Genesisi 41:15-16
Genesisi 41:15-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Faro akati kuna Josefa, “Ndakarota hope, uye hakuna munhu akagona kudzidudzira. Asi ndanzwa zvarehwa nezvako kuti paunonzwa kurota uku, unogona kukududzira.” Josefa akapindura Faro akati, “Ini handigoni kuzviita, asi Mwari achapa Faro mhinduro yaanoda.”
Genesisi 41:15-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Farao akati kuna Josefa, “Ndarota hope, asi hakuna munhu anogona kundidudzira idzo; zvino ndanzwa kuti iwe, kana wanzwa kurota, unogona kuzvidudzira.” Josefa akapindura Farao, akati, “Kwete, handizini; Mwari ndiye angapa Farao dudziro yorugare.”
Genesisi 41:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Farao akataura kuna Josefi achiti, “Ndakarota hope, asi hakuna munhu agona kudzidudzira. Zvino ndanzwa nezvako zvichinzi kana munhu akakurondedzera hope dzake, iwe unogona kudzidudzira.” Josefi akapindura Farao achiti, “Kwete ini, changamire, asi Mwari ndiye angakupei dudziro chaiyo.”
Genesisi 41:15-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Farao akati kunaJosefa: Ndarota hope, asi hakunomunhu unogona kundiɗudzira idzo; ɀino ndanzwa kuti iwe, kana wanzwa kurota, unogona kuɀiɗudzira. Josefa akapindura Farao, akati: Kwete, handizi’ni; Mŋari ndiye uŋgapa Farao ɗudziro yorugare.
Genesisi 41:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)