Isaya 2:3-5
Isaya 2:3-5 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndudzi zhinji dzichauya dzichiti, “Uyai ngatiendei kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho Iye achatidzidzisa nzira dzake, kuitira kuti tigofamba mumakwara ake.” Nokuti murayiro uchabva paZioni, shoko raJehovha richabva kuJerusarema. Achatonga pakati pendudzi uye achapedza gakava pakati pamarudzi mazhinji. Vachapfura minondo yavo vagoiita miromo yamagejo, namapfumo avo vagoaita mapanga okuchekerera miti nawo. Rudzi rumwe harungazosimudziri munondo kuno rumwe rudzi, kana kuzodzidzirazve kurwa. Uyai, imi imba yaJakobho, ngatifambei muchiedza chaJehovha.
Isaya 2:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)
ndudzi dzavanhu dzisingaverengeki dzichauyako dzichiti, “Uyai tikwire kugomo raTenzi, kuTemberi yaMwari waJakobho atidzidzise nzira dzake kuti tigofamba mumakwara ake.” Ndinodaro nokuti muGomo reZioni ndimo munobva mutemo uye shoko raTenzi rinobva muJerusaremu. Achatonga marudzi ose evanhu achienzanisa mhosva dzendudzi dzavanhu dzakawanda; vachapfura mapakatwa avo vachiaita miromo yemagejo, mapfumo vachiaita majeko okupemhenesa. Hakuna rudzi ruchazosimudzira rumwe rudzi zvarwo bakatwa, zvokudzidzisana kurwa hondo pachange pasisina. Douyai nhaimi vemba yaJakobho tifambe muchiedza chaTenzi.
Isaya 2:3-5 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vanhu vazhinji vachaendako vachiti, “Uyai, ngatikwire kugomo raJehovha, kuimba yaMwari waJakobho; iye achatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake;” nokuti murayiro uchabva paZioni, shoko raJehovha richabva Jerusaremu. Iye achatonga pakati pamarudzi, nokururamisira vanhu vazhinji; vachapfura minondo yavo vachiita mapadza, namapfumo avo vachiaita mapanga okuchekerera miti; rumwe rudzi harungazosimudziri rumwe rudzi munondo, havangazodzidzi kurwa. Iwe imba yaJakobho, uyai tifambe muchiedza chaJehovha.
Isaya 2:3-5 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
ndudzi dzavanhu dzisingaverengeki dzichauyako dzichiti, “Uyai tikwire kugomo raTenzi, kuTemberi yaMwari waJakobho atidzidzise nzira dzake kuti tigofamba mumakwara ake.” Ndinodaro nokuti muGomo reZioni ndimo munobva mutemo uye shoko raTenzi rinobva muJerusaremu. Achatonga marudzi ose evanhu achienzanisa mhosva dzendudzi dzavanhu dzakawanda; vachapfura mapakatwa avo vachiaita miromo yemagejo, mapfumo vachiaita majeko okupemhenesa. Hakuna rudzi ruchazosimudzira rumwe rudzi zvarwo bakatwa, zvokudzidzisana kurwa hondo pachange pasisina. Douyai nhaimi vemba yaJakobho tifambe muchiedza chaTenzi.
Isaya 2:3-5 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋanhu ʋazhinji ʋacaenda’ko ʋaciti: Ʋuyai, ŋgatikwire kugomo raJehova, kuimba yaMŋari waJakobo; iye ucatidzidzisa nzira dzake, ticafamba mumakwara ake; nokuti murairo ucabva paZioni, shoko raJehova ricabva Jerusarema. Iye ucatoŋga pakati pamarudzi, nokururamisira ʋanhu ʋazhinji; ʋacapfura minondo yaʋo ʋaciiita mapadza, namapfumo aʋo ʋaciaita mapaŋga okucekerera miti; rumŋe rudzi haruŋgazosimudziri rumŋe rudzi munondo, haʋaŋgazodzidzi kurwa. Iwe imba yaJakobo, ʋuyai tifambe muciedza caJehova.