Genesisi 49:8-12
Genesisi 49:8-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Judha, hama dzako dzichakurumbidza; ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako; vanakomana vababa vako vachakotama kwauri. Uri mwana weshumba, iwe Judha; unodzoka kubva kune zvaunouraya, mwana wangu. Seshumba anonyangira uye anovata pasi, seshumbakadzi, ndiani anotsunga kumumutsa? Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha, uye mudonzvo womutongi pakati pamakumbo ake, kusvikira asvika kumuridzi wawo, uye kuteerera kwendudzi ndokwake. Achasungirira mbongoro yake pamuzambiringa, nomwana wayo padavi rakaisvonaka; achasuka nguo dzake muwaini, zvokufuka zvake muropa ramazambiringa. Meso ake achasviba kupfuura waini, meno ake achachena kupfuura mukaka.
Genesisi 49:8-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Iwe Judha, ucharumbidzwa nehama dzako; Ruoko rwako ruchava pamitsipa yavavengi vako, Vana vababa vako vachakotamira pamberi pako. Judha mwana weshumba; Iwe mwanakomana wangu, wakwira uchibva pane zvakaurawa; Wakakotama, wakanyanga seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko achamumutsa? Tsvimbo youshe haingabvi kuna Judha, Kana mudonzvo, womubati pakati petsoka dzake, Kusvikira Shiro auya; Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuerera iye. Unosungira mbongoro yake pamuzambiringa, Nomwana wembongoro yake pamuzambiringa wakaisvonaka; Wakasuka nguo dzake newaini, Nezvokufuka zvake muropa ramazambiringa. Meso ake achatsvuka newaini, Meno ake achachena nomukaka.
Genesisi 49:8-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Iwe Judha, ndiwe ucharumbidzwa nehama dzako. Uchadzipa huro dzavavengi vako uchivakurira, vana vababa vako vachakugwadamira. Judha mwana weshumba chaiyo, anobata nyama achibva adzokera kubako rake, ondozorora zvake akazvambarara. Seshumba hadzi hakuna angashinge kumumutsa. Tsvimbo youshe haizobvi pana Judha. Haazotorerwa nyembe youmambo, kusvikira muridzi wenyembe asvika. Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuteerera. Achasungirira dhongi rake pamugirepisi achasungirira chigondora chake chedhongi pamugirepisi wakanaka kwazvo, hanzu dzake achisuka zvake muwaini, zvipfeko zvake achisuka muwaini yakati piriviri kutsvuka. Meso ake achatsvuka kunge waini, meno ake agochena kuti mbe-e somukaka.
Genesisi 49:8-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iwe Juda, ucarumbidzwa nehama dzako; Ruʋoko rwako rucaʋa pamitsipa yaʋaʋeŋgi ʋako, Ʋana ʋaɓaɓa ʋako ʋacakotamira pamberi pako. Juda mŋana weshumba; Iwe mŋanakomana waŋgu, wakwira ucibva paneɀakaʋurawa; Wakakotama, wakanyaŋga seshumba, Seshumbakadzi; ndianiko ucamumutsa? Tȿimbo yoʋushe haiŋgabvi kunaJuda, Kana muɗonɀo womuɓati pakati petsoka dzake, Kuȿikira Shiro aʋuya; Ndudzi dzose dzaʋanhu dzicamuerera iye. Unosuŋgira mboŋgoro yake pamuzambiriŋga, Nomŋana wemboŋgoro yake pamuzambiriŋga wakaiȿo‐naka; Wakasuka ŋguʋo dzake newaini, Neɀokufuka ɀake muropa ramazambiriŋga Meso ake acatȿuka newaini, Meno ake acacena nomukaka.
Genesisi 49:8-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)