Genesisi 6:5-7
Genesisi 6:5-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Jehovha akaona kuti kuipa kwomunhu panyika kwakanga kuri kukuru sei, uye kuti ndangariro dzomwoyo wake dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose. Jehovha akazvidemba kuti akanga aita munhu panyika, uye mwoyo wake wakazara nokurwadziwa. Saka Jehovha akati, “Ndichabvisa vanhu pamusoro penyika ivo vanhu vandakaisa, vanhu nemhuka, nezvisikwa zvinokambaira pamusoro pevhu, neshiri dzedenga, nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.”
Genesisi 6:5-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jehovha wakaona kuti kuipa kwavanhu kwakanga kuri kukuru panyika, nendangariro dzokufunga kwemwoyo yavo dzakanga dzakaipa bedzi nguva dzose. Jehovha akazvidemba pamusoro pokuita kwake vanhu panyika, akava neshungu pamwoyo pake. Jehovha akati, “Ndichaparadza vanhu vandakasika ndivabvise panyika vanhu, nemhuka, nezvinokambaira, neshiri dzedenga; nokuti ndinozvidemba kuti ndakazviita.”
Genesisi 6:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Tenzi akaona kuti uipi hwevanhu hwakanga hwanyanya kuwanda panyika. Akaonawo kuti twavaiswerofunga zuva rose mumwoyo yavo, hwaiva huipi hwoga hwoga. Mwari akakungura kuti dai zvake asina kusika munhu pasi pano, zvikamushungurudza mumwoyo. Tenzi akati, “Ndichatsakatisa panyika vanhu vandakasika, ivo vanhu nemhuka nezvinokambaira nezvinozvova napasi, neshiri dzedenga. Ndino urombo kuti ndakasika vanhu.”
Genesisi 6:5-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jehova wakaʋona kuti kuipa kwaʋanhu kwakaŋga kuri kukuru panyika, nendaŋgariro dzokufuŋga kwemŋoyo yaʋo dzakaŋga dzakaipa ɓedzi ŋguʋa dzose. Jehova akaɀidemba pamsoro pokuita kwake ʋanhu panyika, akaʋa neshuŋgu pamŋoyo pake. Jehova akati: Ndicaparadza ʋanhu ʋandakasika ndiʋabvise panyika — ʋanhu, nemhuka, neɀinokambaira, neshiri dzeɗeŋga; nokuti ndinoɀiɗemba kuti ndakaɀiita.
Genesisi 6:5-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)