Habhakuki 2:19-20
Habhakuki 2:19-20 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ane nhamo anoti kudanda, ‘Rarama!’ Kana kubwe risingagoni kutaura, ‘Muka!’ Ko, zvingadzidzisa here? Tarira, chakafukidzwa negoridhe nesirivha; hachina mweya mukati macho napaduku. Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene; nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.”
Habhakuki 2:19-20 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ane nhamo anoti kudanda, ‘Muka! Kana kubwe risingagoni kutaura. Simuka! Zvinu izvi zvingadzidzisa here?’ Tarirai, zvakanamirwa nendarama nesirivha, asi hakuna mweya mukati mazvo napaduku. “Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene, nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake.”
Habhakuki 2:19-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvichamuwana munhu anoti kuchimuti zvacho, “Domukaiwo nhai,” neanoti kudombo zvaro risingataure, “Dosimukai.” Zvingavewo here nechinhu chazvingagone kuzivisa munhu? Zvamunoona kuti chakanamirirwa ndarama kana sirivha uye machiri icho hamuna kana mweya unofema. Asi TENZI, ari muTemberi yake Inoera, pasi pose ngapati mwiro kunyarara pamberi pake.
Habhakuki 2:19-20 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Unenhamo unoti kuɗanda: Muka! kana kubge risiŋgagoni kutaura: Simuka! Ɀinhu iɀi ɀiŋgadzidzisa here? Tarirai, ɀakanamirwa nendarama nesirveri, asi hakunomŋeya mukati maɀo napaɗuku. Asi Jehova uri mutembere yake tȿene, nyika yose ŋgairambe inyerere pamberi pake.
Habhakuki 2:19-20 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)