Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

VaHebheru 13:1-19

VaHebheru 13:1-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Rambai mune rudo pakati penyu sehama. Musakanganwa kuitira vaeni rudo, nokuti vamwe mukuita izvi vakashumira vatumwa vasingazvizivi. Rangarirai vaya vari mutorongo somunenge makasungwa pamwe chete navo, uye navaya vanoitirwa zvakaipa sokunge imi pachenyu ndimi muri kutambudzwa. Kuwanana ngakukudzwe navose, uye nhoo yewanano ngairege kusvibiswa, nokuti Mwari achatonga mhombwe navose vanofeva. Musakarira mari pamagariro enyu uye mugutsikane nezvamunazvo, nokuti Mwari akati: “Handingatongokusiyei; handingatongokurasei.” Saka tinotsunga mwoyo, tichiti: “Ishe ndiye mubatsiri wangu, handingatyi. Munhu angandiiteiko?” Rangarirai vatungamiri venyu vakakuparidzirai shoko raMwari. Cherechedzai kuguma kwokufamba kwavo muupenyu mugotevera kutenda kwavo. Jesu Kristu anogara akadaro zuro nanhasi nokusingaperi. Musatorwa nedzidziso dzimwe dzose dzose dzisingazivikanwi. Zvakanaka kuti mwoyo yedu isimbiswe nenyasha, kwete nezvokudya zvemitambo, zvisina kubatsira vaya vakazvidya. Tine aritari isingatenderwi vanoshumira patabhenakeri kuti vadyepo. Muprista mukuru anopinda neropa remhuka muNzvimbo Tsvene-tsvene sechipiriso chechivi, asi mitumbi yacho inopisirwa kunze kwomusasa. Uye naizvozvo Jesu akatambudzikawo ari kunze kwesuo reguta kuti aite kuti vanhu vave vatsvene kubudikidza neropa rake. Naizvozvo, ngatiendei kwaari kunze kwomusasa, titakure kunyadziswa kwake. Nokuti pano hatina guta ratichagara, asi isu tinotsvaka richauya. Naizvozvo, kubudikidza naJesu ngatirambei tichipa kuna Mwari chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibayiro chemiromo inopupura zita rake. Uye musakanganwa kuita zvakanaka nokugoverana navamwe, nokuti Mwari anofadzwa nezvibayiro zvakadai. Teererai vatungamiri venyu, muzviise pasi pavo nokuti vanochengeta mweya yenyu, savanhu vachazobvunzwa pamusoro penyu. Vateererei kuitira kuti basa ravo rive mufaro, kwete mutoro, nokuti izvozvo hazvingakubatsirei chinhu. Tinyengeterereiwo. Tine chokwadi chokuti tine hana yakanaka uye tinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose. Ndinokukumbirai zvikuru kuti munyengetere, kuti ndigokurumidza kudzoserwa kwamuri.

VaHebheru 13:1-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Rudo pakati pehama ngarugare. Musakanganwa kuitira vaeni rudo; nokuti vachidaro vamwe vakagarisa vatumwa mumba, vasingazvizivi. Fungai vakasungwa, somunenge makasungwa pamwechete navo; naivo vanoitirwa zvakaipa, somunenge muri mumuviri imiwo. Kuwanana ngakukudzwe navose, nenhoo ngairege kuva nemhosva; nokuti Mwari achatongesa mhombwe navanofeva. Musakarira mari pamugariro wenyu; tendai nezvamunazvo; nokuti iye amene akati, “Handingatongokuregeri, handingatongokusiyi.” Naizvozvo tinotsunga mwoyo, tichiti, “Ishe ndiye mubatsiri wangu; handingatyi; Munhu angandiiteiko?” Rangarirai vatungamiriri venyu vaikuparidzirai shoko raMwari; cherekedzai kuguma kwokufamba kwavo, mugotevera kutenda kwavo. Jesu Kristu anogara akadaro zuro, nanhasi, nokusingaperi. Musatorwa nedzidziso dzimwe dzisingazikanwi; nokuti zvakanaka kuti mwoyo usimbiswe nenyasha; urege kusimbiswa nezvokudya zvisina kubatsira vakafamba mazviri. Isu tine aritari, pasingatenderwi kudyiwa navanoshumira tabhenakeri. Nokuti mitumbi yezvipfuwo, zvakaisirwa ropa razvo panzvimbo tsvene nomupristi mukuru nokuda kwezvivi, inopiswa kunze kwemisasa. Saka naiye Jesuo akatambudzika kunze kwesuo kuti aite vanhu vave vatsvene neropa rake. Naizvozvo ngatibudire kwaari kunze kwemisasa, titakure kunyadziswa kwake. Nokuti pano hatina guta richagara, asi tinotsvaka richavapo. Naizvozvo ngatirambe tichibayira Mwari naye chibayiro chokumurumbidza, ndicho chibereko chemiromo inopupura zita rake. Asi musakanganwa kuita zvakanaka nokugovana; nokuti Mwari anofara nezvibayiro zvakadai. Tererai vatungamiriri venyu, muzviise pasi pavo; nokuti vanochengeta mweya yenyu, savanhu vanozobvunzwa pamusoro penyu, kuti vaite izvozvo nomufaro, vasingaiti neshungu; nokuti izvozvo hazvikubatsiriyi chinhu. Tinyengetererei; nokuti tinoziva kwazvo kuti tine hana yakanaka, zvatinoda kufamba zvakanaka pazvinhu zvose. Ndinokumbira zvikuru kwamuri kuti muite izvozvo, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri.

VaHebheru 13:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Rambai muchingodana sehama nehama. Musarege kugamuchira vaenzi zvakanaka nokuti nokuita izvozvo vamwe vakachengeta vatumwa vasingavazivi kuti vatumwa. Rangarirai vasungwa vari mujeri muite sokunge munavo mujeri uye navanenge vasiri kubatwa zvakanaka nokuti nemiwo muchiri mumuviri. Kuwanana ngakuremekedzwe pakati pavanhu vose uye bonde ravawanani ngarirege kusvibiswa nokuti Mwari achatonga pfambi navanoita upombwe. Usakarire mari. Gutsikana nezvaunazvo nokuti Mwari akati, “Handimbokushaisa chokubata kana kukusiya.” Naizvozvo tinogona kutaura nemwoyo wose tichiti, “Mwari ndiye muyamuri wangu. Handimbotyi munhu angandiitei?” Yeukai vatungamiri venyu vakakutaurirai shoko raMwari murangarire zvakaburwa muupenyu hwavo, mutevedzere chitendero chavo. Jesu Kristu ndiye mumwecheteyo nezuro nanhasi uno uye nokusingaperi. Musarasiswe nezvidzidziso zvakasiyana–siyana uye zvisingazivikanwi. Chinhu chakanaka kusimbiswa mwoyo nenyasha kwete nemitemo yezvokudya isina kumbobatsira vanoichengeta. Isu tine atari yedu. Saka avo vanoshanda mutendhe inoera havana mvumo yokudya zvapaatari iyoyo. Mitumbi yemhuka dzine ropa raiunzwa nomupristi mukuru muNzvimbo Inoera yaipiswa kunze kwomusasa wamatendhe sechibayiro chokupfupira zvitadzo. Saizvozvo Jesu akatambudzikawo kunze kweguta kuti aruramise vanhu neropa rake. Naizvozvo ngatiendei kwaari kunze kwomusasa tindotakurawo kuzvidzwa kwake nokuti pasi pano hatina guta rinogara nokusingaperi asi tinotsvaga guta richauya. Ngatirambei tichingopira nokwaari chibayiro chokurumbidza Mwari. Ndiwo muchero womuromo unopupura nezvezita rake. Usakanganwe kuita zvinhu zvakanaka uye kugoverana navamwe zvaunazvo nokuti zvibayiro zvakadaro zvinofadza Mwari. Teererai vatungamiriri venyu muchizviisa pasi pavo nokuti vari kufudza mweya yenyu savanhu vachazozvidavirira kana vobvunzwa. Regai vaite izvi vachifara, kwete vakasuwa nokuti hazvina zvazvinokubatsirai. Tinamatireiwo nokuti tine chokwadi chokuti hana dzedu dzakachena. Tine mwoyo unoda kuita zvinhu zvose nemazvo. Ndinokukumbirisai nemwoyo wose kuti muite izvi kuti ndidzorerwe kwamuri nokuchimbidza.

VaHebheru 13:1-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ruɗo pakati pehama ŋgarugare. Musakaŋganwa kuitira ʋaeni ruɗo; nokuti ʋaciɗaro ʋamŋe ʋakagarisa ʋatumŋa mumba, ʋasiŋgaɀiziʋi. Fuŋgai ʋakasuŋgwa, somuneŋge makasuŋgwa pamŋe cete naʋo; naiʋo ʋanoitirwa ɀakaipa, somuneŋge muri mumuʋiri imi ʋo. Kuwanana ngakukudzwe naʋose, nenhoʋo ŋgairege kuʋa nemhoȿa; nokuti Mŋari ucatoŋgesa mhombge naʋanofeʋa. Musakarira mari pamugarire wenyu; tendai neɀamunaɀo; nokuti iye amene wakati: Handiŋgatoŋgokuregeri, handiŋgatoŋgokusiyi. Naiɀoɀo tinotsuŋga mŋoyo, ticiti: Ishe ndiye muɓatsiri waŋgu; handiŋgatyi; Munhu uŋgandiiteiko? Raŋgarirai ʋatuŋgamiriri ʋenyu ʋaikuparidzirai shoko raMŋari; cerekedzai kuguma kwokufamba kwaʋo, mugoteʋera kutenda kwaʋo. Jesu Kristu unogara akaɗaro zuro, nanhasi, nokusiŋgaperi. Musatorwa nedzidziso dzimŋe dzisiŋgazikanwi; nokuti ɀakanaka kuti mŋoyo usimbiswe nenyasha; urege kusimbiswa neɀokudya ɀisinakuɓatsira ʋakafamba maɀiri. Isu tineartari, pasiŋgatenderwi kudyiwa naʋanoshumira tabernakeri. Nokuti mitumbu yeɀipfuwo, ɀakaisirwa ropa raɀo panɀimbo tȿene nomuprista mukuru nokuɗa kweɀiʋi, inopiswa kunze kwemisasa. Saka naiye Jesu ʋo wakatambudzika kunze kwesuʋo, kuti aite ʋanhu ʋaʋe ʋatȿene neropa rake. Naiɀoɀo ŋgatiɓuɗire kwaari kunze kwemisasa, titakure kunyadziswa kwake. Nokuti pano hatineguta ricagara, asi tinotȿaka ricazoʋa’po. Naiɀoɀo ŋgatirambe ticiɓayira Mŋari naye ciɓayiro cokumurumbidza, ndico ciɓereko cemiromo inopupura zita rake. Asi musakaŋganwa kuita ɀakanaka nokugoʋana; nokuti Mŋari unofara neɀiɓayiro ɀakaɗai. Tererai ʋatuŋgamiriri ʋenyu, muɀiise pasi paʋo; nokuti ʋanorinda mŋeya yenyu, saʋanhu ʋanozobvunzwa pamsoro penyu, kuti ʋaite iɀoɀo nomufaro, ʋasiŋgaiti neshuŋgu; nokuti iɀoɀo haɀikuɓatsiriyi cinhu. Tinyeŋgetererei; nokuti tinoziʋa kwaɀo kuti tinehana yakanaka, ɀatinoɗa kufamba ɀakanaka paɀinhu ɀose. Ndinokumbira ɀikuru kwamuri kuti muite iɀoɀo, kuti ndikurumidze kudzoserwa kwamuri.

VaHebheru 13:1-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)