Isaya 40:21-25
Isaya 40:21-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Hamuzivi here? Hamuna kunzwa here? Hamuna kumbozviudzwa kubva pakutanga here? Hamuna kunzwisisa kubva pakuvamba kwenyika here? Anogara samambo pamusoro pedenderedzwa renyika, uye vanhu vayo vakaita semhashu. Anotambanudza matenga setende, agoawaridzira setende kuti agaremo. Anoita kuti machinda ave pasina, uye anoderedza vatongi venyika ino kuti vave pasina. Vachangosimwa, vachangodyarwa, vachangodzika midzi muvhu, iye anofuridza pamusoro pavo vachibva vaoma, uye chamupupuri chinovakukura sehundi. “Mungandienzanisa naaniko? Kana kuti ndiani akaenzana neni?” ndizvo zvinotaura Iye Mutsvene.
Isaya 40:21-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Hamuna kuziva here? Hamuna kunzwa here? Hamuna kuzviudzwa kubva pakutanga here? Hamuna kunzwisisa kubva pakuteyiwa kwenyika here? Ndiye agere kumusoro kwenyika yakaurungana, vanhu vagerepo vakaita semhashu; ndiye anotatamura denga somucheka, nokuriwaridza setende kuti agaremo; ndiye anoderedza machinda kusvikira oita saasipo, vatongi venyika anovaita sechinhu chisina maturo. Zvirokwazvo, havana kusimwa, zvirokwazvo, havana kudyarwa, zvirokwazvo, hunde yavo haina kubata pasi; zvino wofuridza pamusoro pavo, vooma, nechamupupuri chinovabvisa sehundi. Ko zvino mungandifananidza nani, kuti ndienzane naye? Ndizvo zvinotaura Mutsvene.
Isaya 40:21-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Hamuna zvamunoziva here? Hamuna chamakambonzwa here? Hamuna here chamakataurirwa pakutanga? Hamunzwisisi here mavambirwo akaita nyika? Iye agere pamusoro peziendanakuenda rakatenderedza nyika ina vanhu vageremo, vakaita sezvitaunhau iye akawarira matenga sejira rokudzikatirisa anoatambanudza somusasa wetendhe wokugara, anoita kuti machinda ave zvinhu zvisina maturo, anoita kuti vatongi vapanyika vave vanhu pasina. Vanoita sokungonzi simwei kana kuti dyarwei midzi isati yatombobata muvhu, iye akangovafuridza nemhepo yake vanobva vawuna votututswa nemhepo huru ine simba sehundi. Zvino munonditora saani chaizvo wamunondienzanisa naye? Ndizvo zviri kubvunzwa naiye Anoera.
Isaya 40:21-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Hamuna‐kuziʋa here? Hamuna‐kunzwa here? Hamuna‐kuɀiʋudzwa kubva pakutaŋga here? Hamuna‐kunzwisisa kubva pakuteyiwa kwenyika here? Ndiye ugere kumsoro kwenyika yakaʋuruŋgana, ʋanhu ʋagere’po ʋakaita semhashu; ndiye unotatamura ɗeŋga somuceka, nokuriwadza setente kuti agare’mo; ndiye unoɗeredza macinda kuȿikira oita saasi’po, ʋatoŋgi ʋenyika unoʋaita secinhu cisinamaturo. Ɀirokwaɀo, haʋana‐kusimŋa, ɀirokwaɀo, haʋana‐kudɀarwa, ɀirokwaɀo, hunde yaʋo haina‐kuɓata pasi; ɀino wofuridza pamsoro paʋo, ʋowoma, necampupuri cinoʋabvisa sehundi. Ko ɀino muŋgandifananidza nani, kuti ndienzane naye? ndiɀo ɀinotaura Mutȿene.
Isaya 40:21-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)