Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 6:9-20

VaHebheru 6:9-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Kunyange zvazvo tichitaura sezvizvi, hama dzinodikanwa, tinoziva kwazvo kuti kwamuri kuchabva zvinhu zviri nani, zvinhu zvinoshanda pamwe chete noruponeso. Mwari haazi asina kururama; haangakanganwi basa renyu norudo rwamakamuratidza pamaibatsira vanhu vake uye kuti muchiri kuramba muchivabatsira. Tinoda kuti mumwe nomumwe wenyu ave nokushingaira kumwe cheteko kusvikira kumagumo, kuitira kuti muve nechokwadi chetariro yenyu. Hatidi kuti muve simbe, asi kuti muve vateveri vaavo vanodya nhaka yakavimbiswa kubudikidza nokutenda nokutsungirira. Mwari paakaita vimbiso yake kuna Abhurahama, sezvo kwakanga kusina mumwe mukuru kwaari wokuti angapika naye, akapika naiye amene, achiti, “Zvirokwazvo ndichakuropafadza uye ndichakupa zvizvarwa zvizhinji.” Uye mushure mokumirira nomwoyo murefu, Abhurahama akagamuchira chipikirwa. Vanhu vanopika nomukuru kwavari, uye mhiko ndiyo inosimbisa zvinenge zvataurwa, uye inopedza gakava rose. Nokuti Mwari aida kuti aratidze pachena kusashanduka kwechido chake kuvadyi venhaka yakapikirwa, akakusimbisa nemhiko. Mwari akaita izvi kuitira kuti, nezvinhu zviviri zvisingashanduki, zvokuti Mwari haagoni kureva nhema, isu vakatiza tikandobatisisa tariro yatakapiwa, tichasimbiswa zvikuru. Tine tariro iyi sechibatiso choMweya, chakasimba chisingazungunuswi. Inopinda mukati mechidzitiro chomutemberi, makapinda Jesu akatitangira isu, akapinda akatimiririra. Akava muprista mukuru nokusingaperi worudzi rwaMerikizedheki.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaHebheru 6

VaHebheru 6:9-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Kunyange zvedu tichitaura nomutowo iwoyu, asi kwamuri, vadikanwi, tinechokwadi chokuti munezvinhu zviri nani zvoruponeso. Mwari haakundiki paruenzaniso. Hazviitiki kuti akanganwe basa renyu norudo rwamakatira vatsvene pamusana pake, sezvamuchiri kungoita. Tinodisisa kuti mumwe nomumwe wenyu aratidze shungu dzimwechetedzo dzokuti zvatinotarisira izvi zviitike, uye agoramba achingodaro kusvikira kumagumo, kuti murege kungoneta–neta, asi kuti murambe muchingotevedzera avo vanowana nhaka yezvakavimbiswa pamusana pechitendero chavo nokusarasa mwoyo kwavo. Ndinodaro nokuti zviya, Mwari zvaakatsidzirana naAbhurahamu akapika naiye pachake nokuti pakanga pasina mukuru pana iye waaigona kupika naye, zviya zvaakati, “Zvirokwazvo ndichakukomborera chaizvo nokuita kuti uwande.” Saka nokutirira kwake Abhurahamu akawana chaakanga atsidzirwa chiya. Vanhu vanopika nomukuru kupinda ivo. Naizvozvo, kana pane gakava pakati pavanhu, vanozopedzisira nokupika, kuti vasimbisise zvavanotaura. Naizvozvo Mwari paakanga achida kunyatsosimbisisa, kuvadyi venhaka yechipikirwa kuti zvaanenge atema hazvipinduki–pinduki akazvitsinhira nemhiko. Uku kwaiva kuti nezvinhu zviviri zvisingasanduki isu vapoteri tiwane chingatikurudzire kubatisisa chitarisiro chatakapiwa nokuti mune zvizvi zviviri Mwari haagoni kutinyengedza kwete. Ichi ndicho chitsigiro chomweya chezvirokwazvo, chitarisiro chinopinda munzvimbo tsvene iri seri kwejira rokudzikatirisa, kwakafanopindwa naJesu nokuda kwedu zvaakanga ava Mupristi mukuru nokusingaperi wegovero raMerekizedheki.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaHebheru 6

VaHebheru 6:9-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Asi ʋaɗikanwa, kunyaŋge ticitaura kuɗai, tinoziʋa kwaɀo pamsoro penyu ɀinhu ɀinopfuʋura nokunaka, ɀinoisa kukuponeswa. Nokuti Mŋari haazati ari usakarurama, uŋgakaŋganwa ɓasa renyu noruɗo rwamakaratidza nokuɗa kwezita rake, ɀamakashumira ʋatȿene, muciʋashumira naɀino. Ɀino tinoɗa kuti mumŋe nomumŋe wenyu ashiŋgaire saiɀoɀo, kuti muʋe netariro yakakwana kuȿikira pakuguma. Kuti murege kuʋa noʋusimbe, asi muʋe ʋateʋeri ʋaiʋo ʋanodya nhaka yeɀipikirwa nenzira yokutenda nokutsuŋgirira. Nokuti Mŋari pakupikira Abrahama, wakapika naiye amene, nokuti wakaŋga asinomukuru kwaari waaŋgapika naye, akati: Ɀirokwaɀo nokuropafadza ndicakuropafadza, nokuwanza ndicakuwanza. Nokuɗaro, wakati atsuŋgirira, akawana cipikirwa. Nokuti ʋanhu ʋanopika nomukuru kwaʋari; nemhiko inosimbisa ndiyo inogumisa gakaʋa rose pakati paʋo. Saiɀoɀo Mŋari wakati aciɗa ɀikuru kuratidza ʋadyi ʋenhaka yecipikirwa, kuti cireʋo cake hacishandurwi, wakapinda pakati nokupika; kuti neɀinhu ɀiʋiri ɀisiŋgashandurwi, ( nokuti paɀiri Mŋari haagoni kureʋa nhema), tiʋe nesimbiso yakaɓata, iyesu, takatizira kutariro yakaiswa pamberi peɗu, kuti tiiɓate; yatinayo seciɓatiso coMŋeya, tariro isiŋgazunuŋguswi, yakasimba, inopinda kuneɀiri mukati mecidzitiro cetembere; pakapinda mutuŋgamiriri nokuɗa kweɗu, iye Jesu wakaitwa muprista mukuru nokusiŋgaperi, unorudzi naMerkisedeki.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu VaHebheru 6

VaHebheru 6:9-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)