Isaya 35:1-2
Isaya 35:1-2 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Gwenga nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo uye richatumbuka; seruva, richatumbuka; richafara zvikuru uye richapembera nomufaro. Mbiri yeRebhanoni ichapiwa kwariri, kunaka kweKarimeri neSharoni; vachaona kubwinya kwaJehovha, nokunaka kwaMwari wedu.
Isaya 35:1-2 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Renje nenyika yakaoma zvichafara; sango richafara kwazvo, richatumbuka seruva. Richatumbuka zhizhinji, nokufara kwazvo nomufaro nokuimba; richapiwa kunaka kukuru kweRebhanoni, noukomba hweKarimeri neSharoni; vachaona kunaka kukuru kwaJehovha, ihwo ukomba hwaMwari wedu.
Isaya 35:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Renje richafara nyika yakaoma ichafara gwenga richamwekuma nokufara, rachiti kakaka maruva kutumbuka somunhundurwa. Richanyatsoti namaruva akawanda tsvete rigopembera nokufara nokuimba, richapiwa mbiri yeRebhanoni nokuyevedza kwakaita sekweKarimeru nekweSharoni. Vachaona mbiri yaTenzi nomukurumbira waMwari wedu.
Isaya 35:1-2 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Renje nenyika yakawoma ɀicafara; saŋgo ricafara kwaɀo, ricatumbuka seruʋa. Ricatumbuka ɀizhinji, nokufara kwaɀo nomufaro nokuimba; ricapiwa kunaka kukuru kweRebanoni, noʋukomba bgeKarmeri neSharoni; ʋacaʋona kunaka kukuru kwaJehova, ibgo ʋukomba bgaMŋari weɗu.
Isaya 35:1-2 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)