VaHebheru 3:6-8
VaHebheru 3:6-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi Kristu akatendeka somwanakomana pamusoro peimba yaMwari. Uye isu tiri imba yake, kana tikabatisisa pakushinga kwedu netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo. Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene achiti: “Nhasi, kana muchinzwa inzwi rake, musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita panguva dzokumukira, panguva yokuedzwa murenje
VaHebheru 3:6-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
asi Kristu soMwanakomana, akaiswa pamusoro pemhuri yake; iye, tiri mhuri yake isu, kana tikabatisisa kusvika pakuguma kusatya kwedu netariro yatinozvirumbidza pamusoro payo. Naizvozvo, sezvinotaura Mweya Mutsvene, achiti, “Nhasi, kana muchinzwa izwi rake, Musaomesa mwoyo yenyu, sapanguva yokutsamwisa, Napazuva rokuedzwa murenje
VaHebheru 3:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi Kristu, iye mukuru wemba yaMwari akatendeseka somwana. Ndisu iyesu imba yake, chero tikaramba tichingovimba chete, nokudada nechitarisiro chedu. Naizvozvo sokutaura kwaMweya Mutsvene anoti: “Nhasi kana monzwa izwi rake, musazoomesa mwoyo yenyu sapachimurenga paya, pazuva riya rokuedzwa murenje
VaHebheru 3:6-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
asi Kristu soMŋanakomana, wakaiswa pamsoro peimba yake; iye, tiri imba yake isu, kana tikaɓatisisa kuȿika pakuguma kusatya kweɗu netariro yatinoɀirumbidza pamsoro payo. Naiɀoɀo, seɀinotaura Mŋeya Mutȿene, aciti: Nhasi, kana mucinzwa inzwi rake, Musawomesa mŋoyo yenyu, sapaŋguʋa yokutsamŋisa, Napazuʋa rokuidzwa murenje
VaHebheru 3:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)