Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 41:1-16

Genesisi 41:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Makore maviri azere akati apfuura, Faro akarota hope: Akanga amire paRwizi Nairi. Uye mhou nomwe dzakanga dzakanaka, dzakakora, dzakabuda murwizi dzikafura pakati petsanga. Shure kwadzo, dzimwe mhou nomwe, dzakanga dzakashata uye dzakaonda, dzakabuda muna Nairi, dzikamira parutivi rwedziya dzaiva kumahombekombe orwizi. Uye mhou dziya dzakanga dzakashata, dzakaonda, dzakadya mhou dziya dzakanga dzakanaka uye dzakakora. Ipapo Faro akapepuka. Akavatazve hope uye akarota kechipiri: Hura dzezviyo nomwe dzakanga dzakakora uye dzakanaka, dzakanga dzichikura padzinde rimwe. Shure kwadzo, dzimwe hura nomwe dzezviyo dzakabuda, dzakatetepa uye dzakapiswa nemhepo yokumabvazuva. Hura dzezviyo dzakatetepa dzakamedza dziya nomwe dzakanga dzakakora, hura dzakanga dzizere. Ipapo akapepuka, onei kwakanga kuri kurota. Mangwanani pfungwa dzake dzakatambudzika, saka akatuma shoko kunʼanga dzose navachenjeri veIjipiti. Faro akavaudza kurota kwake, asi hakuna munhu akagona kuzvidudzira kwaari. Ipapo mudiri mukuru akati kuna Faro, “Nhasi ndinorangarira kutadza kwangu. Pane imwe nguva Faro akatsamwira varanda vake, uye akandipfigira ini nomubiki mukuru mumba momukuru wavarindi. Mumwe nomumwe wedu akarota hope usiku humwe chetehwo, uye kurota kumwe nokumwe kwaiva nedudziro yako. Zvino jaya rechiHebheru rakanga rinesu, iye muranda womukuru wavarindi, takamuudza kurota kwedu, iye akakududzira kwatiri, achipa murume mumwe nomumwe dudziro yehope dzake. Uye zvinhu zvakaitika chaizvo sezvaakadudzira kwatiri: Ini ndakadzoserwa pabasa rangu, uye mumwe murume uye akasungirirwa.” Saka Faro akatuma vanhu kuna Josefa, uye akakurumidza kubudiswa mugomba. Akati aveurwa musoro uye apfeka dzimwe nguo, akauya pamberi paFaro. Faro akati kuna Josefa, “Ndakarota hope, uye hakuna munhu akagona kudzidudzira. Asi ndanzwa zvarehwa nezvako kuti paunonzwa kurota uku, unogona kukududzira.” Josefa akapindura Faro akati, “Ini handigoni kuzviita, asi Mwari achapa Faro mhinduro yaanoda.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 41

Genesisi 41:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Makore maviri akati apera, Farao akarota hope; akazviona amire parwizi. Akaona mhou nomwe dzichikwira dzichibuda murwizi, dzakanga dzakanaka, dzakakora; dzichifura pakati penhokwe. Zvino akaona dzimwe mhou nomwe dzichikwira mashure madzo, dzichibva murwizi, dzakanga dzakaipa, dzakaonda; dzikamira nedzimwe mhou pamhenderekedzo yorwizi. Zvino mhou dzakaipa, dzakaonda, dzikadya mhou dziya nomwe dzakanaka, dzakakora. Farao akapepuka. Akavatazve, akarota rwechipiri; akaona hura nomwe dzezviyo dzakanga dzatumbuka padzinde rimwe, dzakanga dzakakora, dzakanaka, akaona hura nomwe, dzakanga dzakatetepa, dzakanga dzapiswa nemhepo yokumabvazuva, dzichibuda shure kwadzo. Zvino hura dzakatetepa dzikamedza hura nomwe dzakakora, dzakanga dzizere. Farao akapepuka, akaona kuti arota. Zvino fume mangwana mweya wake ukatambudzika, akatuma vanhu kundodana n'anga dzose dzeIjipiti navakachenjera vose voko; Farao akavaudza kurota kwake; asi kwakanga kusina munhu waigona kuzvidudzira kuna Farao. Ipapo mukuru wavadiri akaudza Farao, akati, “Nhasi ndinorangarira kutadza kwangu; Farao akanga akatsamwira varanda vake, mukandisunga, ndikachengetwa mumba momukuru wavarindi, ini nomukuru wavabiki; tikarota hope nousiku humwe, ini naiye; tikarota mumwe nomumwe hope dzine dudziro yadzo. Zvino ipapo pakanga panesu jaya romuHebheru, muranda womukuru wavarindi; tikamuudza, iye akatidudzira kurota kwedu; akadudzira mumwe nomumwe sezvaakarota. Zvikazoitika sezvaakatidudzira; ini ndakadzoserwa kubasa rangu, asi iye akasungirirwa.” Ipapo Farao akatuma munhu kundodana Josefa, akakurumidza kumubudisa mugomba; vakaveura ndebvu dzake nokumufukidza dzimwe nguo; akapinda kuna Farao. Farao akati kuna Josefa, “Ndarota hope, asi hakuna munhu anogona kundidudzira idzo; zvino ndanzwa kuti iwe, kana wanzwa kurota, unogona kuzvidudzira.” Josefa akapindura Farao, akati, “Kwete, handizini; Mwari ndiye angapa Farao dudziro yorugare.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 41

Genesisi 41:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Kwakati kwapera makore maviri, Farao akarota hope dzake. Akarota amire muna Nairi, achiona mhou nomwe dzemombe dzakanaka, dzakakora dzichibuda murwizi, dzichindofura mutsanga. Akaonazve dzimwe mhou nomwe dzakaipa, dzakaonda dzichibudawo murwizi, dzikandomira paiva nedzimwe mhou dziya dzakanaka pamahombekombe erwizi. Mhou dzakaonda dzakadya mhou dzakakora. Farao ndokubva apepuka. Akavatazve, ndokurota dzimwe hope. Akaona hura nomwe dzekoroni dzakasvika dzakanaka dzaiva padzinde rimwechete. Akaona hura nomwe dzekoroni nhete dzakanga dzisina kusvika, dzakanga dzakaomeswa nemhepo yokumabvazuva. Hura nhete dzakamedza hura dziya dzakasvika, Farao akapepuka, wanei kuti kwaiva kurota chete. Kuzoti kwaedza Farao akanetseka zvikuru. Akatuma vanhu kundodaidza n'anga dzose dzomuIjipiti navachenjeri vose. Akavarondedzera hope dzake, asi havana kugona kudzidudzira kuna Farao. Ipapo mukuru mukuru wokuona nezvewaini akataura kuna Farao achiti, “Nhasi uno ndayeuchidzwa kutadza kwangu. Handiti imi mambo makambotishatirirwa isu varanda venyu, ini nomukuru mukuru wevabiki, makatisunga tikaiswa mujeri, mumba yomukuru wavachengeti vokwamambo. Tose tiri vaviri takarota hope usiku humwechete. Hope dzomumwe nomumwe wedu dzaiva nezvedzaireva. Takanga tiine rimwe jaya rechiHebheru raiva muranda womukuru wavachengetedzi iyeyo. Takamurondedzera hope dzedu, iye akabva adudzira chiroto chimwe nechimwe. Zvose zvaakadudzira, ndizvo zvakazoitika kwatiri. Ini ndakadzorerwa pabasa rangu, mubiki akasungirirwa akafa.” Ipapo Farao akatuma munhu kundodaidza Josefi. Vakamukurumidzisa kubuda mujeri muya. Akaveura ndebvu dzake vakamupfekedza dzimwe hanzu, ndokuenda naye kuna Farao. Farao akataura kuna Josefi achiti, “Ndakarota hope, asi hakuna munhu agona kudzidudzira. Zvino ndanzwa nezvako zvichinzi kana munhu akakurondedzera hope dzake, iwe unogona kudzidudzira.” Josefi akapindura Farao achiti, “Kwete ini, changamire, asi Mwari ndiye angakupei dudziro chaiyo.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 41

Genesisi 41:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Makore maʋiri akati apera cose, Farao akarota hope; akaɀiʋona amire parwizi. Akaʋona mhou nomŋe dzicikwira dziciɓuɗa murwizi, dzakaŋga dzakanaka, dzakakora; dzikafura pakati penhokwe. Ɀino akaʋona dzimŋe mhou nomŋe dzicikwira mashure madzo, dzicibva murwizi, dzakaŋga dzakaipa, dzakawonda; dzikamira nedzimŋe mhou pamhenderekedzo yorwizi. Ɀino mhou dzakaipa, dzakawonda, dzikadya mhou dziya nomŋe dzakanaka, dzakakora. Farao akapepuka. Akaʋata ɀe, akarota rwecipiri; akaʋona hura nomŋe dzeɀiyo dzakaŋga dzatumbuka padzinde rimŋe, dzakaŋga dzakakora, dzakanaka, akaʋona hura nomŋe, dzakaŋga dzakatetepa, dzakaŋga dzapiswa nemhepo yokumabvazuʋa, dziciɓuɗa shure kwadzo. Ɀino hura dzakatetepa dzikamedza hura nomŋe dzakakora, dzakaŋga dzizere. Farao akapepuka, akaʋona kuti warota. Ɀino fume maŋgwana mŋeya wake ukatambudzika, akatuma ʋanhu kundoɗana ŋaŋga dzose dzeEgipita naʋakacenjera ʋose ʋo’ko; Farao akaʋaʋudza kurota kwake; asi kwakaŋga kusinomunhu waigona kuɀiɗudzira kunaFarao. Ipapo mukuru waʋaɗiri akaʋudza Farao, akati: Nhasi ndinoraŋgarira kutadza kwaŋgu; Farao wakaŋga akatsamŋira ʋaranda ʋake, mukandisuŋga, ndikaceŋgetwa mumba momukuru waʋarindi, ini nomukuru waʋaɓiki; tikarota hope noʋusiku ʋumŋe, ini naiye; tikarota mumŋe nomumŋe hope dzineɗudziro yadzo. Ɀino ipapo pakaŋga panesu jaya romuHeberu, muranda womukuru waʋarindi; tikamuʋudza, iye akatiɗudzira kurota kweɗu; akaɗudzira mumŋe nomumŋe seɀaakarota. Ɀikazoitika seɀaakatiɗudzira; ini ndikadzoserwa kuɓasa raŋgu, asi iye wakasuŋgirirwa. Ipapo Farao akatuma munhu kundoɗana Josefa, ʋakakurumidza kumuɓuɗisa mugomba; ʋakaʋeʋura ndebvu dzake nokumufukidza dzimŋe ŋguʋo; akapinda kunaFarao. Farao akati kunaJosefa: Ndarota hope, asi hakunomunhu unogona kundiɗudzira idzo; ɀino ndanzwa kuti iwe, kana wanzwa kurota, unogona kuɀiɗudzira. Josefa akapindura Farao, akati: Kwete, handizi’ni; Mŋari ndiye uŋgapa Farao ɗudziro yorugare.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 41

Genesisi 41:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)