Isaya 32:1-8
Isaya 32:1-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Tarirai mambo achatonga nokururama, uye vatongi vachatonga nokururamisira. Munhu mumwe nomumwe achafanana nenzvimbo yokuvanda kubva kumhepo, noutiziro kubva pakunaya kwemvura zhinji, sehova dzemvura mugwenga nomumvuri webwe guru munyika yafa nenyota. Ipapo meso avose vanoona haachazotsinzini, uye nzeve dzavanonzwa dzichateerera. Ndangariro dzavanokurumidzira zvinhu dzichaziva uye dzichanzwisisa, uye vanokakama vachataura zvakanaka uye zvinonzwika. Benzi harichazonzi munhu anokudzwa, munhu asina maturo haazoremekedzwi. Nokuti benzi rinotaura zvoupenzi, ndangariro dzaro dzinofunga zvakaipa: Zvaanoita hazvina umwari uye anoparadzira zvinhu zvakarasika zvisiri zvaJehovha; anosiya vane nzara vasina chinhu uye anonyima mvura vane nyota. Nzira dzousina maturo dzakaipa, anoita rangano dzakaipa kuti aparadze varombo nenhema, kunyange chichemo chaanoshayiwa chakanaka hacho. Asi munhu anokudzwa anoita urongwa hwakanaka, uye namabasa anokudzwa.
Isaya 32:1-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Tarirai, mambo achabata ushe nokururama, machinda achabata achiruramisira. Munhu mumwe nomumwe achava soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota. Meso avanoona haangatsinzini, nzeve dzavanonzwa dzichateerera. Mwoyo yavanotaura vasingarangariri zvakanaka ichanzwisisa ruzivo, marimi avanokakamira achaziva kutaura zvakanaka. Benzi harichazonzi munhu akakudzwa, munyengeri haanganzi mukomboreri. Nokuti benzi rinotaura zvohupenzi, mwoyo waro unoita zvakaipa, zvaanoita zvinomhura Mwari, nokureva zvingarasha vanhu pamusoro paJehovha, zvaanorega kugutisa mweya wavane nzara, nokushaisa vane nyota chinonwiwa. Mitoo yomunyengeri yakaipa; anofunga mano akaipa, kuti aparadze vanyoro namashoko enhema, kunyange anoshaiwa achitaura zvakanaka. Asi akarurama anofunga zvinhu zvakarurama; anorambira panzira yezvakarurama.
Isaya 32:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Chinzwai, kana mambo ava kutonga noururami makurukota ava kutonga noruenzaniso, mumwe nomumwe wavo anenge ave senzvimbo yokuvanda mhepo senzvimbo yokuhwanda dutu setukova twemvura munzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo mukuru munyika yakaoma. Maziso avanofanira kuti vatarise zvinhu haazotsinzinya nenzeve dzavanofanira kunzwa dzichateerera. Vane pfungwa yokuti zvose ndezvechimbichimbi vachava nourongwa hwakanaka, vanokakama vachataura vasingazezi, uye zvinonzwika. Rema romunhu harizonzi munhu anofanira kuremekedzwa kana kuti kanyimiramundiro onzi mupanegombe. Rema romunhu rinotaura zvenhema pfungwa dzaro dziri pakuronga kuita zvakaipa napakuita zvisingadiwe naMwari richitaura zvisiri izvo pamusoro paTenzi. Ane nzara anomuregera nenzara yavo vane nyota nenyota yake. Zvinoitwa navanoudyire zvakashata vanoronga mazano akaipa kuti varozve varombo nenhema dzavanotaura vachitadzisa vanotambura kuwana zvinhu zvavane mvumo yokuti vawane. Asi munhu kwaye anoitawo zvinhu nomazvo zvinhu zviri pachokwadi ndozvaanomira nazvo.
Isaya 32:1-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarirai, mambo ucaɓata ʋushe nokururama, macinda acaɓata aciruramisira. Munhu mumŋe nomumŋe ucaʋa soʋutiziro pamhepo, seciʋando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panɀimbo yakawoma, somumvuri weɗombo guru panyika yafa nenyota. Meso aʋanoʋona haaŋgatsinzini, nzeʋe dzaʋanonzwa dzicaterera. Mŋoyo yaʋanotaura ʋasiŋgaraŋgariri ɀakanaka icanzwisisa ziʋo, marimi aʋanokakamira acaziʋa kutaura ɀakanaka. Ƃenzi haricazonzi munhu wakakudzwa, munyeŋgeri haaŋganzi mukomboreri. Nokuti ɓenzi rinotaura ɀoʋupenzi, mŋoyo waro unoita ɀakaipa, ɀaanoita ɀinomhura Mŋari, nokureʋa ɀiŋgarasha ʋanhu pamsoro paJehova, ɀaanorega kugutisa mŋeya waʋanenzara, nokushaisa ʋanenyota cinonwiwa. Mitoʋo yomunyeŋgeri yakaipa; unofuŋga mano akaipa, kuti aparadze ʋanyoro namashoko enhema, kunyaŋge unoshaiwa acitaura ɀakanaka. Asi wakarurama unofuŋga ɀinhu ɀakarurama; unorambira panzira yeɀakarurama.
Isaya 32:1-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)