Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hosea 1:2-11

Hosea 1:2-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Jehovha paakatanga kutaura kubudikidza naHosea, akati kwaari, “Enda, unozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve nokuti nyika ine mhosva yokuita ufeve hwakaipisisa nokuti yakabva kuna Jehovha.” Naizvozvo akawana Gomeri mwanasikana waDibhiraimu, uye akabata pamuviri akamuberekera mwanakomana. Ipapo Jehovha akati kuna Hosea, “Mutumidze zita rokuti Jezireeri, nokuti ndava kuda kuranga imba yaJehu zvino nokuda kwavanhu vakaurayiwa paJezireeri, uye ndichagumisa umambo hwaIsraeri. Pazuva iro ndichavhuna uta hwaIsraeri mumupata weJezireeri.” Gomeri akabatazve pamuviri ndokubereka mwanasikana. Ipapo Jehovha akati kuna Hosea, “Mutumidze zita rokuti Ro-Ruhama, nokuti handichazoratidzizve rudo kuimba yaIsraeri, kuti nditombovaregerera. Asi ndicharatidza rudo kuimba yaJudha; uye ndichavaponesa, kwete nouta, munondo kana kurwa, kana namabhiza kana navatasvi vamabhiza, asi naJehovha Mwari wavo.” Mushure mokurumura Ro-Ruhama, Gomeri akaberekazve mumwe mwanakomana. Ipapo Jehovha akati, “Mutumidze zita rokuti Ro-Ami, nokuti imi hamusi vanhu vangu, uye ini handisi Mwari wenyu. “Kunyange zvakadaro vaIsraeri vachava sejecha riri pamahombekombe egungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa. Paya pakanga panzi kwavari, ‘Hamuzi vanhu vangu,’ vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’ Vanhu veJudha navanhu veIsraeri vachabatanazve, uye vachasarudza mutungamiri mumwe chete uye vachasimukira panyika, nokuti zuva raJezireeri richava zuva guru.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Hosea 1

Hosea 1:2-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Pakutanga kwokutaura kwaJehovha naHosea, Jehovha akati kuna Hosea, “Enda undozvitorera mukadzi woufeve navana voufeve; nokuti nyika inofeva zvikuru, zvavakasiyana naJehovha.” Naizvozvo akaenda akatora Gomeri mukunda waDibhiraimi, iye akanaka pamuviri akamuberekera mwanakomana. Jehovha akati kwaari, “Mutumidze zita rinonzi ‘Jezireri,’ nokuti kwasara chinguva chiduku, ipapo ndichatsiva ropa reJezireri paimba yaJehu, nokugumisa ushe hweimba yaIsiraeri. Zvino nezuva iro ndichavhuna uta hwaIsiraeri mumupata weJezireri.” Akanakazve pamuviri, ndokubereka mwanasikana. Jehovha akati kwaari, “Mutumidze iye zita rinonzi ‘Roruhama;’ nokuti handichazonzwiri imba yaIsiraeri nyasha nditongovakanganwire. Asi ndichanzwira imba yaJudha nyasha, ndichavaponesa naJehovha Mwari wavo, handingavaponesi nouta, kana nomunondo, kana nokurwa, kana namabhiza, kana navatasvi vamabhiza.” Zvino akati arumura Roruhama, akanakazve pamuviri, akabereka mwanakomana. Jehovha akati, “Mutumidze zita rinonzi ‘Roami;’ nokuti imi hamuzi vanhu vangu, neni handingavi Mwari wenyu.” Kunyange zvakadaro kuwanda kwavana vaIsiraeri kuchaita sejecha regungwa, risingabviri kuyerwa kana kuverengwa; zvichaitika kuti paya pakanga panzi kwavari, “Hamuzi vanhu vangu,” ndipapo pazvichanzi kwavari, “Muri vanakomana vaMwari mupenyu.” Vana vaJudha navana vaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete, vachazvigadzira mukuru mumwe, ndokubva panyika ino, nokuti zuva reJezireri richava guru.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Hosea 1

Hosea 1:2-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Pakatangisisa chaipo Tenzi kutaura nomuromo waHosea, iye Tenzi akati kuna Hosea, “Enda undotora pfambi uite vana nayo voufeve nokuti nyika iri kuita ufeve hwakakurisa kwazvo hwokufuratira Tenzi.” Saizvozvowo akaenda akandotora Gomero mwanasikana waDhibhuraimu. Iye akaita pamuviri akamuberekera mwana mukomana. Tenzi akabva ati kuna Hosea, “Mutumidze zita rokuti ‘Jezirieri,’ nokuti kwangosara kanguva kadikidiki kwokuti ndichiranga imba yaJehu, ndichiirangira ropa raakadeura kuJezirieri, ndichitsakatisa umambo hwokwaIsiraeri. Pazuva iroro ndichaparadza hondo yavarwi vouta yeIsiraeri muBani reJezirieri.” Akaitazve pamuviri akasununguka mwana musikana. Tenzi akabva ati kuna Hosea, “Tumidza musikana uyu zita rokuti, ‘Mushayirwatsitsi’ nokuti handichaitirazve imba yokwaIsiraeri tsitsi. Handimbofa ndakavaregerazve. Asi imba yokwaJudha, ndichaiitira tsiye nyoro ndigovanunura nesimba raTenzi, Mwari wavo. Handisi kuzovanunura nouta kana nebakatwa kana nehondo kunyange namabhiza kana navarwi vamabhiza.” Mukadzi uyu paakarumura Mushayirwatsitsi, akabata pamuviri akabereka mwana mukomana. Tenzi akati kuna Hosea, “Mudaidzei zita rokuti, ‘Vasivangu’ nokuti imi hamusi vanhu vangu. Iniwo handisi Mwari wenyu.” Zvakadaro zvazvo, vanhu vokwaIsiraeri vachawanda sejecha regungwa risingagone kuerwa kana kuverengeka. Panzvimbo pokuti munzi, “Vasivangu” muchanzi “Vanhu vaMwari mupenyu.” Vanhu vokwaJudha navanhu vokwaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete. Vachazvisarudzira mutungamiriri mumwechete vagomera munyika ino nokuti zuva rokusima kwaMwari iroro richava zuva guru kwazvo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Hosea 1

Hosea 1:2-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Pakutaŋga kwokutaura kwaJehova naHosea, Jehova wakati kunaHosea: Enda undoɀitorera mukadzi woʋufeʋe naʋana ʋoʋufeʋe; nokuti nyika inofeʋa ɀikuru, ɀaʋakasiyana naJehova. Naiɀoɀo wakaenda akatora Gomeri mukunda waDibraimi, iye akanaka pamuʋiri akamuɓerekera mŋanakomana. Jehova akati kwaari: Mutumidze zita rinonzi Jezreeri, nokuti kwasara ciŋguʋa ciɗuku, ipapo ndicatsiʋa ropa reJezreeri paimba yaJehu, nokugumisa ʋushe bgeimba yaIsraeri. Ɀino nezuʋa iro ndicavuna ʋuta bgaIsraeri mumupata weJezreeri. Akanaka ɀe pamuʋiri, ndokuɓereka mŋanasikana. Jehova akati kwaari: Mutumidze iye zita rinonzi Ro‐ruhama; nokuti handicazonzwiri imba yaIsraeri nyasha nditoŋgoʋakaŋganwire. Asi ndicanzwira imba yaJuda nyasha, ndicaʋaponesa naJehova Mŋari waʋo, handiŋgaʋaponesi noʋuta, kana nomunondo, kana nokurwa, kana namabiza, kana naʋataȿi ʋamabiza. Ɀino wakati arumura Ro‐ruhama, akanaka ɀe pamuʋiri, akaɓereka mŋanakomana. Jehova akati: Mutumidze zita rinonzi Ro‐ami; nokuti imi hamuzi ʋanhu ʋaŋgu, neni handiŋgaʋi Mŋari wenyu. Kunyaŋge ɀakaɗaro kuwanda kwaʋana ʋaIsraeri kucaita sejeca reguŋgwa, risiŋgabviri kuyerwa kana kuʋereŋgwa; ɀicaitika kuti paya pakaŋga panzi kwaʋari: Hamuzi ʋanhu ʋaŋgu, ndipapo paɀicanzi kwaʋari: Muri ʋanakomana ʋaMŋari mupenyu. Ʋana ʋaJuda naʋana ʋaIsraeri ʋacaʋuŋganidzwa pamŋe cete, ʋacaɀigadzira mukuru mumŋe, ndokubva panyika ino, nokuti zuʋa reJezreeri ricaʋa guru.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Hosea 1

Hosea 1:2-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)