Genesisi 40:1-4
Genesisi 40:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwaizvozvo, mudiri nomubiki wamambo weIjipiti vakatadzira tenzi wavo, mambo weIjipiti. Faro akatsamwira varanda vake vaviri, mudiri mukuru nomubiki mukuru, akaita kuti vachengetwe mumba yomukuru wavarindi, mutorongo rimwe chetero makanga makapfigirwa Josefa. Mukuru wavarindi akavatumira kuna Josefa, akavachengeta uye vakava muchitokisi kwechinguva.
Genesisi 40:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Shure kwaizvozvo mudiri wamambo weIjipiti nomubiki wake vakatadzira tenzi wavo, mambo weIjipiti. Farao akatsamwira kwazvo varanda vake vaviri, ivo mukuru wavadiri nomukuru wavabiki. Akavasunga kuti vachengetwe mumba momukuru wavarindi, mutorongo, pakanga pakasungwa Josefa. Mukuru wavarindi akaraira Josefa kuvachengeta; iye akavabatira, vakaita nguva vachichengetwa.
Genesisi 40:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kwakati kwapera nguva yakati kuti, mukuru mukuru wamambo weIjipiti wokuona nezvewaini, nomukuru mukuru wavabiki vakatadzira tenzi wavo, mambo weIjipiti. Farao akashatirirwa vashandi vake vaviri ava vanoti mukuru mukuru wokuona nezvewaini nomukuru mukuru wavabiki. Akavasunga akavapfigira mumba yomukuru mukuru wavachengeti vokwamambo, mujeri makanga makaiswawo Josefi muya. Mukuru mukuru wavachengetedzi iyeyo akaudza Josefi kuti avashandire. Vakagara mujeri kwenguva ndefu.
Genesisi 40:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Shure kwaiɀoɀo muɗiri wamambo weEgipita nomuɓiki wake ʋakatadzira tenzi waʋo, mambo weEgipita. Farao akatsamŋira kwaɀo ʋaranda ʋake ʋaʋiri, iʋo mukuru waʋaɗiri nomukuru waʋaɓiki. Akaʋasuŋga kuti ʋaceŋgetwe mumba momukuru waʋarindi, mutoroŋgo, pakaŋga pakasuŋgwa Josefa. Mukuru waʋarindi akaraira Josefa kuʋaceŋgeta; iye akaʋaɓatira, ʋakaita ŋguʋa ʋaciceŋgetwa.
Genesisi 40:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)