzivi here? Hauna kunzwa here? Jehovha ndiye Mwari nokusingaperi, Musiki wamagumo enyika. Haaneti kana kuziya, uye hakuna angayera kunzwisisa kwake. Anopa simba kuna vakarukutika, uye anowedzera simba kuna vasina simba. Kunyange majaya anoneta uye anorukutika, uye majaya anogumburwa agowa; asi avo vane tariro muna Jehovha vachavandudza simba ravo. Vachabhururuka namapapiro samakondo; vachamhanya vasinganeti; vachafamba vasingaziyi.
Isaya 40:28-31 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hauna kuziva here? Hauna kunzwa here? Mwari asingaperi, Jehovha, Musiki wamativi ose enyika, haaziyi, haaneti; njere dzake hadzingazikanwi.” Vanoziya anovapa simba; anoshaiwa simba anomuwedzera simba rake. Kunyange navakomana vachaziya nokuneta, namajaya achawira pasi chose; asi vanomirira Jehovha vachawana simba idzva; vachabhururuka namapapiro samakondo, vachamhanya vasinganeti, vachafamba vasingaziyi.
Isaya 40:28-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hamuna zvamunoziva here? Hamuna chamakambonzwa here kuti, Tenzi ndiye Mwari, Chidzachepo kuti ndiye Musiki wenyika yose zvayo kusvika kwainoperera? Haamborukutika kana kuneta zvako, udzamu hwepfungwa dzake hakuna angahubate. Anopa simba munhu anenge arukutika, anenge asina simba anomusimbaradza. Kunyange vechidiki vanorukutika vachitoneta, majaya anowira pasi nokuneta asi vanovimba naTenzi simba ravo richavandudzwa, vachabhururuka namapapiro samakondo vachamhanya asi vasinganeti vachafamba asi vasingarukutiki.
Isaya 40:28-31 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hauna‐kuziʋa here? Hauna‐kunzwa here? Mŋari usiŋgaperi, Jehova, Musiki wamatiʋi ose enyika, haaziyi, haaneti; njere dzake hadziŋgazikanwi. ʋanoziya unoʋapa simba; unoshaiwa simba unomuwedzera simba rake. Kunyaŋge naʋakomana ʋacaziya nokuneta, namajaya acawira pasi cose; asi ʋanomirira Jehova ʋacawana simba idɀa; ʋacabururuka namapapiro samakondo, ʋacamhanya ʋasiŋganeti, ʋacafamba ʋasiŋgaziyi.
Isaya 40:28-31 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)