Genesisi 3:1-4
Genesisi 3:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino nyoka yakanga ina manomano kupfuura mhuka dzose dzakasikwa naJehovha Mwari. Yakati kumukadzi, “Ko, chaizvoizvo Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muti upi zvawo uri mubindu here’?” Mukadzi akati kunyoka, “Tingadya hedu michero inobva mumiti iri mubindu, asi Mwari akati, ‘Hamufaniri kudya muchero unobva pamuti uri pakati pebindu, uye musaubata kuti murege kufa.’ ” Nyoka yakati kumukadzi, “Hamungafi zvirokwazvo.
Genesisi 3:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nyoka yakanga ina mano kupfuura mhuka dzose dzesango dzakanga dzaitwa naJehovha Mwari. Ikati kumukadzi, “Nhai, ndizvo here kuti Mwari akati, ‘Regai kudya miti yose yomunda?’ ” Mukadzi akati kunyoka, “Tingadya hedu michero yemiti pamunda, asi kana iri michero yomuti uri pakati pomunda, Mwari akati, ‘Regai kuudya, kana kuubata, kuti murege kufa.’ ” Nyoka ikati kumukadzi, “Hamungafi zviro kwazvo
Genesisi 3:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvino nyoka yakanga yakasvinuka kupinda mhuka dzesango dzose dzakasikwa naMwari Tenzi. Nyoka yakati kumukadzi, “Ko ndizvo here kuti Mwari akati, ‘Regai kudya michero yemiti yose yomubindu muno?’ ” Mukadzi akati, “Isu tingadye zvedu michero yose yemiti iri mubindu. Asi Mwari akati musadye muchero womuti uri pakati pebindu, kana kuubata zvako nokuti mungafe.” Nyokawo ikati kumukadzi, “Kwete, hamumbofa!
Genesisi 3:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino nyoka yakaŋga inamano kupfuʋura mhuka dzose dzesaŋgo dzakaŋga dzaitwa naJehova Mŋari. Ikati kumukadzi: Nhai, ndiɀo here kuti Mŋari wakati: Regai kudya miti yose yomunda? Mukadzi akati kunyoka; Tiŋgadya heɗu micero yemiti pamunda, asi kana iri micero yomuti uri pakati pomunda, Mŋari wakati: Regai kuudya, kana kuuɓata, kuti murege kufa. Nyoka ikati kumukadzi: Hamuŋgafi ɀirokwaɀo
Genesisi 3:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)