VaHebheru 4:12-13
VaHebheru 4:12-13 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti shoko raMwari ibenyu uye rine simba. Rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kunyange kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo. Hakuna chisikwa chakavanzika pamberi paMwari. Zvinhu zvose zviri pachena uye zvakafukurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.
VaHebheru 4:12-13 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti shoko raMwari ibenyu, rine simba, rinopinza kukunda munondo unocheka kumativi maviri, rinobaya kusvikira panoparadzana mwoyo nomweya, namafundo nomongo; rinotonga mifungo nendangariro dzomwoyo. Hakuna chisikwa chisingaonekwi naye, asi zvinhu zvose zvakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuzvidavirira kwaari.
VaHebheru 4:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shoko raMwari ibenyu uye rine simba, rinopinza kupinda bakatwa ripi neripi zvaro romuchekakose. Rinobaya zvokupinda mukati–kati chaimo richisvika pakarundana munhu nemweya wake: richisvikawo pakasangana nhengo nomwongo. Rinopatsanurawo pfungwa nezvinovavarirwa nemwoyo. Kwaari hakuna chisikwa chakavandika, zvose zvakangoti pachena yacha, zvisina chazvakapfeka, zvichinyatsoonekwa kwaari nemeso ake kuna iyeyo kwatichanozvidavirira zviito zvedu.
VaHebheru 4:12-13 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti shoko raMŋari iɓenyu, rinesimba, rinopinza kukunda munondo unoceka kumatiʋi maʋiri, rinoɓaya kuȿikira panoparadzana mŋoyo nomŋeya, namafundo nomŋoŋgo; rinotoŋga mifuŋgo nendaŋgariro dzomŋoyo. Hakunecisikwa cisiŋgaʋonekwi naye, asi ɀinhu ɀose ɀakafukurwa nokuzarurwa pameso aiye watinofanira kuɀiɗaʋirira kwaari.
VaHebheru 4:12-13 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)