Isaya 11:1-10
Isaya 11:1-10 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Bukira richabva kudzinde raJese; Davi rinobva pamidzi yake richabereka muchero. Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, mweya wouchenjeri newokunzwisisa, mweya wokurayira nowesimba, mweya wokuziva newokutya Jehovha, uye achafarira kutya Jehovha. Haazotongi nezvaanoona nameso ake, kana kutonga nezvaanonzwa nenzeve dzake, asi nokururama achatongera varombo, nokururamisira achatongera vanyoro vapanyika. Acharova nyika neshamhu yomuromo wake; nokufema kwemiromo yake achauraya vakaipa. Kururuma ndiro richava bhanhire rake uye kutendeka bhanhire romuchiuno chake. Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzi, mhuru neshumba nezvakakodzwa zvichafura pamwe chete; uye mwana mudiki achazvitungamirira. Mhou ichafura nebere, vana vazvo vachavata pasi pamwe chete, uye shumba ichadya uswa senzombe. Mwana mucheche achatambira pedyo nomwena wemhakure, uye mwana mudiki achaisa ruoko rwake mumwena wenyoka. Hazvingazokuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika ichazara nokuziva Jehovha semvura zhinji inofukidza gungwa. Pazuva iro Mudzi waJese uchamira somureza wamarudzi; ndudzi dzichamhanyira kwaari, uye nzvimbo yake yokuzorora ichabwinya.
Isaya 11:1-10 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino pahunde yaJese pachabuda bukira, davi, rinobuda pamidzi yake, richabereka zvibereko. Mweya waJehovha uchagara pamusoro pake, mweya wenjere nowokungwara, mweya wamano nesimba, mweya wokuziva nokutya Jehovha. Mufaro wake uchava pakutya Jehovha; haangatongi nokungoona nameso bedzi, kana kupa mhosva nokungonzwa nenzeve dzake bedzi; asi achatongera varombo nokururama, achatambira vanyoro venyika mhaka dzavo zvakarurama; acharova nyika neshamhu yomuromo wake, achavauraya vakaipa nomweya wemiromo yake. Kururama richava bhanhire rechiuno chake, kutendeka richava bhanhire rezvidza zvake. Bere richagara negwayana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nomwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwechete; uye mwana muduku achadzitungamirira. Mhou nebere zvichafura; vana vadzo vachavata pamwechete; shumba ichadya uswa senzombe. Mwana anomwa, achatamba pamwena wenyoka, uye mwana akarumurwa achapinza ruoko rwake mubako remvumbi. Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa. Nezuva iro mudzi waJese, iwo umirepo somureza wavanhu, uchatsvakwa namarudzi avanhu; nzvimbo yake yokuzorora ichava nembiri.
Isaya 11:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo pachigutsa chokwaJese pachatungira nhungirwa, bukira richamera pamidzi yake. Mweya waTenzi uchagara paari Mweya woungwaru newokunzwisisa Mweya unopa zano newesimba Mweya woruzivo newokutya Tenzi. Zvokutya Tenzi ndozvaanofarira. Haatonge nezvaanoona nameso chete kana kutevedza zvaanonzwa nenzeve asi kuti achatonga varombo zvakarurama achipipirira vatamburi vepanyika uye nyika achairova neshamhu yomuromo wake nefemo romuromo wake anopfuudza vakaipa. Ururami ndihwo huchava bhandhe raanosungisa muchiuno chake, kutendeseka kuri bhandhe rake muchiuno. Mhumhi ichagarisana zvayo nehwayana mbada icharara zvayo pamwechete nembudzana, mhuru neshumba nechigondora chakakora zviri pamwechetewo, zvichifudzwa zvazvo nemwana muduku. Mhou nebere zvichatofura pamwechete vana vazvo vachirara zvavo pamwechete, shumba ichafura sora semombe. Mwana ari kuyamwa achatamba zvake pamwena wemhakure ndumurwa ichiisa zvayo ruoko mumwena wechiva. Hazvizombokuvadza kana kuparadza mugomo rangu rose rinoera nokuti panyika pachange zvino pazara nokuziva Tenzi sokuzadza kunoita mvura gungwa. Pazuva iroro, bukira romudzi wokwaJese richamira sechiratidzo kudzindudzi dzavanhu, iyeyo ndiye achange wototsvagwa nevechirudzi, Nzvimbo yake yokugara ichava nomukurumbira.
Isaya 11:1-10 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino pahunde yaJese pacaɓuɗa ɓukira, ɗaʋi, rinoɓuɗa pamidzi yake, ricaɓereka ɀiɓereko. Mŋeya waJehova ucagara pamsoro pake, mŋeya wenjere nowokuŋgwara, mŋeya wamano nesimba, mŋeya wokuziʋa nokutya Jehova. Mufaro wake ucaʋa pakutya Jehova; haaŋgatoŋgi nokuŋgoʋona nameso ɓedzi, kana kupa mhoȿa nokuŋgonzwa nenzeʋe dzake ɓedzi; asi ucatoŋgera ʋarombo nokururama, ucatambira ʋanyoro ʋenyika mhaka dzaʋo ɀakarurama; ucaroʋa nyika neshamhu yomuromo wake, ucaʋuraya ʋakaipa nomŋeya wemiromo yake. Kururama ricaʋa banhire reciʋuno cake, kutendeka ricaʋa banhire reɀidɀa ɀake. Ƃere ricagara negwaiana, iŋgwe icaʋata pasi nembudzana, nemhuru nomŋana weshumba necipfuwo cakakora pamŋe cete; ʋuye mŋana muɗuku ucadzituŋgamirira. Mhou neɓere ɀicacera; ʋana ʋadzo ʋacaʋata pamŋe cete; shumba icadya ʋuswa senzombe. Mŋana unomŋa, ucatamba pamŋena wenyoka, ʋuye mŋana wakarumurwa ucapinza ruʋoko rwake muɓako remvumbi. Haɀiŋgakuʋadzi kana kuparadza pagomo raŋgu rose dɀene, nokuti nyika yose icazara nokuziʋa Jehova, seɀinofukidza mvura pasi peguŋgwa. Nezuʋa iro mudzi waJese, iwo umire’po somureza waʋanhu, ucatȿakwa namarudzi aʋanhu; nɀimbo yake yokuzorora icaʋa nembiri.
Isaya 11:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)