Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 32:1-8

Isaya 32:1-8 SNA2002

Tarirai, mambo achabata ushe nokururama, machinda achabata achiruramisira. Munhu mumwe nomumwe achava soutiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota. Meso avanoona haangatsinzini, nzeve dzavanonzwa dzichateerera. Mwoyo yavanotaura vasingarangariri zvakanaka ichanzwisisa ruzivo, marimi avanokakamira achaziva kutaura zvakanaka. Benzi harichazonzi munhu akakudzwa, munyengeri haanganzi mukomboreri. Nokuti benzi rinotaura zvohupenzi, mwoyo waro unoita zvakaipa, zvaanoita zvinomhura Mwari, nokureva zvingarasha vanhu pamusoro paJehovha, zvaanorega kugutisa mweya wavane nzara, nokushaisa vane nyota chinonwiwa. Mitoo yomunyengeri yakaipa; anofunga mano akaipa, kuti aparadze vanyoro namashoko enhema, kunyange anoshaiwa achitaura zvakanaka. Asi akarurama anofunga zvinhu zvakarurama; anorambira panzira yezvakarurama.

Verenga chikamu Isaya 32