Genesisi 25:29-33
Genesisi 25:29-33 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rimwe zuva Jakobho paakanga achibika zvokudya, Esau akasvikopinda achibva kusango, aziya nenzara! Akati kuna Jakobho, “Dokurumidzawozve, undipewo zvimwe zvokudya zvakatsvukira izvo ndidye! Ndava kuziya nenzara!” (Ndokusaka akatumidzwawo zita rokuti Edhomu). Jakobho akapindura akati, “Tanga wanditengesera udangwe hwako.” Esau akati, “Tarira, ndava kuda kufa ini. Ko, udangwe huchandibatsirei?” Asi Jakobho akati, “Tanga wandipikira.” Saka akapika mhiko kwaari, achitengesa udangwe hwake kuna Jakobho.
Genesisi 25:29-33 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Jakobho wakanga abika zvokudya, Esau akasvika achibva kusango aziya; Esau akati kuna Jakobho, “Dondipawo izvo zvakatsvuka ndidye, nokuti ndaziya;” saka wakatumidzwa zita rinonzi Edhomu. Jakobho akati, “Chimbonditengesera udangwe hwako.” Esau akati, “Tarira, ndofa hangu, udangwe uchandibatsireiko?” Jakobho akati, “Chimbondipikira;” akamupikira, akatengesera Jakobho udangwe hwake.
Genesisi 25:29-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rimwe zuva Jakobho akati achibika rupiza Esau ndokudzoka achibva musango aziya nenzara. Esau akati kuna Jakobho, “Dondipawo zvawabika zvakatsvukirira izvo ndidye nokuti ndaziya nenzara!” (Ndosaka akatumidzwa zita rokuti Edhomu). Jakobho akati, “Tanga wanditengesera udangwe hwako!” Esau ndokuti, “Ini ndava kufa nenzara kudai, ko udangwe hungandibatsirei?” Jakobho akati, “Tanga wapika izvozvo kwandiri nhasi uno. Naizvozvo Esau akapika akabva atengesera Jakobho udangwe hwake.
Genesisi 25:29-33 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Jakobo wakaŋga aɓika ɀokudya, Esau akaȿika acibva kusaŋgo aɀiya; Esau akati kunaJakobo: Ƌondipa ʋo iɀo ɀakatȿuka ndidye, nokuti ndaziya; saka wakatumidzwa zita rinonzi Edomi. Jakobo akati: Cimbonditeŋgesera ʋuɗaŋgwe bgako. Esau akati: Tarira, ndofa haŋgu, ʋuɗaŋgwe ʋucandiɓatsireiko? Jakobo akati: Cimbondipikira; akamupikira, akateŋgesera Jakobo ʋuɗaŋgwe bgake.
Genesisi 25:29-33 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)