Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hosea 1:2-11

Hosea 1:2-11 SCLBD

Pakatangisisa chaipo Tenzi kutaura nomuromo waHosea, iye Tenzi akati kuna Hosea, “Enda undotora pfambi uite vana nayo voufeve nokuti nyika iri kuita ufeve hwakakurisa kwazvo hwokufuratira Tenzi.” Saizvozvowo akaenda akandotora Gomero mwanasikana waDhibhuraimu. Iye akaita pamuviri akamuberekera mwana mukomana. Tenzi akabva ati kuna Hosea, “Mutumidze zita rokuti ‘Jezirieri,’ nokuti kwangosara kanguva kadikidiki kwokuti ndichiranga imba yaJehu, ndichiirangira ropa raakadeura kuJezirieri, ndichitsakatisa umambo hwokwaIsiraeri. Pazuva iroro ndichaparadza hondo yavarwi vouta yeIsiraeri muBani reJezirieri.” Akaitazve pamuviri akasununguka mwana musikana. Tenzi akabva ati kuna Hosea, “Tumidza musikana uyu zita rokuti, ‘Mushayirwatsitsi’ nokuti handichaitirazve imba yokwaIsiraeri tsitsi. Handimbofa ndakavaregerazve. Asi imba yokwaJudha, ndichaiitira tsiye nyoro ndigovanunura nesimba raTenzi, Mwari wavo. Handisi kuzovanunura nouta kana nebakatwa kana nehondo kunyange namabhiza kana navarwi vamabhiza.” Mukadzi uyu paakarumura Mushayirwatsitsi, akabata pamuviri akabereka mwana mukomana. Tenzi akati kuna Hosea, “Mudaidzei zita rokuti, ‘Vasivangu’ nokuti imi hamusi vanhu vangu. Iniwo handisi Mwari wenyu.” Zvakadaro zvazvo, vanhu vokwaIsiraeri vachawanda sejecha regungwa risingagone kuerwa kana kuverengeka. Panzvimbo pokuti munzi, “Vasivangu” muchanzi “Vanhu vaMwari mupenyu.” Vanhu vokwaJudha navanhu vokwaIsiraeri vachaunganidzwa pamwechete. Vachazvisarudzira mutungamiriri mumwechete vagomera munyika ino nokuti zuva rokusima kwaMwari iroro richava zuva guru kwazvo.

Verenga chikamu Hosea 1